Mateo 22 - Bhaibhiri Idzva rechiShonaMuenzaniso wamabiko omuchato ( Ruka 14:15–24 ) 1 Jesu akataurazve kwavari nemienzaniso achiti, 2 “Umambo hwedenga hungafanidzwe namambo akaitira mwanakomana wake mabiko omuchato. 3 Akatuma varanda vake kundodaidza avo vakanga vakokwa kumabiko omuchato; asi havana kuda kuuya. 4 Akatumazve vamwe varanda achiti indotaurirai vakakokwa vaya kuti, ‘Onai, ndagadzirira mabiko angu, ndabaya mombe, ndikabaya zvimhuru zvangu zvakakora. Zvose zvagadzirirwa. Chiuyai kumabiko omuchato.’ 5 Asi ivo havana kumboita hanya nazvo, vakabva vatoenda zvavo, mumwe kupurazi yake, mumwe kushawo yake. 6 “Vamwewo vakatobata varanda vake vakavafumura vakavauraya. 7 Mambo akashatirwa akatumira masoja ake akaparadza mhondi idzodzo. Akapisa guta ravo. 8 Akazoti kuvaranda vake, ‘Muchato wagadzirirwa asi vaya vakakokwa vanga vasina kukodzera. 9 Saka endai pamharadzano dzemigwagwa mundokoka kumabiko omuchato vose vamunenge makwanisa kuwana.’ 10 Varanda vaya vakafamba nemigwagwa vakakokorodza vose vavakakwanisa kuwana, vakanaka navakaipa. Saizvozvo zimba romuchato rakazara navakanga vakokwa. 11 “Mambo paakauya kuzoona vaeni, akaona imomo mumwe munhu akanga asina hanzu yomuchato. 12 Akati kwaari, ‘Shamwari, wapinda seiko muno usina hanzu yomuchato?’ Akabva aomerwa nerokutaura. 13 Mambo akati kuna vashandi vake, ‘Musungei maoko namakumbo mumukande murima rokunze.’ ” Ikoko vanhu vachachema nokurumanidza mazino. 14 Nokuti vazhinji vanodaidzwa asi vashoma ndivo vanosarudzwa. Mutero kuna Siza ( Mak 12:13–17 ; Ruka 20:20–26 ) 15 VaFarisei vakaenda vakandoita musangano kuti vangamubate sei mukutaura kwake. 16 Vakatuma kwaari vadzidzi vavo pamwechete nevechikwata chokwaHerodhi vachiti, “Mudzidzisi, tinoziva kuti muri munhu ari pachokwadi uye kuti munodzidzisa gwara raMwari zviri pachokwadi musingatyi munhu nokuti hamunei nechigaro chino munhu. 17 Saka tiudzei kuti munofungei, zviri pamutemo here kutera mutero kuna Siza kana kuti kwete?” 18 Jesu akaziva uipi hwavo akati, “Munondiedzereiko nhai imi vanyengedzi? 19 Ndiratidzei mari yacho yamunotera nayo mutero.” Vakamuunzira mari chena yainzi dhenari. 20 Jesu ndokuti kwavari, “Ko mufananidzo uyu norunyoro urwu ndezvani?” 21 Vakati, “NdezvaSiza.” Iye ndokuvati, “Ipai zvaSiza kuna Siza, mupewo zvaMwari kuna Mwari.” 22 Pavakazvinzwa zvakavashamisa vakamusiya voenda zvavo. Kumuka kwavakafa ( Mak 12:18–27 ; Ruka 20:27–40 ) 23 Pazuva rimwechetero, vaSadhusei vakauyawo kwaari. Ndivo vaya vanoti zvokumuka kwavakafa hakuna. Vakamubvunza vachiti, 24 “Mudzidzisi, Mosesi akati kana murume akafa asina vana munun'una wake anofanira kumugara nhaka kuti aberekere mukoma vana. 25 Zvino pakati pedu kwaiva navarume, mukoma nomunun'una vanomwe. Wokutanga akaroora akafa asina kuita vana. Akasiya mukadzi wake kumunun'una wake. 26 Ndizvozvowo zvakaitika kune wechipiri newechitatu kusvika kune wechinomwe. 27 Mushure mavo vose, mukadzi uya akafa. 28 Ko zvino pakumuka kwavakafa achava mukadzi woupi pavanomwe ivava nokuti akambova wavo vose zvavo?” 29 Jesu akavapindura achiti, “Munokanganisa, nokuti hamuzivi Magwaro Matsvene uye simba raMwari. 30 Nokuti pakumuka kwavanhu kubva kuvafi, havazoroori kana kuroorwa. Asi vanenge vaita savatumwa vokudenga. 31 Pane zvokumuka kwavakafa hamuna kuverenga here zvakataurwa naMwari kwamuri achiti, 32 ‘Ndini Mwari waAbhurahamu naMwari Isaki, naMwari Jakobho. Haasi Mwari wavakafa asi Mwari wavapenyu?’ ” 33 Uuzhinji hwavanhu pahwakazvinzwa hwakashamiswa nechidzidziso chake. Mutemo mukuru ( Mak 12:28–34 ; Ruka 10:25–28 ) 34 VaFarisei pavakanzwa kuti akapwisa vaSadhusei, vakaungana. 35 Mumwe wavo aiva, gweta, akamubvunza mubvunzo wokumuedza achiti, 36 “Mudzidzisi ndoupi murao mukuru mumutemo?” 37 Jesu akati kwaari, “Ida Tenzi Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose nepfungwa dzako dzose. 38 Iwoyu ndiwo mutemo mukuru uye wokutanga. 39 Wechipiri wakafanana naiwo unoti, ‘Ida mumwe wako sokuda kwaunozviita iwe pachako.’ 40 Mirao miviri iyoyi ndiyo misimboti yemitemo yose navaporofita.” Mesia mwana uye ndiTenzi waDhavhidhi 41 VaFarisei pavakanga vakaungana, Jesu akavabvunza mubvunzo 42 achiti, “Munofungei nezvaKristu? Mwanakomana waani?” Vakati kwaari, “Mwana waDhavhidhi.” 43 Iye akati kwavari, “Ko sei Dhavhidhi, afemerwa naMweya Mutsvene, anomuti Tenzi paanoti, 44 “ ‘Tenzi akati kuna tenzi wangu gara kurudyi rwangu, kusvikira ndaisa vavengi vako pasi petsoka dzako?’ 45 Ko zvino kana Dhavhidhi achimuti, ‘Tenzi,’ ko angave Mwana wake sei?” 46 Hapana akagona kumupindura kana izwi zvaro. Uyewo kubvira pazuva iroro hapana akazofemerazve kumubvunza mibvunzo mimwe. |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe