Online Bible

- Reklamy -

Nehemia 10 - Bhaibhiri Idzva rechiShona

1 Vakaisa chidhindo chavo, ndaava ava vanoti: gavhuna wacho Nehemiya mwanakomana waHakariya kwouya Zedhekiya

2 naSeraya naAzariya naJeremiya

3 naPashuri naAmariya naMarikiya

4 naHatushi naShebhaniya naMaruki

5 naHarimu naMeremoti naObhadhiya

6 naDhanieri naGinetoni naBharuki

7 naMeshuramu naAbhiya naMiyamini

8 naMaaziya naBhirigai naShemaya Ivava ndovaiva vapristi vacho.

9 KuvaRevhi paiti: Jeshua mwanakomana waAzaniya naBhinui mumwe wevanakomana vokwaHenadhadhi naKadhimieri,

10 nehama dzavo idzi dzinoti: Shebhaniya naHodhiya naKerita naPeraya naHanani

11 naMika naRehobhu naHashabhiya

12 naZakuru naSherebhiya naShebhaniya

13 naHodhiya naBhani naBheninu.

14 Kuvakuru vakuru ivava, paiti: Paroshi naPahatimoabhu naEramu naZatu naBhani

15 naBhani naAzigadhi naBhebhai

16 kwouya Adhoniya naBhigivhai naAdhini

17 naAtero naHezekiya naAzuru

18 naHodhiya naHashumu naBhezai

19 kwouyawo naHarifi naAnatoti naNebhai

20 naMagipiashi naMeshuramu naHeziri

21 naMeshezabheri naZadhoki naJadhua

22 kwoti Peratiya naHanani naAnaya

23 naHoshea naHananiya naHashubhu

24 naHaroheshi naPiriha naShobheki

25 kwozoti Rehumu naHashabhina naMaaseya

26 naAhiya naHanani naAnani

27 naMaruku naHarimu naBhaana.


Chibvumirano

28 Navamwe vanhu vosewo vaiti vapristi nevaRevhi navachengetedzi vepamisuo mikuru navaimbi navashandi vomuTemberi navose vakazvitsaura mukati mavanhu vose vari munharaunda iyoyo pamusana pomutemo waMwari, ivo namadzimai avo navana vavo vakomana navasikana vose vaiva vabve zano vavakuziva,

29 vose ivava vakabatana nehama dzavo dzokumba huru mukuzvisunga nechitsidzo chokuti ukarega kuchichengeta unopinda murushambwa chitsidzirano chacho ndechokuti vaizotevera mutemo waMwari waakapa nomuromo waMosesi muranda waMwari uye vachiteerera mirao yose yaTenzi wedu Tenzi pamwechete nezvirevo zvake nezvirongwa zvake.

30 Isu hatisi kuzoroodza vana vedu kuvanhu vechirudzi venyika ino kana kuroorera vana vedu vanasikana vavo.

31 Kana vanhu vechirudzi venyika ino vakauya nezvinhu zvokuzotengesa kana mbesanwa zvadzo uri musi weSabata, hatisiri kuzovatengera pamusi weSabata kana pane rimwewo zuva rinoera. Pagore rechinomwe roga roga tinorega minda yedu irarire zvayo isina kurimwa, uye vane zvikwereti hatichavabhadharisi.

32 Tinozviisirawo mitemo yokuti: pagore roga roga munhu anofanira kubvisa magiramu mana emari yesirivha yeshekeri yokubatsira pamba paMwari.

33 Tichabvisawo zvinhu zvebasa remba yaMwari zvinoti: chingwa chepana Mwari, mupiro wembesanwa wezuva nezuva, chibayiro chezuva roga roga neyemaSabata neyepakugara kwemwedzi neyepamazuva makuru akatemwa neyezvinhu zvinoera neyemipiro yokupfupira zvitadzo zveIsiraeri neyebasa rose repamba yaMwari wedu.

34 Isuwo vapristi navaRevhi navanhu taita chin'ange kuti tione kuti imhuri ipi ichaunza huni dzokupisa paatari yaTenzi, panguva dzakatemwa gore negore, Mwari wedu sokunyorwa kwazvakaitwa mumutemo.

35 Tinofanira kuendesa mupiro wembesa dzokutanga dzomumunda medu nemichero yokutanga yemiti yose zvayo yomuchero wose wose gore negore kumba yaTenzi

36 nokuendasawo kumba yaMwari nokuvapristi vanoita basa romumba yaMwari wedu, matangwe echirume pavana vedu napazvipfuwo zvedu sokunyorwa kwazvakaitwa mumutemo nematangwewo echikono emombe dzedu neezvimwe zvipfuwo

37 uyewo kuendesa mikanyiwa yedu yokutanga nezvimwe zvatinobvisa nomuchero womuti wose womuchero newaini namafuta eorivhi kuvapristi kudzimba dzepamba paMwari wedu, tichiendesawo kuvaRevhi zvegumi zvezvirimwa zvedu, nokuti vaRevhi ndivo vane basa rokuunganidza zvegumi zvomumaguta ose omumaruwa medu.

38 Mupristi mwanakomana wokwaAroni anofanira kuve nevaRevhi pavanogamuchira zvegumi izvozvo. VaRevhi ivava vanozofanira kuzoendesa chegumi chezvegumi izvozvo kumba yaMwari mumba inochengeterwa zvinhu,

39 nokuti vanhu veIsiraeri navanakomana vokwaRevhi vanofanira kuendesa mipiro yembesanwa neyewaini itsva neyemafuta eorivhi kudzimba idzodzo kune midziyo yomunzvimbo inoera navapristi vanoita basa imomo navachengetedzi vepamisuo mikuru navaimbi. Hatingashayire hanya imba yaMwari wedu.

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy