Ruka 17 - Bhaibhiri Idzva rechiShonaChitadzo ( Mat 18:6 , 7 , 21–22 ; Mak 9:42 ) 1 Jesu akati kuvadzidzi vake, “Zvinokonzera vamwe kuita zvakaipa hazvimborega kuvapo. Asi zvichamuwana iye anozviunza. 2 Zvaitova nani kuti asungirirwe guyo mumutsipa make achindokandwa munyanza panze pokuti akonzere mumwe wavaduku ava kuti atadzire Mwari. 3 Zvichenjererei imi pachenyu; kana hama yako ikakutadzira, itsiure. Kana ikapfidza iregerere. 4 Uye kana akakutadzira kanomwe pazuva akauya kwauri kanomwe achiti ndapfidza. Unofanira kumuregerera.” Simba rechitendero 5 Vapositori vakati kuna Tenzi, “Tiwedzereiwo chitendero chedu.” 6 Tenzi akati, “Dai muine chitendero chakaita setsanga yemasitadhi, maigona kuti kumuonde uyu dzipuka undosimwa mugungwa uchikuteererai. Muranda waJesu anozvirereka sei kuna Mwari 7 “Pane mumwe wenyu here ano muranda anenge achirima kana kufudza hwai, angati kwaari kana abva kumunda, ‘Chibva wauya ugare pakudya?’ 8 Haasi anototi here, ‘Ndigadzirire chokudya chamanheru upfeke undiperekere, kusvikira ndadya ndikanwa, iwe wozodyawo nokunwa mushure macho?’ 9 Anotenda muranda here nokuti aita zvaaudzwa? 10 Nemiwo, kana maita zvamunenge maudzwa itii, ‘Tiri varanda vasingakodzeri. Tangoita zvatinofanira kuita.’ ” Jesu anoporesa gumi ravaiva namaperembudzi 11 Ari parwendo rwokuenda kuJerusaremu akapfuura napakati peSamaria neGarirea. 12 Paakapinda mune mumwe musha, akasangana navanhu gumi vaiva namaperembudzi vakamira nechekure 13 vakadaidzira vachiti, “Jesu, Tenzi tinzwireiwo tsitsi.” 14 Paakavaona akati kwavari, “Endai mundozviratidza kuvapristi.” Pavaienda vakabva vaporeswa. 15 Zvino mumwechete wavo paakaona kuti arapwa, akadzoka achirumbidza Mwari nezwi riri pamusoro. 16 Akazviwisira pasi nouso patsoka dzaJesu achimutenda. Zvino murume uyu aiva muSamaria. 17 Jesu akati, “Ko vanatswa havasi gumi here? Ko vamwe vapfumbamwe varipi? 18 Hapana kuwanikwa adzoka kuzorumbidza Mwari kusiya mutorwa uyu oga.” 19 Akati kwaari, “Chisimuka uenda zvako. Chitendero chako chakuponesa.” Kuuya kwoumambo hwaMwari ( Mat 24:23–28 , 37–41 ) 20 Jesu paakabvunzwa navaFarisei kuti umambo hwaMwari huchasvika rini, akavapindura achiti, “Umambo hwaMwari hausi kuuya nezviratidzo zvinoonekwa. 21 Hakuna munhu achati, ‘Hohuno huri pano kana kuti huri apo, nokuti izvozvi umambo hwaMwari huri pakati penyu.’ ” 22 Akazoti kuna vadzidzi vake, “Mazuva ari kuuya pamuchasuwira kuona rimwe ramazuva oMwanakomana womunhu asi hamumboriona. 23 Vamwe vachati kwamuri, ‘Ari kokoko kana kuti ari pano apa.’ Musaendeko kana kuvatevera. 24 Nokuti sokuvaima kunoita mheni ichivhenekera denga kubvira kunorumwe rutivi kusvika kunorumwe, ndizvozvowo zvichaita Mwanakomana womunhu pamazuva ake. 25 Asi anofanira kutanga atambudzika zvakanyanya agorambwa nechizvarwa ichi. 26 Sezvazvakanga zvakaita pamazuva aNowa, ndizvozvowo zvazvichaita pamazuva oMwanakomana womunhu. 27 Vanhu vaidya nokumwa vachiroora nokuroorwa kusvikira pazuva rakapinda Nowa mungarava. Mafashamo akauya akavaparadza vose. 28 Naizvozvowo zvakaitika pamazuva aRoti; vanhu vaidya vachinwa vachitenga nokutengesa vachidyara nokuvaka. 29 Asi pazuva rakabuda Roti muSodhomu, moto nesarufa zvakanaya zvichibva kudenga zvikavaparadza vose. 30 Ndizvozvowo zvazvichaita pazuva richaoneswa Mwanakomana womunhu. 31 Pazuva iroro anenge ari pamusoro pemba aine zvinhu zvake mumba, ngaarege kuburukira kuzozvitora. 32 Ndizvo zvimwechetezvo naari kumunda, ngaarege kudzokera. Yeukai mudzimai waRoti. 33 Uyo anotsvaka kuzviponesa upenyu acharasikirwa nahwo. Asi uyo anorasikirwa noupenyu hwake anohuchengetedza. 34 Ndinokuudzai kuti usiku ihoho vaviri vanenge vakarara pamubhedha mumwechete, mumwe achatorwa mumwe achisara. 35 Vakadzi vaviri vanenge vari paguyo vachikuya pamwechete, mumwe achatorwa, mumwe achisiiwa.” [ 36 Vamwe vanenge vari mumunda, mumwe achatorwa mumwe achisiiwa.] 37 Vakati kwavari, “Kuri kupiko ikoko nhai Tenzi?” Iye akati, “Pane chitunha magora ndipo panoungana.” |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe