Online Bible

- Reklamy -

Mabasa 24 - Bhaibhiri Idzva rechiShona


Dare Rakaitwa kwaFerekisi

1 Mushure memazuva mashanu, mupristi mukuru Ananiya akadzika navamwe vakuru vakuru nerimwe gweta rainzi Teturosi. Vakapira nyaya yavo kuna Gavhuna yokupomera Pauro.

2 Paakadaidzwa, Teturosi akatangisa kumupa mhosva akati, “Changamire, vaFerekisi nenzira yokuti nokuda kwenyu tine rugare rukuru uye nokutichengeta kwenyu zvinhu zvizhinji zviri kunatsiridzwa kurudzi rwedu urwu.

3 Nenzira dzose uye kose kose tinogamuchira izvi nokutenda kose.

4 Asi kuti tirege kuramba tichikunonotsai ndinokukumbirai nomutsa wenyu kumbotiteererawo zvenyu muchidimbu.

5 Takaona kuti munhu uyu mupesveri, anomutsa nyonganyonga pakati pavaJudha vose pasi pose uye inhungamiri yekaboka kavaNazarini.

6 Akatomboedza kun'oresa Temberi asi takamubata.

8 Nokumuongororawo muchizvinzwirawo imi pachenyu muchaziva kwaari mhosva dzose dzatiri kumupa.”

9 VaJudha vakatsigira kumupa mhosva vachiti ndizvo chaizvo.


Pauro anozvidavirira pamberi pedare raGavhuna Ferekisi

10 Gavhuna paakamuninira kuti ataure, Pauro akapindura achiti, “Nokuziva kuti imi, kwamakore mazhinji manga muri mutongi werudzi urwu, ndinozvidzivirira ndichifara.

11 Sezvinhu zvamungatotsvakawo, hakusati kwapera mazuva anopfuura gumi namaviri kubvira pandakaenda kundonamata kuJerusaremu.

12 Havana kumbondiona ndichiitirana nharo naani zvake kana kunyandutsa mhomho yavanhu muTemberi kana mumasinagogu kana muguta.

13 Uyewo havakwanisi kutaura zvingakugutsei kuratidza kuti zvavari kundipomera ndezvechokwadi.

14 Asi izvi ndinobvuma pamuri, kuti ndinonamata Mwari wamadzibaba edu ndichitevera nzira yekavari kuti kaboka. Ndinotenda zvose zvakatemwa nomutemo kana zvakanyorwa navaporofita.

15 Ndine chitarisiro muna Mwari zvinobvumwa naivava kuti kuchava nokumuka kwavafi, vakarurama navakaipa.

16 Saizvozvo ndinoedza kwazvo kuchengetedza hana yangu yakachena kuna Mwari nokuna vanhu.

17 “Kwapera makore akati kuti, ndakauya kuzopa verudzi rwangu zvipo zvomwoyochena wavamwe nemipiro.

18 Pandaiita izvi, vakandiwana muTemberi ndichipedzisa zvokuzvichenura, pasina chikwata chavanhu kana nyonganyonga.

19 Asi vamwe vaJudha vanobva kuAsia, ivavo vaifanira kunge vari pano pamberi penyu vachikupirai mhosva dzacho dzavanondipomera kana vanadzo.

20 Kana kuti varume vari pano ava pachavo, vataure kuti zvandakaita zvakaipa zvavakawana pandakamira pamberi pedare ndezvipi

21 kusiya izvi zvandakadaidzira ndakamira mukati mavo zvokuti ndakati, ‘Ndiri kupinzirwa dare pamusoro pezvokumuka kwavakafa pamberi penyu nhasi uno.’ ”


Pauro ari musungwa kuSezaria

22 Asi Ferekisi, munhu akanga achiziva zvinhu zvizhinji nezveNzira yechikristu, akamisa dare achiti, “Kana Risiasi, mukuru mukuru wamasoja adzika kuno ndipo pandichapedzisa nyaya yako.”

23 Ipapo akaudza mutungamiri wezana kuti Pauro anofanira kuchengetedzwa ari muusungwa asi aine rusununguko rwakati kuti uye kuti hapana shamwari dzake dzinorambidzwa kumuwanisa zvinomubatsira kurarama.

24 Mushure memazuva akati kuti, Ferekisi akauya nomudzimai wake, Dhurusira akanga ari muJudha. Akadaidza Pauro akamunzwa achitaura nezvechitendero muna Kristu Jesu.

25 Pauro paairondedzera nezvoruenzaniso nezvokuzvibata nezvokutongwa kuchauya, Ferekisi zvakamutyisa akati parizvino chimboenda zvako kana ndawana nguva ndichazokudaidza.

26 Panguva imwecheteyo aitarisira kupiwa pfumbamuromo naPauro, saka aimudaidza kakawanda achitaura naye.

27 Kuzoti makore maviri apera Ferekisi akatsiviwa naPokiusi Fesitusi. Pamusana pokuda kufadza vaJudha Ferekisi akasiya Pauro ari mujeri.

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy