Online Bible

- Reklamy -

Ruka 9 - Bhaibhiri Idzva rechiShona


Jesu anotuma vapositori
( Mat 10:5–15 ; Mak 6:7–13 )

1 Jesu akadaidza vane gumi navaviri akavapa simba noukuru pamusoro pemweya yose yakaipa nesimba rokurapa zvirwere.

2 Akavatuma kundoparidza umambo hwaMwari uye kundoporesa.

3 Akati kwavari, “Musatakure zvinhu zverwendo zvinoti tsvimbo kana nhava kana chingwa kana mari. Musave nehembe mbiri.

4 Imba ipi neipi yamunosvikira garai imomo kusvikira pamunobvapo.

5 Kose kwavasingakugamuchirei, kana mobva muguta iroro gumai guruva retsoka dzenyu rive uchapupu kwavari.”

6 Vadzidzi vakaenda nomumisha vachiparidza shoko vachiporesa kose kose.


Kukangaidzwa kwaHerodhi
( Mat 14:1–12 ; Mak 6:14–29 )

7 Herodhi mumwe wavatongi vana akanzwa zvose zvakanga zvaitwa zvakamupazanisa musoro nokuti zvainzi navamwe, ndiJohani akamutswa kuvakafa,

8 vamwewo vachiti ndiEriya akazvionesa. Vamwewo vaiti mumwe wavaporofita vakare akanga amuka.

9 Herodhi akati, “Johani ndakamudimbura musoro. Ko uyu ndiani wandinonzwa zvinhu zvakadai nezvake.” Naizvozvo aitsvaga kuti angamuone sei.


Kugutswa kwezviuru zvishanu zvavanhu
( Mat 14:13–21 ; Mak 6:30–44 ; Joh 6:1–14 )

10 Vapositori pavakadzoka vakamurondedzera zvavakanga vaita. Akavatora akaenda navo kwavo voga kuguta rinonzi Bhetisaidha.

11 Voruzhinji pavakazvinzwa vakamutevera. Akavagamuchira akataura kwavari nezvoumambo hwaMwari. Akarapa vakanga vachida kurapwa.

12 Zuva parakanga rodeuka vane gumi navaviri vakauya vakati kwaari, “Dai machiendesa vanhu mumamisha nomuruwa ruri munharaunda ino kuti vandorara nokuwana zvokudya nokuti matiri muno murenje.”

13 Asi iye akati kwavari, “Vapei iyemi zvokudya.” Ivowo vakati tinongova nezvingwa zvishanu nehove mbiri chete kunze kokunge tatondotengera vanhu ava vose chokudya.

14 Izvozvo pakanga paine varume vainge zviuru zvishanu. Jesu akati kuvadzidzi vake, “Itai kuti vanhu vagare pasi muzvikwata zvavanhu vanenge makumi mashanu pachikwata choga choga.”

15 Vakaita saizvozvo. Vakagarisa vanhu vose pasi.

16 Jesu akatora zvingwa zviya zvishanu nehove mbiri dziya akatarisa kudenga ndozvikomborera ndokuzvimedura akazvipa kuvadzidzi kuti vazvipe kuvanhu.

17 Vanhu vose vakadya vakaguta. Vakanongera zvakanga zvasara zvikazadza tswanda gumi nembiri.


Jesu ndiani
( Mat 16:13–19 ; Mak 8:27–29 )

18 Zvakaitika kuti zvaakanga achinamata oga, vadzidzi vakanga vanaye. Akavabvunza kuti, “Ko vanhu vanonditi ndini ani?”

19 Ivo vakapindura vachiti, “Vamwe vanoti ndimi Johani Muombeki; vamwewo vachiti, ndimi Eriya vamwewo vachiti, muri mumwe wavaporofita vakare wakamuka.”

20 Iye ndokuti kwavari, “Ko imi munoti ndini ani?” Pita akapindura achiti, “Ndimi Kristu waMwari.”


Jesu anotaura nezvokutambudzika nokufa kwake
( Mat 16:20–28 ; Mak 8:13–19 )

21 Akavatsindidza achivaudza kuti vasambotaurira izvi kana munhu zvake achiti,

22 “Mwanakomana womunhu anofanira kutambudzika zvikuru agorambwa navakuru vakuru navaPristi vakuru nenyanzvi dzomutemo ozouraiwa achizomutswa nezuva retatu.”


Zvinodikanwa pakutevera Jesu
( Mat 10:38 ; 16:24–27 ; Mak 8:34–38 )

23 Jesu akati kuna vose, “Kana munhu achida kunditevera, ngaazvirambe atakure muchinjikwa wake zuva nezuva achinditevera.

24 Nokuti uyo anoda kuponesa upenyu hwake acharasikirwa nahwo nouyo anorasikirwa noupenyu hwake pamusana pangu, achahuponesa.

25 Nokuti zvinobatsireiko munhu kuwana zvinhu zvapasi pose asi achizvirasa achizviparadza iye pachake.

26 Ani naani anondinyara kana kunyara mazwi angu, Mwanakomana womunhu achamunyarawo kana wouya mumbiri yake nomumbiri yaBaba neyavatumwa vatsvene.

27 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri pane vamwe vamire pano vasingambozoravira rufu vasati vaona umambo hwaMwari.”


Kusanduka KwaJesu
( Mat 17:1–8 ; Mak 9:2–8 )

28 Mushure memazuva masere Jesu ataura izvi, akatora Pita naJohani naJemusi vakakwira mugomo kundonamata.

29 Paakanga achinamata, uso hwake hwakasanduka, hanzu dzake dzikachena zvokungarikira kwazvo.

30 Ndiye pakarepo varume vaviri, Mosesi naEriya vakanga vava kutaura naye,

31 kutarisika kwavo kwaipenya. Vaitaura nezvokutisiya kwake kwaaizozadzisa kuJerusaremu.

32 Zvino Pita navamwe vaaiva navo vakanga vabatwa kwazvo nehope. Pavakati pepu vakaona kupenya kwake navaviri vaya vamire naye.

33 Varume vaya pavakanga vavakuparadzana naye, Pita akati kuna Jesu, “Tenzi, zvatinakira kuti tive pano. Regai tiite matumba matatu rimwe renyu, rimwe raMosesi nerimwe raEriya.” Akanga asingachazivi zvaaitaura.

34 Paaitaura izvi, gore rakauya rikavafukidza vakabatwa nokutya pavaipinda mugore iroro.

35 Izwi rakabuda mugore richiti, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu musarudzwa wangu, munzwei.”

36 Izwi riya parakanga rapedza kutaura, Jesu akazongoonekwa ava oga. Vakazvinyarara, hapana wavakataurira pamazuva iwayo pane zvavakanga vaona.


Jesu akaporesa mukomana aiva nemweya wakaipa
( Mat 17:14–18 ; Mak 9:14–27 )

37 Pazuva rakatevera racho, pavaiburuka mugomo, gungano guru rakasangana naye.

38 Hoyo mumwe murume akadaidzira mugungano iroro achiti, “Mudzidzisi ndapota ndionereiwo mwanakomana wangu anongova ndiye mwana wangu mumwechete oga.

39 Zvino mweya unongomubata obva ava kuzhamba uchimugwigwinisa kusvikira ava kupupa furo. Unomurwadzisa usingambomusiya.

40 Ndakumbira vadzidzi venyu kuti vaudzinge asi havana kukwanisa.”

41 Jesu akapindura achiti, “Aiwaiwa rudzi urwu, rudzi rusingatendi! Rudzi rwakarasika zvarwo, ndichava nemi kusvikira rinhiko ndichikuitirai mwoyo murefu? Chiuyai nomwana wenyu kuno.”

42 Paakanga achiuya, mweya wakaipa wakamurigira pasi ukamupfurupfutisa. Jesu akatsiura mweya wetsvina akaporesa mukomana uya akamupa kuna baba vake.

43 Vose vakakatyamadzwa noukuru hwaMwari. Pavakanga vachiri kushamiswa kudaro nezvose zvaakaita akati kuna vadzidzi vake.


Jesu anotaurazve nezverufu rwake
( Mat 17:22–23 ; Mak 9:30–32 )

44 Regai mazwi aya anyatsopinda munzeve dzenyu okuti, “Mwanakomana womunhu anofanira kuiswa mumaoko avanhu.”

45 Asi ivo havana kuzvinzwisisa zvaakataura kwavari. Zvakanga zvakavanzwa kwavari kuti varege kuzvinzwisisa uye vaitya kumubvunza zvaaitaura izvi.


Mukuru ndiani
( Mat 18:1–5 ; Mak 9:33–37 )

46 Pakamuka nharo pakati pavo yokuti ndiani mukuru kupinda vose.

47 Jesu paakaona pfungwa dzaiva mumwoyo mavo akatora mwana muduku akamuisa parutivi pake.

48 Akati kwavari, “Ani naani anogamuchira mwana uyu muzita rangu anogamuchira ini uyewo ani naani anondigamuchira anogamuchirawo uyo akandituma nokuti uyo anenge ari muduku wokupedzisira pakati penyu mose ndiye mukuru iyeyo.”


Vanoshandisa zita raJesu ndevedu here?
( Mak 9:38–40 )

49 Johani akadavirawo woti, “Tenzi takaona munhu achidzinga mweya yakaipa muzita renyu tikamurambidza nokuti haasi wenzira imwechete nesu.”

50 Jesu akati kwaari, “Musamurambidze nokuti munhu asingapikisani nemi ari kudivi kwenyu.”


IV: RWENDO RWAJESU KUJERUSAREMU VaSamaria vakaramba kugamuchira Jesu

51 Mazuva paakanga osvika okuti Jesu achikwidzwa kudenga, akananga kuJerusaremu.

52 Akatuma nhume pamberi pake dzakaenda dzikapinda munomumwe musha wavaSamaria kuti vamugadzirire.

53 Asi vanhu ivavo havana kuda kumugamuchira nokuti akanga akananga kuJerusaremu.

54 Vadzidzi vake, vana Jemusi naJohani pavakazviona vakati, “Tenzi munoda here kuti titi moto utozomoke kudenga uvaroromese?”

55 Asi akatendeuka akavatsiura

56 vakabva vaenda kunomumwe musha.


Iva nechinangwa chimwechete chete pakutevera Jesu
( Mat 8:19–22 )

57 Pavainge vachifamba nenzira, mumwe murume akati kwaari, “Ndinoda kukuteverai kose zvako kwamunoenda.”

58 Jesu akati kwaari, “Makava ana maguru uye shiri dzedenga dzina matendere asi Mwanakomana womunhu haana kana pokutsamira musoro wake.”

59 Akatiwo kunomumwe, “Nditevere.” Asi iye akati, “Tenzi regai nditange ndambondoviga baba vangu.”

60 Asi iye akamuti, “Rega vafi vavige vakafa vavo. Chako iwe kuenda kundoparidza umambo hwaMwari.”

61 Mumwewo akati, “Ndichakuteverai, Tenzi, asi regai nditange ndambondoonekana nevari kumusha kwangu.”

62 Jesu akati kwaari, “Hakuna munhu anobata gejo asi iye achicheuka shure angakodzere umambo hwaMwari.”

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy