Online Bible

- Reklamy -

Joshua 14 - Bhaibhiri Idzva rechiShona


B: KUGOVERANISWA KWENYIKA YOKUMADOKERO KWAJORODHANI

1 Idzi ndidzo nhaka dzakagoverwa vaIsiraeri munyika yeKanani, vachidzigoverwa nomupristi Ereazari naJoshuwa mwanakomana waNunu navakuru vakuru vemhuri dzemadzinza avaIsiraeri.

2 Madzinza mapfumbamwe nechimwe chikamu chedzinza chiya akagoverwa nhaka nechin'ange sokuudzwa kwakaitwa Mosesi naTenzi.

3 Chakadariso ndechokuti Mosesi akanga atogovera kare nhaka madzinza maviri nechimwe chikamu chedzinza kumhiri kwaJorodhani, vaRevhi chete ndivo vaasina kugovera nhaka pakati pavo.

4 Chiripo ndechokuti vokwaJosefi vakave madzinza maviri anoti rokwaManase nerokwaEfuraimu, asi hapana nhaka yakagoverwa vaRevhi munyikamo. Vakangogoverwa chete maguta okugara nenharaunda dzawo dzokuisa zvinhu zvavo nokuita mafuro ezvipfuwo zvavo.

5 VaIsiraeri vakaita zvakaudzwa Mosesi naTenzi, vakagoveranisa nyika iyoyo.


Kerebhu anopiwa Hebhuroni

6 Vedzinza rokwaJudha vakauya kuna Joshuwa paGirigari. Karebhu mwanakomana waJefune muKenizi akataura nhuna dzake kwaari achiti, “Muchiri kuyeuka here zviya zvakataurwa naTenzi kuna Mosesi munhu waMwari kuKadheshibharinea, paakataura nezvangu uye nezvenyu.

7 Ini ndakanga ndichine makumi mana amakore pandakatumwa paya naMosesi kuzosora nyika ino ndichibva kuKadheshibharinea. Ndakadzoka ndikamuudza chaizvo zvandainzwa mumwoyo mangu.

8 Asi vamwe vangu vandakanga ndaenda navo vakasvikoodza vanhu mwoyo. Asi ini ndakati kwati naTenzi nomwoyo wangu wose.

9 Pamusi iwoyo Mosesi akapika nemhiko achiti, ‘Chokwadi nyika iyoyo yawakatsika norutsoka rwako ichava nhaka yako nezvizvarwa zvako narini narini nokuti iwe wakati kwati naTenzi, Mwari wangu.’

10 Zvino chionai, Tenzi akandichengeta sokutaura kwake makore aya makumi mana ana mashanu kubvira musi waataura izvozvi kuna Mosesi, vaIsiraeri vachangunofamba murenje. Hezvino nhasi uno ndava namakore makumi masere ana makore mashanu okuberekwa.

11 Kusimba kwandakanga ndakaita musi wandakatumwa naMosesi, ndokusimba kwandakaita pari nhasi uye simba rangu rokuenda kuhondo kundorwa richiripo.

12 Saka ndipei zvangu nyika yamakomo yakataurwa naTenzi musi uya. Imi makangozvinzwirawo moga musi uya kuti hofori dzokwaAnakimu dziriko, dzina maguta adzo ane tsvingo. Pamwe Tenzi angangondibatsira, ndikavatorera nyika yavo, sokutaura kwakaita Tenzi.”

13 Joshuwa akakomborera Karebhu mwanakomana waJefune ndokumupa guta reHebhuroni senhaka.

14 Saka Hebhuroni yakabva yava nhaka yokwaKerebhu mwanakomana waJefune muKenizi kusvikira pari nhasi nokuti akaramba akati kwati kwati naTenzi, Mwari wavaIsiraeri.

15 Hebhuroni iyi yaimbonzi Kiriatiaribha. Aribha iyeyu uyu aiva munhu mukuru kwazvo pavaAnakimu. Nyika ndokubva yazorora hondo.

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy