Online Bible

- Reklamy -

Mariko 4 - Bhaibhiri Idzva rechiShona


Muenzaniso wembeu dzakakushwa
( Mat 13:1–9 ; Ruka 8:4–8 )

1 Jesu akatangazve kudzidzisa ari pedyo negungwa. Mhomho huru yavanhu yakamuunganira, zvokuti akatokwira mugwa ogaramo iro riri mugungwa kudaro. Gungano rose ndokuti chechetere pamucheto wegungwa.

2 Akavadzidzisa zvinhu zvakawanda nemienzaniso. Achinokuvadzidzisa kudaro akati kwavari,

3 “Teererai munzwe, Mukushi akaenda kundokusha mbeu.

4 Paakanga achikusha dzimwe mbeu dzakandowira munzira, shiri ndokuuya dzikadzidya.

5 Dzimwe dzakandowira parukangarahwe padzakashaya ivhu rakadzika; dzakabva dzakurumidza kumera nokuti dzakanga dzisina ivhu rakadzika.

6 Kuzoti zuva rakwira dzakapiswa nezuva, sezvo dzakanga dzisina midzi, dzakashwauruka.

7 Dzimwe mbeu dzakandowira muminzwa; minzwa yakakura ikadzivhunga dzikasaita vana.

8 Dzimwewo dzakandowira muvhu rakanaka dzikamera dzikakura ndokuberekana, dzimwe ndokuita makumi matatu, dzimwe makumi matanhatu dzimwewo zana.”

9 Akazoti, “Ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe.”


Basa remienzaniso
( Mat 13:10–17 ; Ruka 8:9–10 )

10 Kuzoti ava oga, vakanga vanaye pamwechete navane gumi navaviri vakamubvunza nezvemienzaniso.

11 Iye ndokuti kwavari, “Imi makapiwa zvakavanzika zvoumambo hwaMwari asi kune vokunze zvose zvinopiwa nemienzaniso, kuti,

12 “Kutarisisa vatarisise zvavo asi vasina zvavanoona. Kuteerera vateererese zvavo asi vasinganzwisisi nokuti vangadaro vakapinduka vakazoregererwa.”


Tsananguro yomuenzaniso womukushi
( Mat 13:18–23 ; Ruka 8:11–15 )

13 Ipapo Jesu akati kwavari, “Ko, hamuna kunzwisisa muenzaniso uyu here? Ko zvino muchazonzwisisa sei mienzaniso yose.

14 Mukushi anomwaya izwi.

15 Vari munzira munokushwa izwi, ndivo vaya vanoti kana vanzwa, pakarepo Satani anouya obvisa izwi rakushwa mavari.

16 Ndizvozvo zvimwechete navakakushwa parukangarahwe, vanoti kana vanzwa izwi vanobva varigamuchira pakarepo norufaro;

17 asi havana midzi mavari, vanongovapo kwechinguvana chete. Zvino kana dambudziko nokushushirwa izwi zvauya vanobva vatsauka pakarepo.

18 Vanokushwa muminzwa ndivo vaya vanonzwa izwi,

19 asi kuzvidya mwoyo nezvapasi pano nokutorwa mwoyo noupfumi, uyezve ruchiva rwezvimwe zvinhu, zvinopinda zvovhunga izwi, rokundikana kubereka michero.

20 Vakakushwa muvhu rakanaka ndivo vaya vanonzwa shoko nokurigamuchira nokubereka michero, dzimwe makumi matatu, dzimwe makumi matanhatu, dzimwe zana.”


Muenzaniso womwenje unokwidibirwa
( Ruka 8:16–18 )

21 Akatizve kwavari, “Ko mwenje unounzirwa kuti ukwidibirwe nedengu here kana kuti uiswe pasi pomubhedha here? Handiti kuti ugoiswa pachidzimikiro?

22 Chinhu chose chakavanzika chakavanzirwa kuti chizoburitswa pachena; hakunawo chinhu chakavigwa chisingazobudi pachena.

23 Ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe.”

24 Akati kwavari, “Nyatsochenjerai zvamuri kunzwa: chiereso chamunoera nacho, ndicho chamuchaererwawo nacho, uye muchapamidzirwa.

25 Nokuti uyo anazvo achawedzerwa, nouyo asina, kunyange chaanacho achachitorerwa.”


Muenzaniso wokukura kwembeu

26 Akatizve, “Umambo hwaMwari hwakadaizvi, hwakaita somunhu anomwaya mbeu muvhu.

27 Angavate zvake usiku, masikati achimukawo, asi mbeu iya inomera ichitokura, iye asingambozivi kuti zvinoitika sei.

28 Zvinongoitika pachazvo zvoga kuti ivhu rinobereka zvirimwa, pokutanga nhungo, teverei hura, ndokuzouya koroni yakakora pahura dziya.

29 Zvino kana koroni yaibva, anobva apinza jeko kuicheka, nokuti kukohwa kwasvika.”


Muenzaniso wembeu yeMasitadhi
( Mat 13:31–32 , 34 ; Ruka 13:18–19 )

30 Akatizve, “Umambo hwaMwari tingauenzanise neiko? Uye tingahufananidze nomuenzanisoiko?

31 Hwakaita setsanga yamasitadhi yokuti painodyarwa muvhu, inenge iri duku duku pane mbeu dzose dzapasi pose.

32 Asi kana yadyarwa inokura kwazvo kudarika magwenzi ose. Inoita mapazi makuru, zvokuti shiri dzedenga dzinogona kuvaka matendere adzo mumumvuri wayo.”

33 Nemienzaniso mizhinji yakadai aivataurira izvi maererano nezvavaikwanisa kubata.

34 Haaimbotaura kwavari asingashandisi mienzaniso. Asi pavainge vava voga aizotsanangura zvose kuvadzidzi vake.


Jesu anodzikamisa dutu
( Mat 8:23–27 ; Ruka 8:22–25 )

35 Kuzoti ava manheru ezuva rakarero akavati, “Ngatichiyambukirai mhiri.”

36 Vakasiya vanhu vazhinji vaya, vakamutora voenda naye ari mugwa sezvaakanga arimo nakare. Kwakanga kuina mamwe magwa aiva naye.

37 Ipapo dutu guru rakamuka, mafungu akaroverera pagwa achipindamo zvokuti igwa rakanga rotoda kuzara nemvura.

38 Asi iye akanga ari mugwa necheshure akakotsira akatsamira pamutsago. Vadzidzi vake vakumumutsa vachiti kwaari, “Mudzidzisi hamuna hanya here kuti tava kupera?”

39 Jesu akamuka akakarira dutu achiti kugungwa, “Nyarara! Udzikame!” Dutu rakati zi–i kunyarara, kukabva kwanyatsoti dzikadzika.

40 Zvino Jesu akati kwavari, “Sei muchitya kudai? Hamuna chitendero here?”

41 Ivo vakabatwa nokutya kukuru, ndokutaurirana vachiti, “Ko uyu ndianiko uyu anoteererwa kunyange nemhepo negungwa?”

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy