Online Bible

- Reklamy -

Mupiro 4 - Bhaibhiri Idzva rechiShona


Mipiro yokupfupira zvitadzo zvinoparwa mukusaziva

1 Mwari akataurira Mosesi achiti,

2 “Udza vaIsiraeri kuti, ‘Zvingaitike kuti munhu anotadzira Tenzi, mukusaziva, achityora mutemo wake achiita zvinorambidzwa nomutemo.’

3 “Kana ari mupristi akazodzwa atadzira Mwari achiita kuti vanhu vave nemhosva, ngaapire kuna Tenzi handira ichiri duku isina chinoshoreka pairi, achiripira chitadzo chake.

4 Ngaaunze handira iyoyo kuna Tenzi kumusuo wetendhe rokusanganira, aise ruoko rwake pamusoro wayo, aiurayire pana Mwari ipapo.

5 Mupristi akazodzwa ngaatore rimwe ropa rehandira iyoyo apinde naro mutendhe rokusanganira.

6 Mupristi ngaanyike munwe wake muropa iroro arisase kanomwe pamberi paTenzi pakatarisana nejira rokudzikatirisa, munzvimbo inoera.

7 Mupristi ngaaise rimwe ropa pane zvinenge nyanga zviri pamusoro peatari yokupisira rusenzi runonhuhwirira iya iri mutendhe rokusanganira. Ngaadururire rimwe ropa rose nechepasi peatari yokupirira mupiro yokupisa iri kuumusuo wetendhe rokusanganira rinoera.

8 Pahandira iyoyo yemupiro wokupfupira zvitadzo ngaabvise mafuta akaputira zvomukati, neose ari pazviri,

9 netsvo mbiri namafuta ari pakatinginika petsvo nedivi rechiropa rakareba,

10 sokubviswa kwazvinoitwa mumombe yechibayiro chemupiro wokuwadzana. Mupristi ngaapisire zvose izvozvo paatari yomupiro wokupisa.

11 Asi ngaatore dehwe rehandira iyoyo nenyama yayo yose nomusoro wayo namazondo ayo nezvomukati nechinzvinzvi chayo.

12 Ngaatakure handira iyoyo yose aende nayo kunze kwematendhe pakachena panorasirwa dota. Ngaapise pamoto wehuni panorasirwa dota.

13 “Kana riri gungano rose ravaIsiraeri rinenge ratadzira Tenzi mukusaziva asi zviri zvakavandika kumaziso egungano vapara mhosva yokuita chimwe chezvakarambidzwa naTenzi,

14 chitadzo chavakaita chikazozivikanwa, gungano rinofanira kupira handira ichiri duku somupiro wokupfupira zvitadzo, kumusuo wetendhe rokusanganira.

15 Ipapo vatungamiriri vose vevaIsiraeri ngavaise maoko avo pamusoro wehandira iyoyo pana Tenzi vaiurayire ipapo pana Tenzi.

16 Mupristi akazodzwa ngaatore rimwe ropa rehandira iyoyo aende naro mutendhe rokusanganira.

17 Mupristi ngaanyike munwe wake muropa iroro arisase kanomwe pamberi paTenzi pakatarisana nejira rokudzikatirisa.

18 Ngaaise rimwe ropa pane zvinenge nyanga zviya zviri pamusoro pemakona eatari yokupisira iri mutendhe rokusanganira. Ngaadururire rimwe ropa rose pasi peatari yokupisira zvibayiro iri kumusuo wetendhe rokusanganira.

19 Ngaabvise mafuta ayo ose aapisire paatari.

20 Zvaanoita nehandira iya yomupiro wokupfupira zvitadzo ndizvo zvaanofanira kuitawo nehandira yechibayiro chezvitadzo. Ipapo mupristi anobva apfupira chitadzo chavo chichibva charegererwa.

21 Ngaatore handira iyoyo aende nayo kunze kwematendhe aipisire ikoko sokupisa kwaakaita handira yokutanga iya. Ichi chibayiro chegungano ravaIsiraeri chokupfupira zvitadzo.

22 “Kana mutongi ari iye atadzira Mwari mukusaziva apara mhosva yokuita zvinorambidzwa naTenzi Mwari wake, chitadzo chaakapara ozochiziviswa hake,

23 ngaaunze mupiro wegotora risina chinoshoreka.

24 Ngaaise ruoko rwake pamusoro wembudzi iyoyo aiurayire pana Tenzi panourayirwa zvibayiro zvokupisa. Iwoyu mupiro wokupfupira zvitadzo.

25 Mupristi ngaanyike munwe wake muropa rechibayiro chokupfupira zvitadzo ichocho, ariise pane zvinenge nyanga zviri pamusoro peatari yomupiro wokupisa. Ngaadururire rimwe ropa rose nechapasi peatari yomupiro wokupisa.

26 Ngaapisire mafuta ayo ose paatari sezvinoita pamupiro wokuwadzana. Saka mupristi anopfupira chitadzo chomutongi iyeyo mutongi achibva aregererwa.

27 “Kana ari mumwe munhuwo zvake atadzira Mwari mukusaziva, apara mhosva yokuita zvakarambidzwa naTenzi,

28 akange aziviswa chitadzo chaakaita ngaaunze mbudzi hadzi yokuripa chitadzo isina chinoshoreka.

29 Ngaaise ruoko rwake pachibayiro chake chokupfupira zvitadzo achiurayire panourayirwa mipiro yokupisa.

30 Mupristi ngaanyike munwe wake muropa racho ariise pane zvinenge nyanga zviri pamusoro peatari yomipiro wokupisa. Ngaadururire rimwe ropa rose nechepasi peatari iyoyo.

31 Ngaabvise mafuta ayo ose sokubviswa kunoitwa mafuta ezvibayiro zvokuwadzana. Mupristi ngaapisire mafuta iwayo paatari, kunhuhwirira kwawo kufadze Tenzi. Saka mupristi acharipira chitadzo chake iye anobva aregererwa.

32 “Kana iri hwayana yaanounza kuita chibayiro chokupfupira zvitadzo, ngaive sheshe isina chinoshoreka.

33 Ngaaise ruoko rwake pamusoro wayo, aiurayire panourayirwa mipiro yokupisa.

34 Mupristi ngaanyike munwe wake muropa rayo, ariise pane zvinenge nyanga zviri pamusoro peatari yomupiro wokupisa. Ngaadururire rimwe ropa rose nechepasi peatari iyoyo.

35 Ngaabvise mafuta ayo ose sokubviswa kunoitwa mafuta ehwayana dzezvibayiro zvemipiro yokuwadzana. Mupristi ngaapisire mafuta iwayo paatari pamwechete nomupiro wokuwadzana unopirwa kuna Mwari uchiitwa zvokupiswa. Saka mupristi achapfupira chitadzo chemunhu iyeyo chaakapara chichibva charegererwa.

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy