Online Bible

- Reklamy -

Mabasa 20 - Bhaibhiri Idzva rechiShona


Pauro anobva kuEfeso achienda kuMasedhonia nokuAkaya

1 Mhirizhonga iyi payakapera, Pauro akadaidza vadzidzi akavakurudzira ndokuvaoneka oenda kuMasedhonia.

2 Akapfuura nomunzvimbo idzi achivakurudzira akazosvika kuGirisi,

3 kwaakagara mwedzi mitatu. Pamusana pokuti pakaitwa bangano navaJudha rokumurwisa, panguva yaakanga ava kuda kuenda nechikepe kuSiria, akafunga zvokudzokera nokuMasedhonia.

4 Akaperekedzwa naSopeta wokuBherea, mwanakomana waPirusi, kune vokuTesaronika akaperekedzwa naArisitakusi naSekundusi naGayusi wokuDhebhe naTimoti. VokuAsia vakanga vari Tikikusi naTirofimusi.

5 Ava vakafanotungamira vakatimirira kuTiroasi.

6 Isu takafamba nechikepe kuenda Firipi mushure memazuva echingwa chisina mbiriso. Pashure pamazuva mashanu takasvika kwavari kuTiroasi kwatakagara kwamazuva manomwe.


KuTiroasi Pauro akamutsa Yutikusi ainge afa

7 Pazuva rokutanga revhiki, patainge takaungana kuti timedure chingwa, Pauro akataura navo achida kuzosimuka mangwana acho. Akarebesa nhauro yake kusvikira pakati pousiku.

8 Makanga muine mwenje yakawanda muimba yapamusoro matakanga takaungana.

9 Rimwe jaya rainzi Yutikusi rakanga rakagara pawindo, rakabatwa nehope zvikuru Pauro paakaramba achingotaura. Paakakundwa nehope akaputsikira pasi kubva panhurikidzwa yechitatu vakazomutora iye atofa.

10 Pauro akadzika akakotamira paari akamugumbatira akati, “Musazvinetse zvenyu achiri mupenyu.”

11 Pauro akakwirazve kuimba yokumusoro akamedura chingwa akadya akataura kusvika kunze kwachena.

12 Vakatora mukomana voenda naye ari mupenyu zvikavanyaradza zvikuru.


Kubva kwaPauro kuTiroasi achienda kuMiretusi

13 Takafanotungamira kuchikepe tikazosimuka nechikepe tichienda kuAsosi tichida kuzotora Pauro muchikepe ikoko, nokuti ndizvo zvaakanga aronga, iye achida kuenda netsoka.

14 Paakasangana nesu kuAsosi, takamukwidza muchikepe tikaenda kuNitirene.

15 Takabvapo nechikepe. Mangwana acho takasvika pakatarisana neKiosi. Ramangwana acho takapfuura napaSamosi. Ramangwanawo tikasvika kuMiretusi

16 nokuti Pauro akanga afunga kuenda nechikepe achipfuura nokuEfesusi kuti arege kupedza nguva ari kuAsia nokukurumidzira kuva kuJerusaremu, kana zvaigoneka pazuva rePendekosti.


Pauro anoonekana navakuru vakuru vokuEfeso

17 Pauro, ari kuMiretusi akatumira nhume kuEfesusi kundodaidza vakuru vakuru vesangano.

18 Pavakasvika kwaari akavati, “Imi pachenyu munoziva kuti ndakagara sei pakati penyu nguva dzose kubvira zuva randakatanga kusvika muAsia,

19 ndichishandira Tenzi nokuzvidukupisa nemisodzi padama nemiedzo zvakandiwira pamusana pamabangano avaJudha.

20 Handina kumbozeza kukutaurirai pachena chose chakanga chiine basa ndichikudzidzisai zviri pachena imba nemba

21 ndichipa uchapupu kuna vaJudha nokuna vaGiriki nezvokutendeukira kuna Mwari uye nezvechitendero muna Tenzi wedu Jesu Kristu.

22 Zvino, chionai ndavakuenda kuJerusaremu ndakabatwa naMweya. Handizivi zvichandiwira ikoko,

23 kusiya kuti Mweya Mutsvene anondiyambira mumaguta ose kuti jeri nenhamo zvakandimirira;

24 asi handiverengi upenyu hwangu sehune maturo kana kuti hwakakosha kwandiri chero ndikapedza chinhanho changu nebasa randakapiwa naTenzi Jesu rokupupurira Shoko Rakanaka renyasha dzaMwari.

25 Zvino, chinzwai, ini ndinoziva kuti imi vandakafamba mukati mavo ndichiparidza umambo uhu, hamuchazoona chiso changu zvakare.

26 Nezvo ndinotaura pachena kwamuri mose nhasi uno kuti ini mhosva handisisina, wafa wafa, wasara wasara

27 nokuti handina kuteta kukutaurirai pachena zvirongwa zvose zvaMwari.

28 Zvingwarirei imi pachenyu nedanga rose ramakaitwa vatariri varo naMweya Mutsvene kuti muchengete sangano raMwari raakawana neropa roMwanakomana wake pachake.

29 Ndinoziva kuti mushure mokuenda kwangu mhumhi dzinorura dzichauya pakati penyu dzisina tsitsi nokuuraya danga.

30 Kunyange mukati menyu iyemi muchamuka varume vachataura zvakatsauka kuti vakwezvere vadzidzi kwavari.

31 Naizvozvo chenjerai muchiyeuka kuti kwamakore matatu handina kumbomira siku nesikati, kukupai mazano mumwe nomumwe nemisodzi padama.

32 Zvino ndinokukumikidzai kuna Mwari uye kuShoko renyasha dzake rinokwanisa kukuvakai nokukupai nhaka pakati pavakaitwa vatsvene.

33 Handina kuchiva sirivha kana ndarama kana hanzu dzomunhu.

34 Imi pachenyu munozviziva kuti maoko aya ndiwo aindishandira pane zvandaida nezvaidikanwa navandaiva navo.

35 Ndakakuratidzai, muna zvose, kuti nokushingaira kudaro munhu anofanira kubatsira vakarukutika, tichiyeuka mazwi aTenzi Jesu zvaakataura achiti, ‘Chikomborero chikuru kupa pane kugamuchira.’ ”

36 Paakapedza kutaura izvi akapfugama akanamata navo vose.

37 Vose vakachema vakambundikirana naPauro vakamutsvoda.

38 Vaisuwiswa zvikuru nezwi raakanga ataura rokuti, “Havachazoona uso hwake zvakare.” Vakamuperekedza kuchikepe.

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy