Online Bible

- Reklamy -

ƲaEfeso 5 - Bhaibhiri Idzva rechiShona


Kugara muchiedza

1 Naizvozvo savana vaMwari vapamwoyo, tevedzai zvinoita Mwari.

2 Garai upenyu hworudo sokutida kwakaita Kristu akazvipirira isu ari mupiro unonhuwirira nechibayiro kuna Mwari.

3 Sechinhu chinokodzerana navatsvene, pakati penyu hapafaniri kana kudomwa zvako upombwe nezvinhu zvose zvakaora kana makaro.

4 Ngaparege kuva nezvinhu zvisingakodzeri nezvetsvina zvose kana tunyaya tusina maturo kana kushaya hunhu asi chinofanira kuvapo kutenda.

5 Chamunofanira kuva nechokwadi nacho ndechichi chokuti hakuna anowana nhaka youmambo hwaKristu nohwaMwari kana ari mhombwe kana anoita zvakaora kana munhu ana makaro, iyeyo ndiye munhu anonamata mwari asiri iye.

6 Musanyengedzwe nomunhu ana mazwi asina maturo nokuti pamusana paizvozvi Mwari anoitira hasha vanhu vasingateereri.

7 Nezvo musafambidzane navo

8 nokuti maimbova verima asi muna Tenzi mava vechiedza. Naizvozvo fambai savana vechiedza. (

9 Muchero wechiedza unowanikwa mune zvakanaka zvose nomune zvakarurama nezviri pachokwadi.)

10 Edzai kudzidza zvinofadza Tenzi.

11 Musave nechii chokuita namabasa asina muchero erima asi imi afumurei

12 nokuti zvinotonyadzisa kutaura zvinhu zvavanoita muchivande.

13 Asi kana chinhu chose chaburitswa pachena nechiedza chinobva chaonekwa. Zvino, chinhu chinenge chavakuoneka chinobva chava chiedza.

14 Ndokusaka zvichinzi; “Muka iwe uvete, muka muvakafa, Kristu achakuvhenekera.”

15 Naizvozvo fambai makachenjera kwete savanhu vasina kungwara asi savanhu vakangwara.

16 Nyatsoshandisai nguva yenyu nokuti kwaipa mazuva ano.

17 Naizvozvo musave mazirema asi nzwisisai zvinoda Tenzi

18 uye musararadze newaini nokuti unzenza hwakapfuuridza ihwohwo, asi ini zadzwai naMweya.

19 Tauriranai muchiimbirana nziyo nedzimbo nezvimbo zvaMweya muchiimba muchiita mumhanzi kuna Tenzi nemwoyo yenyu yose

20 muchitenda Mwari Baba muzita raTenzi wedu Jesu Kristu nguva dzose uye muna zvose.


Magariro akanaka ababa naamai mumba

21 Zviisei pasi pomumwe nomumwe wenyu pamusana pokuremekedza Kristu.

22 Imi vadzimai zviisei pasi pavarume venyu sokuna Tenzi

23 nokuti murume ndiye musoro womudzimai sezvakangoita Kristu ari musoro wesangano iro riri muviri wake uye iye ari mununuri waro.

24 Sangano sezvariri pasi paKristu, vadzimaiwo ngavave pasi pavarume vavo muna zvose.

25 Imi varume idai vadzimai venyu sokuda kwakaita Kristu sangano akazvipira

26 iye pamusana paro kuti ariite dzvene, mushure mokunge ari shambidza mumvura neshoko

27 kuti aritsvitse kwaari rakanaka kwazvo risina kana kavara kana pakaunyana kana chimwe chakadaro kuti rive dzvene risina chinoshoreka.

28 Saizvozvo varume vanofanira kuda vadzimai vavo sokuda kwavanoita miviri yavo. Munhu anoda mudzimai wake ari kutozvida iye pachake

29 nokuti hapana munhu anovenga muviri wake. Asi anotoupa chokudya nokunyatsouchengetedza sezvinoita Kristu kusangano.

30 Izvi pamusana pokuti tiri nhengo dzomuviri wake.

31 Nokuda kwaizvozvi murume anosiya baba vake naamai vake achibatanidzwa nomudzimai wake. Vose vari vaviri vachiva nyama imwechete.

32 Ichi chinhu chikuru chakavandika. Ndiri kureva nezvaKristu nesangano.

33 Asi izvi zvinorevawo imi. Mumwe nomumwe wenyu ngaade mudzimai wake sokuzvida kwaanoita iye pachake. Mudzimai ngaaremekedzewo murume wake.

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy