Joshua 20 - Bhaibhiri Idzva rechiShonaD: MAGUTA OKUPOTERA 1 Tenzi akataurira Joshuwa achiti, 2 “Taurira vaIsiraeri kuti vasarudze maguta okupotera andakati Mosesi akuudzei. 3 Ndeekuti munhu anenge auraya mumwe zvetsaona kana mukusaziva atizire ikoko. Achava nzvimbo dzenyu dzokupotera kuti mudzivirirwe kuhama yomufi ine basa rokutsividza ropa romushakabvu. 4 Anofanira kutizira kune rimwe ramaguta iwayo agondomira kusuo guru reguta iroro orondedzera mhosva yake kudare ravakuru vakuru veguta iroro. Ipapo vanofanira kumugamuchira muguta imomo vagomupa pokugara, agare zvake navo. 5 Kana uya ane basa rokutsividza ropa romushakabvu akamuronda, havafanire kuisa nyakuuraya mumwe mumaoko ake nokuti akauraya mumwe wake mukusaziva asina kumbenge achivengana naye kare. 6 Acharamba ari muguta imomo kudzamara mhosva yake yapinda mudare atotongwa kana kuti kusvikira panofa mupristi mukuru wenguva iyoyo. Panenge padaro, nyakuuraya mumwe uya anogona zvake kuzodzokera kuguta rokwake, kumusha kwake kuguta kuya kwaakambotiza.” 7 Saka maguta avakasarudza ndeaya kunoti Kadheshi rokuGarireya riri munyika yamakomo yokwaNafutari kwouya reShikemu riri munyika yemakomo yokwaEfuraimu kwoti reKiriatiaribha ndiro Hebhuroni riri munyika yemakomo yokwaJudha. 8 Mudzinza rokwaRubheni kumabvazuva kweJeriko kumhiri kwaJorodhani vakasarudza guta reBhezeri riri munyika yerenje yakatunhumara. Mudzinza rokwaGadhi vakasarudza guta reRamoti riri muGireadhi. Mudzinza rokwaManase vakasarudzawo guta reGorani riri muBhashani. 9 Maguta iwaya ndiwo akasarudzirwa vaIsiraeri vose pamwechete navatorwa vavagere navo okuti munhu anouraya mumwe mukusaziva awane kwokupotera arege kuurayiwa nouya ane basa rokutsividza ropa romuchakabvu kusvikira mhosva yake yapinda mudare yatongwa. |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe