Online Bible

- Reklamy -

Mateo 7 - Bhaibhiri Idzva rechiShona


Kutonga vamwe
( Ruka 6:37 , 38 , 41 , 42 )

1 “Musatonge vamwe, imiwo hamuzotongwi. Matongero amunoita vamwe ndiwo amuchatongwawo nawo.

2 Mwero wamunoera nawo, ndiwo mwero wamuchaererwawo nawo.

3 Unotarisireiko kabanzu kari muziso rehama yako asi usingaoni zidanda riri muziso mako

4 kana kuti ungati sei kune hama yako rega ndikubvise kabanzu kari muziso rako, imo muziso rako muine zidanda.

5 Iwe munyengedzi, tanga wabvisa danda riri muziso rako. Ipapo unenge wava kunyatsoona kubvisa kabanzu kari muziso rehama yako.

6 Musape zvinhu zvinoera kuimbwa kana kukanda matombo anokosha amapera pamberi penguruve, dzingadaro dzikaatsika–tsika uye dzodzoka dzokurwisai imi.


Kumbirai, Tsvakai, Gogodzai
( Ruka 11:9–13 )

7 “Kumbirai muchapiwa, tsvakai muchawana, gogodzai muchazarurirwa.

8 Nokuti wose anokumbira anopiwa. Anotsvaka anowana. Uye unogogodza achazarurirwa.

9 Nokuti ndiani wenyu anoti kana mwana wake amukumbira chingwa, anomupa dombo.

10 Kana kuti akakumbira hove omupa nyoka?

11 Zvino kana imi vaipi, muchiziva kupa zvipo zvakanaka kuvana venyu, ko kutozoti Baba venyu vari kudenga, vanopa zvipo zvakanaka sei kuna avo vanovakumbira!

12 Zvose zvamungade kuti vanhu vakuitirei, vaitireiwo saizvozvo nokuti uyu ndiwo mutemo navaporofita.


Suwo rakamanikana
( Ruka 13:24 )

13 “Pindai napasuo rakamanikana nokuti suo rinotungamira kundoparadzwa rakapamhamha uye nzira yacho inyore, vanopinda napo vakawanda.

14 Asi isuo rakamanikana uye nzira yacho yakaoma inoendesa kuupenyu, vanoiwana vacho vashoma.


Muti unozivikanwa nomuchero wawo
( Ruka 6:43–44 )

15 “Ngwarirai vaporofita venhema, vanouya kwamuri vakapfeka matehwe ehwai ivo mukati vari mhumhi dzinorura.

16 Muchavaziva nemichero yavo; magirepisi angakohwiwa muminzwa here, kana maonde murukato here?

17 Nezvo muti wose wakanaka unobereka muchero wakanaka; asi muti wakaipa unobereka muchero wakaipa.

18 Muti wakanaka haungabereki muchero wakaipa; mutiwo wakaipa haungabereki muchero wakanaka.

19 Muti wose usingabereki muchero wakanaka unotemwa uchikandwa mumoto.

20 Nezvo muchavaziva nemichero yavo.


Vadzidzi vechokwadi
( Ruka 13:25–27 )

21 “Havasi vose vanonditi, ‘Tenzi Tenzi’ vachapinda muumambo hwedenga asi uyo anoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga.

22 Pazuva iroro, vazhinji vachanditi, ‘Tenzi Tenzi, hatina here kuporofita muzita renyu, tikadzinga mweya yakaipa muzita renyu, tikaita mabasa anoshamisa muzita renyu?’

23 Ipapo ndichavataurira pachena kuti handina kumbokuzivai. Ndibvirei pano imi vaiti vezvakaipa.


Imba yakavakirwa pajecha neyakavakirwa paruware
( Ruka 6:47–49 )

24 “Naizvozvo munhu wose anonzwa mazwi angu aya achiita zvaanoreva, achave somunhu mungwaru akavakira imba yake paruware.

25 Mvura yanaya, mafashamo akauya; dutu rikavhuvhuta richiroverera pamba iyoyo; asi haina kuwa nokuti yakanga yavakirwa paruware.

26 Munhu wose anonzwa mazwi angu aya, asingaachengeti, akaita somurume benzi akavakira imba yake pajecha.

27 Mvura yakanaya, mafashamo akauya. Dutu rakavhuvhuta rikaroverera paimba iyoyo ikawa, kuwa kwayo kwakava kukuru kwazvo.”


Kushamisa kwoukuru hwaJesu

28 Jesu paakangopedza mashoko aya gungano riya ravanhu rakashamiswa norudzidziso rwake

29 nokuti akavadzidzisa somunhu ane simba kwete senyanzvi dzavo dzomutemo.

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy