Online Bible

- Reklamy -

Mariko 2 - Bhaibhiri Idzva rechiShona


Jesu anoporesa munhu akatonhora mitezo
( Mat 9:1–8 ; Ruka 5:17–26 )

1 Kwakangoti pfuurei mazuva akati kuti, akapindazve muKapenaumu. Zvakazonzwika kuti ave pamba.

2 Vanhu vazhinji vakaungana zvokuti pakanga pasisina kana nekanzvimbo kose kakasara, kunyange napamusuo pose; iye akanga achivaparidza shoko.

3 Vamwe vanhu vakauya kwaari nomunhu akanga akatonhora mitezo akatembedzanwa navarume vana.

4 Sezvo vakanga vasingagoni kusvika naye paari, pamusana pokuwanda kwavanhu, vakaita buri padenga remba nechapamusoro pake. Pavakanga vaita gwanza vakadzikisa uvato huya hwakanga hurere munhu akatonhora mitezo.

5 Jesu, paakaona chitendero chavo, akati kumunhu akatonhora mitezo, “Mwanangu, zvitadzo zvako zvaregererwa.”

6 Ipapo dzimwe nyanzvi dzoMutemo dzakanga dzigeremo dzakazviti nechomumwoyo.

7 “Ko, seiko uyu achitaura achidai? Ari kushonha Mwari! Ndiani angagone kuregerera zvitadzo kunze kwaMwari oga?”

8 Pakarepo, Jesu zvaakazviziva kuti vaifunga zvakadai mukati mavo, akavati, “Ko munofungireiko zvinhu zvakadai mumwoyo menyu?

9 Chakareruka ndechipi kuti kumunhu akatonhora mitezo, ‘Zvitadzo zvako zvaregererwa.’ Kana kuti, ‘Simuka utore uvato hwako ufambe.’

10 Zvino kuti muzive kuti Mwanakomana womunhu ane simba pasi pano rokuregerera zvitadzo.” Akati kuno munhu akatonhora mitezo uya,

11 “Ndinoti kwauri, ‘Simuka utore rukukwe rwako uende kumusha.’ ”

12 Pakarepo munhu uya akati kwanyanu kusimuka, akatora rukukwe rwake akabuda vose vachiona, zvokuti vose vakashamiswa, vakarumbidza Mwari vachiti, “Aiwaiwa, hatisati tamboona zvakadai kwete.”


Kudaidzwa kwaRevhi
( Mat 9:9–13 ; Ruka 5:27–32 )

13 Zvino Jesu akabvapo oendazve pedyo negungwa, gungano ravanhu rakauya kwaari akavadzidzisa.

14 Zvino akati achipfuura, akaona Revhi, mwanakomana waArifeo agere pahofisi yomutero akati kwaari, “Nditevere.” Iye akasimuka ndokumutevera.

15 Zvino paakanga agere pakudya mumba maRevhi, vateresi vazhinji navatadzi vakauya vakagara pasi vachidya naJesu navadzidzi vake nokuti vaimutevera vakanga vakawanda.

16 Dzimwe nyanzvi dzoMutemo dzebato ravaFarisei padzakamuona achidya navatadzi navateresi, dzakati kuvadzidzi vake, “Seiko mudzidzisi wenyu achidya navateresi navatadzi?”

17 Jesu paakazvinzwa akati kwavari, “Vakukutu havadi chiremba, asi vanorwara. Handina kuuya kuzodaidza vakarurama, asi vatadzi.”


Kutsanya
( Mat 9:14–17 ; Ruka 5:33–39 )

18 Zvino vadzidzi vaJohani navaFarisei vakanga vachitsanya. Vanhu ndokuuya kwaari ndokuti, “Seiko vadzidzi vaJohani navadzidzi vavaFarisei vachitsanya asi vadzidzi venyu vasingatsanyi?”

19 Jesu akati kwavari, “Mungati vanhu vari pamuchato ngavatsanye here iye muwani vachinaye? Kana muwani vachinaye chete havatsanyi.

20 Asi mazuva achauya achabviswa muwani pavari, pazuva iroro ndipo pavachazotsanya.

21 Hakuna munhu anosonerera chiremo chejira idzva pahanzu tsaru; kana akadaro, chiremo chitsva chinobvarura hanzu tsaru, ikabva yanyanya kubvaruka.

22 Hakuna munhu anodira waini itsva muzvigubhu zvamatehwe zvitsaru, nokuti kana akadaro waini inoputisa zvigubhu, waini inorasika, zvigubhu zvichiparara; asi waini itsva inofanira kudirwa muzvigubhu zvitsva.”


Kuchengeta Sabata
( Mat 12:1–8 ; Ruka 6:1–5 )

23 Zvino Jesu akati achipfuura nomuminda yekoroni uri musi weSabata; vadzidzi vake, vachifamba kudaro, vakatangisa kupurura hura dzekoroni.

24 VaFarisei vakati kwaari, “Tarisai muone! Ko, vanoitireiko zvisingabvumirwi nomusi weSabata?”

25 Akavapindura achiti, “Hamuna kumboverenga here zvakaitwa naDhavhidhi, zviya zvaakanga asina chokudya, oziya nenzara iye navaiva naye,

26 kupinda kwaakaita mumba yaMwari, apo Abhiyatari akanga ari mupristi mukuru akadya zvingwa zvakasumwa kuna Mwari, zvisingabvumirwi kudyiwa naani zvake kunze kwavapristi voga akapawo vaaiva navo?”

27 Jesu ndokuti kwavari, “Sabata rakaitirwa munhu, munhu haana kusikirwa Sabata, kwete.

28 Saka Mwanakomana womunhu ndiMambo kunyange weSabatawo.”

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy