Mupiro 24 - Bhaibhiri Idzva rechiShonaMarambi omutendhe rinoera ( Kub 27:20–21 ) 1 Tenzi akataurira Mosesi achiti, 2 “Udza vaIsiraeri kuti, vakuigire mafuta akanakisisa, emaorivhi akadzvurwa, okuisa mumarambi, kuitira kuti mwenje ugare uchipfuta, 3 nechedivi rokunze kwejira rokudzikatirisa bhokisi rechitenderano, mutendhe rokusanganira. Manheru oga oga, Aroni ngaatungidze marambi iwayo ave pana Tenzi achipfuta kusvikira mangwana mangwanani. Iwoyu murao uchange uripo narini wose pazvizvarwa zvenyu zvose. 4 Nguva dzose ngaachengetedze marambi iwayo, epachigadzikiro chemwenje chendarama chaiyo chiya achivheneka pana Tenzi. Chingwa chepana Mwari 5 “Unofanira kutora upfu hwekoroni hwakanyatsokuyiwa ubike zvingwa gumi nezviviri, chingwa choga choga chibikwe noupfu hunorema makirogiramu maviri. 6 “Rongai zvingwa izvozvo patafura yakaputirwa nendarama chaiyo. Ngazvirongwe mumitsara miviri, mumwe uve nezvitanhatu. 7 Pamitsara iyoyo ngapave norusenzi rwakanakisisa runozova mupiro wechirango wezvokudya unoita zvokupiswa nomoto uchipirwa kuna Tenzi. 8 Pamusi weSabata woga woga, Aroni ngaarongere vaIsiraeri chingwa ichocho pana Tenzi. Ichochi, chitendherano chichagara chiripo narini wose. 9 Chingwa ichocho ndechaAroni navanakomana vemhuri yekwake. Kana vochidya ngavachidyire panzvimbo inoera nokuti ndomugove wake unoera kwazvo unotorwa pamipiro yaTenzi inoita zvokupiswa nomoto. Iwoyu murao uchagara uripo.” Kuremekedza Mwari nokuremekedza upenyu hwomunhu 10 Mumwe murume aiva naamai vechiIsiraeri, baba wake ari wechiIjipiti, akaenda mukati mavaIsiraeri akamutsana pamatendhe nomumwe murume aiva nababa naamai vechiIsiraeri. 11 Murume uya aingova naamai vechiIsiraeri, amai vake vainzi Sheromiti vaiva mwanasikana waDhibhiri vedzinza rokwaDhani akashonha Mwari nezita achinyomba. Vakaenda naye kuna Mosesi. 12 Vakamubata vakamuchengeta vachida kuti Tenzi avaudze zvokuita naye. 13 Tenzi ndokuti kuna Mosesi, 14 “Buritsai akanyomba Mwari uya kunze kwematendhe. Vanhu vose vakamunzwa achishonha Mwari ngavaise maoko avo pamusoro womurume iyeyo, gungano rose ravaIsiraeri ngarimutake namabwe afe. 15 Iwe ibva waudza vaIsiraeri kuti ani naani anonyomba Mwari anozviparira. 16 Munhu anoshonha Tenzi nezita anofanira kuuraiwa. Gungano rose ngarimutake nemabwe, chingave zvacho chizvarwa chomuIsiraeri kana kuti mutorwa ngaaurayiwe. 17 “Ani naani anouraya munhu ngaaurayiwewo. 18 Ani naani anouraya chipfuwo chomumwe ngaachiripe. Upenyu hunoripwa noupenyu. 19 “Kana munhu akakuvadza mumwe ngaakuvadzwewo sokukuvadza kwaakaita mumwe. 20 Kana akatyora bvupa romumwe, bvupa rake ngarityorwewo, ziso rinoripwa neziso, zino rinoripwa nezino. Munhu sokukuvadza kwaanenge aita mumwe ndiko kuvadzwa kwaanofanira kuitwa 21 Ani naani anouraya chipfuwo chomumwe ngaachiripe. Asi ani naani anouraya munhu ngaaurayiwewo. 22 Mutemo mumwechete iwoyu ndiwo unosunga zvimwechetezvo muIsiraeri nomutorwa nokuti ini Tenzi ndini Mwari wenyu.” 23 Saka Mosesi akataurira vaIsiraeri izvozvo. Vakatora murume uya akashonha Mwari vakaenda naye kunze kwematendhe vakamutaka namabwe ndokubva afa. Saka vaIsiraeri vakaita zvakataurirwa Mosesi naTenzi. |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe