Online Bible

- Reklamy -

Mateo 17 - Bhaibhiri Idzva rechiShona


Kusanduka KwaJesu
( Mak 9:2–13 ; Ruka 9:28–36 )

1 Mushure memazuva matanhatu, Jesu akatora Pita naJemusi naJohani munun'una wake akavatungamirira mugomo refu vari pachavo.

2 Iye akasandurwa pamberi pavo. Uso hwake hwakapenya sezuva. Hanzu dzake dzakati mbuu kuchena sechiedza.

3 Ndokubva Mosesi naEriya vaonekwa vachitaura naJesu.

4 Pita akati kuna Jesu, “I–i, Tenzi, hakusi kunaka kwazvakaita ikoko kuti tive pano! Kana muchida zvenyu regai ndivake misasa mitatu pano. Mumwe wenyu mumwe waMosesi nomumwe waEriya.”

5 Achiri kutaura kudaro, hero gore rinopenya rakavafukidza; izwi rakabva mugore richiti, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu wapamwoyo wandinofadzwa naye, zvikuru, munzwei.”

6 Vadzidzi pavakanzwa izvi vakati kota kota pasi nouso vabatwa nokutya kukuru.

7 Asi Jesu akauya akavabata achiti, “Simukai musatye.”

8 Pavakazosimudza uso havana wavakaona kunze kwaJesu oga.

9 Pavakanga vachiburuka mugomo, Jesu akavatsindidza kuti vasataurire munhu nezvechiratidzo ichocho, kusvikira Mwanakomana womunhu amutswa kuvakafa.

10 Vadzidzi vakamubvunza kuti, “Ko pamusana pei nyanzvi dzomutemo dzichiti Eriya anofanira kutanga auya?”

11 Iye akati, “Hongu Eriya anofanira kuuya, achizodzorera zvinhu zvose pakare.

12 Asi ndinokutaurirai kuti Eriya akatouya nechekare; asi havana kumuziva. Vakaita paari madiro avo. Saizvozvowo Mwanakomana womunhu achatambudzika ari mumaoko avo.”

13 Vadzidzi vakabva vanzwisisa kuti aireva Johani Muombeki.


Jesu anorapa mukomana aiva nemweya wakaipa maari
( Mak 9:14–29 ; Ruka 9:37–43a )

14 Pavakasvika kumhomho yavanhu, mumwe murume akauya kwaari akapfugama pamberi pake

15 achiti, “Tenzi nzwirai tsitsi mwanakomana wangu nokuti anorwara netsviyo uye anotambura zvikuru. Kazhinji kaanowira mumoto uye kazhinji kaanowira mumvura.

16 Ndamuunza kuna vadzidzi venyu asi havana kugona kumurapa.”

17 Jesu akapindura achiti, “Aiwaiwa rudzi rusingatendi uru! Rudzi rwakarasika zvarwo. Ndichange ndinemi kusvikira rini? Ndichaita mwoyo murefu nemi kusvikira rini? Uyai naye kuno kwandiri.”

18 Jesu akamukarira, mweya wakaipa ukabva wabuda maari. Mukomana akabva arapwa pakarepo.

19 Vadzidzi vakauya kuna Jesu vari pachavo voga. Vakati, “Ko isu tatadza nei kuudzinga?”

20 Iye akati kwavari, “Pamusana perudaviro rwenyu rwudiki nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri dai muine chitendero chakaita setsanga yemastadhi, maigona kuti kugomo iri ibva apo uende apo richibva rabva. Hapana chamainge musingakwanisi.”


Jesu anotaurazve nezverufu rwake
( Mak 9:30–32 ; Ruka 9:43b–45 )

22 Pavakanga vari pamwechete muGarirea Jesu akati kwavari, “Mwanakomana womunhu achaiswa mumaoko avanhu.

23 Vachamuuraya asi mushure memazuva matatu achamutswa.” Vakabva vasuruvara zvikuru.


Jesu akabhadhara mutero

24 Pavakasvika kuKapenaumu, vabhadharisi vomutero wehafu yemari yeshekeri vakaenda kuna Pita vakati, “Mudzidzisi wenyu haabhadhari mutero uyu here?”

25 Iye akati, “Hongu.” Paakadzoka kumba, Jesu ndiye akatanga kutaura kwaari achiti, “Unofunga kuti kudii Simoni? Ndavapi vanobvisiswa mutero nomuripo namadzimambo panyika? Vana vavo here kana kuti vamwe zvavo?”

26 Pita paakati vamwe zvavo. Jesu akati kwaari, “Saka vana havabhadhari, handiti?

27 Asi kuti tirege kuvagumbura enda kugungwa undokandamo chirauro utore hove yokutanga inenge yabatwa. Paunozarura muromo wayo uchawana shekeri. Ritore undobhadharira ini newe.”

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy