Nehemia 7 - Bhaibhiri Idzva rechiShona1 Kuzoti zvino rusvingo rwavakwa kudaro, ndaisawo magonhi acho navachengetedzi vapamisuo mikuru, navaimbi navaRevhi vasarudzwa, 2 ndakapa munun'una wangu Hanani naHananiya mutongi wakamuzinda kavarwi vehondo basa rokuona nezveJerusaremu pamusana pokuti aiva munhu ari pachokwadi uye anotya Mwari kupinda vazhinji. 3 Ndakavati, “Misuo mikuru yeJerusaremu ngairege kuzarurwa kusvikira kwadziya. Pavanengewo vachiri kuchengetedza kudaro ngavapfige vaise mazariro kumagonhi acho. Sarudzai vokuchengetedza muvagari vomuJerusaremu mumwe nomumwe pake pokugaririra mumwe nomumwe ari pakatarisana nemba yake.” Mazita nouwandu hwevanhu vakadzoka kuutapwa ( Ezira 2:1–70 ) 4 Guta rakanga rakafara riri guru, asi vanhu vakanga varimo vaiva vashoma kusina dzimba dzakanga dzati dzavakwa. 5 Mwari wangu akaisa pfungwa mumwoyo mangu yokuti ndiunganidze vokumba huru namakurukota navanhu kuti vanyorwe mazita chizvarwa nezvizvarwa. Ndakawana bhuku rina mazita ezvizvarwa zvavanhu zvavakatanga kuuya vaye, ndikawana makanyorwa kunzi: 6 Havanoi vanhu venyika ino vakakwira kuuya vachibva kuutapwa panhapwa dziya dzakanga dzambotapwa dzikatamisirwa kusi kwadzo naNebhukadhinezari mambo weBahabhironi, vakadzokera muJerusaremu nokwaJudha, munhu wose kuguta rokwake. 7 Vakauya naZerubhabhero naJeshua naNehemiya naAzariya naRaamiya naNahamani naModhekai naBhirishani naMisipereti naBhigivhai naNehumu naBhaana. Uhu ndihwo huwandi hwavarume vokwaIsiraeri: 8 Vanakomana vokwaParoshi zviuru zviviri zvavanhu zvina makumi manomwe ana vaviri 9 vokwaShefatiya mazana matatu ane makumi manomwe ane vaviri 10 vokwaAra mazana matanhatu ane makumi mashanu ana vaviri 11 Vanakomana vokwaPahatimoabhu vari vokwaJeshua naMoabhu zviuru zviviri zvina mazana masere ane gumi navasere 12 vokwaEramu chiuru china mazana maviri ana makumi mashanu ana vana 13 vokwaZatu mazana masere ana makumi mana navashanu 14 vokwaZakai mazana manomwe ana makumi matanhatu 15 vanakomana vokwaBhinui mazana matanhatu ana makumi mana navasere 16 vokwaBhebhai mazana matanhatu ana makumi maviri navasere 17 vokwaAzigadhi zviuru zviviri zvina mazana matatu ane makumi maviri ana vaviri 18 vanakomana vokwaAdhomikamu mazana matanhatu ana makumi matanhatu navanomwe 19 vokwaBhigivhai zviuru zviviri zvina makumi matanhatu navanomwe 20 vokwaAdhini mazana matanhatu ana makumi mashanu ane vashanu 21 vanakomana vokwaAteri vari vokwaHezekiya makumi mapfumbamwe navasere 22 vokwaHashumu mazana matatu ana makumi maviri ana vasere 23 vokwaBhezai mazana matatu ana makumi maviri ana vana 24 vokwaHarifi zana negumi navaviri 25 vanakomana vokwaGibheoni makumi mapfumbamwe ana vashanu 26 vokuBheterehemu nevokuNetofa zana namakumi masere ana vasere 27 vokuAnatoti zana namakumi maviri ana vasere 28 vokuBhetiazimavheti makumi mana ana vaviri 29 vokuKiraitijearimu nokuKepfira nokuBheeroti mazana manomwe ane makumi mana navatatu 30 vokuRama nokuGebha mazana matanhatu ana makumi maviri nomumwechete 31 vokuMikimashi zana namakumi maviri ana vaviri 32 vokuBhetieri neAi zana namakumi maviri ana vatatu 33 vokune imwe Nebho makumi mashanu navaviri 34 vokune imwe Eramu chiuru china mazana maviri ane makumi mashanu navana 35 vokuHarimu mazana matatu ana makumi maviri 36 vokuJeriko mazana matatu ane makumi mana navashanu 37 vokuRodhi nokuHadhidhi nokuOno mazana manomwe ana makumi maviri nomumwechete 38 vokuSenaa zviuru zvitatu namazana mapfumbamwe ana makumi matatu. 39 Vapristi: vana vokwaJedhaya vakomana vari vemba yokwaJeshua vaiva mazana mapfumbamwe namakumi manomwe navatatu 40 vokwaImero chiuru namakumi mashanu ana vaviri 41 vokwaPashihuru chiuru namazana maviri ana makumi mana navanomwe 42 vokwaHarimu chiuru negumi navanomwe. 43 VaRevhi: vana vokwaJeshua vakomana vemba yokwaKadhimieri vari vokwaHodhevha vaiva makumi manomwe ana vana. 44 Vaimbi: vana vokwaAsafu: zana namakumi mana ana vasere. 45 Vachengetedzi vapamisuo mikuru: vana vokwaSharumu vakomana naAteri naTarimoni naAkubhu naHatita naShobhai vaiva zana rimwechete rine makumi matatu nevasere. 46 Vashandi vapaTemberi vaiva vanakomana vaava vanoti: Ziha naHasufa naTabhaoti 47 naKerosi naSiya naPadhoni 48 naRebhana naHagabha naSharumai 49 naHanani naGidheri naGaheru 50 naReaya naResini naNekodha 51 naGazamu naUza naPesea 52 naBhesai naMeunimu naNefusimu 53 naBhakibhuku naHakufa naHarihuru 54 naBhaziruti naMehidha naHarisha 55 naBharikosi naSisera naTema 56 naNezi naHatifa. 57 Vanakomana vavaranda vokwaSoromoni paiva nevokwaSotai naSofereti naPeridha 58 novokwaJaara naDharikoni naGidheri 59 novokwaShefatiya naHatiri naPokeretihazibhaimu naAmoni. 60 Ivava vashandi vapaTemberi pamwechete navaranda vaSoromoni vose vaiva mazana matatu ane makumi mapfumbamwe navaviri. 61 Kune vamwe vaibva kuTerimera nokuTeriharisha nokuKerubhu nokuAdhoni nokuImero, asi havana kukwanisa kurondedzera dzimba dzemadzibaba avo uye kuti ivo pachavo ndevechiIsiraeri here kana kuti kwete. 62 Vakanga vari vanakomana vaava vanoti: Deraya naTobhiya naNekodha. Ivava ava vaiva vari mazana matanhatu ane makumi mana navaviri. 63 Pakati pavapristi paivawo navanakomana vaava vanoti: Hobaya naHakozi naBhazirai (Bhazirai uyu ndiye uya wokuroora mwana waBhazirai wokuGireadhi akazenge ava kudaidzwa nezita rake). 64 Ivava ava vakatsvaka mazita avo pamazita akanga akanyorwa chizvarwa nechizvarwa, asi haana kuwanikwapo. Ipapo paupristi apa, vakanzi vakan'ora. 65 Sadunhu akavati varege kudya zvokudya zvinoeresesa kusvikira patova nomupristi wokunzwa kuti Mwari anoti kudii achishandisa Urimu neTumimu. 66 Gungano racho rose pamwechete rakanga riina vanhu zviuru makumi mana ane zviviri zvine mazana matatu ana makumi matanhatu avanhu. 67 Tisingaverengere varanda vavo vechirume nevechikadzi vakangawo vari zviuru zvinomwe zvavanhu zvina vanhu mazana matatu ana makumi matatu navanomwe. Vakangawo vaina vaimbi varume navakadzi vaiita mazana maviri ana makumi mana navashanu. 68 Vaiva namabhiza avo mazana manomwe ana makumi matatu ana matanhatu, nemanyurusi avo mazana maviri ana makumi mana namashanu. 69 Kwozouya ngamera dzavo mazana mana ana makumi matatu ane shanu namadhongi zviuru zvitanhatu zvina mazana manomwe namakumi maviri. 70 Zvino vamwe vatungamiriri vedzimba dzemadzibaba avo vakapa zvipo zvokubatsira pabasa iri. Gavhuna akabvisawo ndarama inorema makirogiramu angangoita masere nembenge makumi mashanu namagemenzi mazana mashanu ane makumi matatu avapristi zvikaendeswa maichengeterwa upfumi. 71 Izvozvo vamwe vatungamiriri vedzimba dzamadzibaba avo vakabvisa ndarama yainge yoda kuita zana remakirogiramu rina makirogiramu makumi matanhatu namasere, nesirivha yainge tani rimwechete rina makirogiramu mazana maviri namakumi mashanu, namagemenzi makumi matanhatu ana manomwe avapristi, vakaendesa maichengeterwa upfumi hwainge hwakanangana nebasa iroro. 72 Zvakabviswawo nevamwe vanhu vose ndezvizvi izvi zvinoti: ndarama ingangoita zana remakirogiramu rina makirogiramu makumi matanhatu ana masere, nesirivha yainge makirogiramu zana nemakumi mana, namagemenzi makumi matanhatu namanomwe avapristi. 73 Naizvozvo vapristi navaRevhi navachengetedzi vapamisuo mikuru navaimbi navamwewo vanhu navashandi vapaTemberi neIsiraeri yose vakagara mumaguta okwavo. Pakazosvika mwedzi wechinomwe, vaIsiraeri vakanga vatova mumaguta avo. |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe