Online Bible

- Reklamy -

Mika 6 - Bhaibhiri Idzva rechiShona


III: ISIRAERI INOPINZWAZVE MUDARE Dare raTenzi navanhu vake

1 Chinzwai zviri kutaura Tenzi. Imimi Mwari simukai mutaure mhosva yenyu pamberi pamakomo, zvikomowo zvinzwe izwi renyu.

2 Teererai, imi makomo, nhuna dzaTenzi nemi ugaro hwenyika hwokugara nokugara nokuti Tenzi ane nhuna navanhu vake nezvo achaita dare neIsiraeri.

3 “Nhai vanhu vangu, chii chandakakuitirai chaizvo? Ndakakunetsai neiko? Ndipindurei!

4 Nokuti ini ndakakuburitsaika munyika yeIjipiti, ndikakununurai mumba youranda. Ndakakutumirai Mosesi naAroni naMiriamu kuzokutungamirirai.

5 Vanhu vangu, rangarirai zviya zvakanga zvarongwa naBharuki mambo weMoabhu nemhinduro iya yaakapiwa naBhiriamu mwanakomana waBheori. Rangarirai zviya zvakaitika kubvira kuShitimu kusvikira kuGirigari kuitira kuti muzive mabasa akarurama aTenzi.”


Zvinodiwa naTenzi kuti munhu aite

6 Ndouya neiko chaizvo kuna Tenzi ndichizopfugamira iye Mwari wokumusoro? Ndouya here kwaari ndiine mipiro yokupisa yemhuru dzegore rimwechete?

7 Ko iye Tenzi angafadzwe here nezviuru nezviuru zvehondohwe kana kuti gumi rezviuru zvehova dzamafuta? Ndopirira here kukanganisa kwangu dangwe rangu romukomana, ura hwangu ndichihupirira chitadzo changu ini?

8 Inga wakaudzwa wani, nhai munhu kuti zvakanaka ndezvipi; uye kuti Tenzi anoda kuti uitei, zvaanoda dzezvizvi zvokuti: uite zvine ruenzaniso, uye zvomwoyochena zvikupinde muropa nokufambawo naMwari wako wakazvirereka.


Chirango chevanobiridzira

9 Izwi raTenzi rinodaidzira kuguta rino, zvino ungwaru chaihwo zvokutya zita renyu, “Chinzwai, imi dzinza negungano romuguta muno.

10 Ndingakanganwe here, zviereso zvokubiridzira nezvikero zvisiri pamwero zviri mudzimba dzavakaipa? Zvisingambodiwa zvazvo naMwari.

11 Ndoti haana mhosva here munhu ane zvikero zvokubiridzira nazvo nesaga rizere nezvokueresa zvinobiridzira?

12 Vapfumi veguta rino vane utsinye vagari vemo varevi venhema zvinobva pamuromo pavo ndezvounyengedzi.

13 Ndokusaka iniwo ndava kukurwadzisai nokukurovai ndichikuita dongo reguta pamusana pezvitadzo zvenyu.

14 Imi muchadya asi kuguta musingaguti, muchabata paura nenzara. Muchapfundiridza zvinhu asi zvisingachengeteki. Zvamunenge makwanisa kuchengetedza ndichazviparadzisa nehondo yebakatwa.

15 Kudyara muchadyara zvenyu asi pasina chamunokohwa. Kusvina maorivhi muchasvina zvenyu asi mafuta acho hamuazori. Magirepisi muchasvina zvenyu asi waini yacho, hamuinwi.

16 Makachengeta imi mirao yamambo Omuri namaitiro ose evemba yamambo Ahabhu uye makatevedza imi tsika dzavo. Ndokusaka ini ndave kuita guta rino dongo uye vagari varo ndichivaita chiseko, saka nhamo yavanhu vangu yokusekwa ndiro richaberekana nayo.”

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy