Mupiro 16 - Bhaibhiri Idzva rechiShonaZuva rokuripira zvitadzo 1 Tenzi akataura kuna Mosesi shure kwokufa kwavanakomana vaviri vaAroni pavakapira kuna Tenzi vakafa. 2 Tenzi akati kuna Mosesi, “Udza mukoma wako Aroni kuti arege kuita chipindepinde munzvimbo inoera kuseri kwejira rokudzikatirisa achisebera pahwidibiro yebhokisi rechitenderano, angadaro akafa nokuti ini ndichazviratidza ndiri mugore nechapamusoro pehwibidiro iyoyo. 3 Kana Aroni apinda munzvimbo inoera, ngauye nehandira ichiri duku yomupiro wokupfupira zvitadzo nehondohwe yomupiro wokupisa. 4 Ngaauye akapfeka hanzu yerineni inoera inenge yoda kusvika mumabvi, nebhurukwa rerineni, akasunga mudya werineni akapfeka ngundu yerineni, ndohanzu dzinoera. Ngaatange ashamba muviri wake nemvura, agozoti odzipfeka. 5 Aroni ngaapiwe negungano ravaIsiraeri makotora embudzi maviri omupiro wokupfupira zvitadzo pamwechete nehondohwe yomupiro wokupisa. 6 “Aroni ngaapire handira iya somupiro wokupfupira zvitadzo zvake iye pachake achiripira zvitadzo zvake iye pachake nezvemba yake. 7 Ngaatore mbudzi mbiri dziya aende nadzo kumusuo wetendhe rokusanganira, adzimise pana Tenzi. 8 Aroni ngaaitire mbudzi dziya mbiri chin'ange, imwe ive yaTenzi imwe ive yaAzazeri yokurasirira. 9 Aroni ngaauye nembudzi inenge yaratidzwa nechin'ange kuti ndeyaTenzi, aiite mupiro wokupfupira zvitadzo. 10 Asi mbudzi iya inenge yaratidzwa nechin'ange kuti ndeyokurasirira ngaiuyiwe nayo pana Tenzi iri mhenyu ive yokuripira nayo zvitadzo kuti indorasirirwa kurenje kuna Azazeri. 11 “Aroni ngaapire handira iya somupiro wokupfupira zvitadzo zvake iye pachake achiripira zvitadzo zvake iye pachake nezvemba yake. Ngaauraye handira ive yomupiro wokupfupira zvitadzo zvake iye pachake. 12 Ngaatore kabisiro kazere mazimbe omoto unobva paatari iri pana Tenzi, nezvanza zviviri zvizere zvorusenzi runonhuhwirira rwakadzvurwa, auye nako apinde kuseri kwejira rokudzikatirisa. 13 Ngaaise rusenzi mumoto uri pana Tenzi kuitira kuti bwititi routsi hworusenzi riputire hwidibiro iyi yebhokisi rechitenderano, arege kufa. 14 Ngaatore rimwe ropa rehandira iya, arisase nomunwe wake pamberi pehwidibiro kumabvazuva, arisasewo pamberi pehwidibiro iyoyo kanomwe. 15 “Ngaachiuraya mbudzi yemupiro wokupfupira zvitadzo zvavanhu, aunze ropa rayo munzvimbo inoera, arisase pahwidibiro yebhokisi rechitenderano, arisasewo pasi pamberi paro sezvaanenge aita zviya neropa rehandira. 16 Nokudaro achachenura nzvimbo inoera pamusana pokun'ora kwavaIsiraeri, uye nokuda kwezvikanganiso zvavo, nezvitadzo zvavo zvose. Ngaaite zvimwechetezvo kutendhe rokusanganira riri pakati pavo; mukati mokun'ora kwavo. 17 Hakuna munhu anobvumirwa kunge ari mutendhe rokusanganira. Kubvira nguva inopinda Aroni munzvimbo inoera kundoripira zvitadzo zvake iye pachake nezvemhuri yake nezvegungano rose ravaIsiraeri kusvikira nguva yaanobudamo, hakuna munhu anobvumirwa kunge ari mutendhe rokusanganira. 18 Ngaabude imomo andopira Tenzi mupiro wokupisa paatari ichenurwe. Ngaatore ropa rehandira iya pamwechete neropa rembudzi iya arizore pane zvose zvinenge nyanga zviri paatari. 19 Nomunwe wake, ngaasase ropa kanomwe pamusoro payo, aichenure pakun'oreswa kwayakaitwa navaIsiraeri. Mbudzi yokurasirira 20 “Kana Aroni apedza kuchenura nzvimbo inoera netendhe rokusanganira neatari ngaapire, mbudzi mhenyu iya. 21 Aroni ngaaise maoko ake ose ari maviri pamusoro wayo areurure pairi uipi hwose hwavaIsiraeri, noumhandupandu hwavo hwose nezvitadzo zvavo zvose, aise zvose pamusoro payo. Ngaaise mumaoko omumwe munhu anenge asarudzwa andoirasirira mugwenga. 22 Mbudzi iyoyo ichatakura uipi hwavo hwose. Munhu uya achandoirasirira kugwenga. 23 “Aroni ngaapinde mutendhe rokusanganira abvise hanzu dzerineni dzaanga akapfeka paya paambopinda munzvimbo inoera adzisiye dziri imomo. 24 Ngaashambe muviri ari panzvimbo inoera apfeke hanzu dzake dzamazuva ose, ozobuda imomo ondopira mupiro wake iye wokupisa, nokuitira vanhu mupiro wavowo wokupisa aripire zvitadzo zvake iye pachake nezvavanhu. 25 Ngaapise mafuta echibayiro chomupiro wokupfupira zvitadzo paatari. 26 Munhu uya anenge andorasirira mbudzi kugwenga ngaasuke hanzu dzake ashambe muviri, ozoti odzokera kumatendhe. 27 Handira iya nembudzi iya dzomupiro wokupfupira zvitadzo dzine ropa rinenge rakaunzwa munzvimbo inoera kuti riripire zvitadzo, ngadziendwe nadzo kunze kwematendhe. Matehwe adzo nenyama, yadzo nechinzvinzvi chadzo, ngazvipiswe nomoto. 28 Munhu anondopisa zvinhu izvozvo ngaasuke hanzu dzake, ashambe muviri, nemvura ozodzokera zvake kumatendhe. Zuva rokuripira zvitadzo 29 “Kwamuri imi murao uyu, murao uchagara uripo narini wose wokuti mumwedzi wechinomwe pazuva regumi romwedzi munofanira kuzvirwadzisa musaite basa imi kana vatorwa vamugere navo. 30 Ndinodaro nokuti pazuva irori ndipo panoripirwa zvitadzo zvenyu kuti muchenurwe kuzvitadzo zvenyu zvose, munobva macheneswa pana Tenzi. 31 Sabata, zuva rokuzorora, munofanira kuzvirwadzisa. Uyu murao uchagara uripo narini wose. 32 Mupristi anenge azodzwa akagadzwa kuva mupristi panzvimbo yababa vake, ndiye acharipira akapfeka hanzu dzerineni dzinoera. 33 Ndiye achachenura nzvimbo inoera netendhe rokusanganira neatari, nokuripira zvitadzo zvevapristi nezvegungano. 34 Murao iwoyu uchagara uripo narini wokuti zvitadzo zvose zvevaIsiraeri zvinofanira kuripirwa kamwechete pagore.” Naizvozvo Mosesi akaita sezvaakaudzwa naTenzi. |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe