Mariko 11 - Bhaibhiri Idzva rechiShonaJesu anopinda muJerusaremu ( Mat 21:1–11 ; Ruka 19:28–40 ; Joh 12:12–19 ) 1 Zvavakanga vava kusvika pedyo neJerusaremu, vakasvika kuBhetifage neBhetania pagomo reMiorivhi; akatuma vamwe vavadzidzi vake vaviri 2 achivati, “Endai mumusha wakatarisana nemi. Muchangopindamo muchawana gondora redhongi, rakasungirirwa, risina kumbotasvwa nomunhu. Risunungurei muuye naro. 3 Kana munhu akakutii, ‘Muri kuzviitirei?’ Muudzei kuti Tenzi ari kurida; acharidzosa nokukurumidza.” 4 Vakaenda, vakandowana gondora redhongi rakasungirirwa pamusuo nechapanze pedyo nomugwagwa, vakarisunungura. 5 Vamwe vakanga vamirepo vakati kwavari, “Ko ndochii chamavakuita, kusunungura gondora iri redhongi?” 6 Vakavaudza zvakanga zvataurwa naJesu, ndokubva vovarega vachienda zvavo. 7 Zvino vakaenda negondora redhongi riya kuna Jesu vakawarira hanzu dzavo pamusoro paro akabva aritasva. 8 Vazhinji vakawarira hanzu dzavo munzira, vamwe vakawarira mapazu anamashizha avakatemha muminda. 9 Zvino vaifamba vari mberi navaimutevera vakadaidzira vachiti; “Hosana, ngaarumbidzwe iye anouya muzita raTenzi. 10 Ngahurumbidzwe umambo hwababa vedu Dhavhidhi. Huri kuuya. Hosana kumusorosoro.” 11 Zvino Jesu akapinda muJerusaremu ndokundopinda muTemberi. Paakapedza kuongorora zvinhu zvose; akabuda oenda Bhetania pamwechete navane gumi navaviri, nokuti kunze kwakanga kwaenda. Jesu anorengerera muonde rushambwa ( Mat 21:18–19 ) 12 Fume ramangwana, zvavakanga vachibva kuBhetania akanzwa nzara. 13 Ari chinhambwe akaona muonde una mashizha akaenda ikoko kuti zvimwe angawane chinhu pauri. Akasvika pauri asi hapana chaakawana kunze kwamashizha chete, nokuti yakanga isiri nguva yamaonde. 14 Ndokubva ati kwauri, “Pasazove nomunhu anodya muchero wako narini.” Vadzidzi vake vakazvinzwa. Jesu anodzinga vaitengesera muTemberi ( Mat 21:12–17 ; Ruka 19:45–48 ; Joh 2:13–22 ) 15 Vakazosvika kuJerusaremu. Akapinda muTemberi, ndokutangisa kudzinga vanhu vaitengesera muTemberi navaitengamo. Akapidigurira pasi tafura dzavanhu vokutsinhanisa mari, nezvigaro zvaavo vaitengesa hangaiwa. 16 Uye haana kubvumira munhu kuti apfuure nomuTemberi akatakura chinhu. 17 Akavadzidzisa achiti, “Hazvina kunyorwa here zvichinzi; “ ‘Imba yangu ichanzi imba yokunamatira, yamarudzi ose avanhu, asi imi makaiita bako ramakororo.’ ” 18 Vapristi vakuru nenyanzvi dzoMutemo vakazvinzwa, vakatsvaka nzira yokumupfuudza nayo, nokuti vaimutya pamusana pokuti vanhu vazhinji vakanga vachishamiswa norudzidziso rwake. 19 Kuzoti ava manheru, vakabuda muguta. Chidzidzo chomuonde wakaoma ( Mat 21:20–22 ) 20 Fume mangwana, vakapfuura napamuonde uya, vakaona wakaoma nemidzi yose. 21 Pita akayeuka ndokuti, “Mudzidzisi tarisai! Muonde uya wamakarengerera rushambwa wakaoma.” 22 Jesu ndokuvapindura achiti, “Ivai nechitendero muna Mwari. 23 Zvirokwazvo ndinokuudzai kuti, ‘Ani naani anoti kugomo iri simudzwa ukandwe mugungwa,’ asingakahadziki mumwoyo make asi achitenda kuti zvinhu zvaareva zvichaitika, achazviitirwa. 24 Naizvozvo ndinoti kwamuri, ‘Chipi nechipi chamunokumbira mumunamato tendai kuti matochipiwa, chichava chenyu. 25 Nguva dzose pamunomira muchinamata, kana pano mumwe wamuine chigumbu naye, muregererei, kuti Baba venyu vari kudenga vakuregerereiwo zvikanganiso zvenyu.’ ” Kunobva simba raJesu ( Mat 21:23–27 ; Ruka 20:1–8 ) 27 Vakasvika zvakare Jerusaremu. Zvaakanga achifamba muTemberi, vapristi vakuru nenyanzvi dzoMutemo navakuru vakuru vavaJudha vakauya kwaari 28 vakati kwaari, “Unoita izvi nesimba raani? Ndiani akakupa simba rokuita izvi?” 29 Jesu akati kwavari, “Ndombokubvunzaiwo mubvunzo mumwechete; mundipindure, ndozokuudzaiwo kuti ndinoita izvi nesimba raani. 30 Ruombeko rwaJohani rwakabva kudenga here kana kuvanhu? Ndipindurei” 31 Ipapo vakataurirana pachavo vachiti, “Kana tikati, ‘Rwakabva kudenga;’ achati, ‘Ko makaregerei kutenda kwaari?’ 32 Asi toti here, ‘Rwakabva kuvanhu? Vakanga vachitya vanhu nokuti vose vaiti Johani muporofita chaiye.’ ” 33 Saka vakapindura Jesu vachiti, “Hatizivi.” Jesu ndokuvati, “Kana neniwo handikutaurirei kuti ndinoita izvi nesimba raani.” |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe