ƲaEfeso 3 - Bhaibhiri Idzva rechiShonaBasa raPauro kune vechirudzi 1 Nokuda kwaizvozvi ini Pauro, musungwa waKristu Jesu pamusana penyu imi vechirudzi, ndinonamata kuna Mwari. 2 Ndinofunga kuti makanzwa zvebasa renyasha dzaMwari routariri randakapirwa imi, 3 rokuti zvakavandika zviya zvakaziviswa kwandiri muchiratidzo, sokunyora kwandakaita muchidimu. 4 Mukazviverenga muchaona kunzwisisa kwandinoita zvakavandika zvaKristu 5 zvisina kuziviswa kuvanhu mune zvimwe zvizvarwa sokuziviswa kwazvakaitwa naMweya iye zvino kuna vapositori vake vatsvene navaporofita 6 zvokuti pamusana peShoko Rakanaka vechirudzi vavawo vagari venhaka navaJudha, uye vava nhengo dzomuviri mumwechete navo uyewo vanhu vanogoverana navo zvakapikirwa muna Kristu Jesu. 7 Ini ndakaitwa mushandiri weShoko Rakanaka iroro maererano nechipo chenyasha idzodzo dzaMwari dzandakapiwa nokushanda kwesimba rake. 8 Kunyange zvangu ndiri mudukuduku wokupedzisirira kuna vatsvene vose, nyasha idzi dzakapiwa kwandiri kuri kuti ndiparidze vechirudzi upfumi husingatauriki hwaKristu 9 uye kuti ndionese vanhu vose urongwa hwezvakavandika zvakanga zvakavanzwa kwezvizvarwa nezvizvarwa naMwari akasika zvinhu zvose 10 kuitirawo kuti nomusangano, ungwaru hwaMwari hwakasiyana–siyana huratidzwe zvino kune mweya mikurukuru neino ushe yomumatenga. 11 Izvi zvaifambirana nezvirongwa zvavo zvokugara nokugara zvakazozadzikiswa muna Kristu Jesu Tenzi wedu, 12 anotipa kuti tive nechivindi nechivimbo chokusvika pana Mwari nokuda kwechitendero chedu maari. 13 Naizvozvo ndinokukumbirai kuti musarase mwoyo pamusana pezvandiri kutambudzikira imi. Inga ndizvo zvinokupai kuti murumbidzwe wani. Munamato waPauro 14 Nokuda kwaizvozvi ndinopfugama namabvi angu mberi kwaBaba 15 kunobva chose chinotumidzwa kuti mhuri, chingave kudenga kana kuti pasi pano. 16 Ndinonamata kuti kubva muupfumi hwavo hune mbiri akusimbaradzei nesimba nokuna Mweya, umunhu hwenyu hwomukati 17 uye kuti nechitendero chenyu Kristu aite musha wake mumwoyo yenyu kuti imi mudzike midzi yenyu uye kucherera hwaro hwenyu murudo, 18 kuti muwane simba rokunzwisisa pamwechete navatsvene vose upamhi nourefu nokukwira kumusoro mudenga noudzamu uye kuti muzive 19 rudo rwaKristu runopfuura ruzivo kuti muzadzwe naMwari wose sezvaari. 20 Zvino iye ane simba rinoshanda matiri anokwanisa kuita zvakawandisisa kupfuura zvose zvatingakumbire kana zvatingafunge 21 iye ngaarumbidzwe musangano uye muna Kristu Jesu kuzvizvarwa nezvizvarwa narini narini wose Ameni. |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe