Online Bible

- Reklamy -

Joshua 13 - Bhaibhiri Idzva rechiShona


II: KUGOVERWA MADZINZA NYIKA YEKANANI Nyika dzakanga dzisati dzakundwa navaIsiraeri

1 Zvino Joshuwa akanga akwegura zvokunyatsochemberawo, Tenzi ndokumutaurira achiti, “Wakwegura, makore ako oupenyu ayendedzana, asi kuchine nyika huru kwazvo yokutora kuti ive yenyu.

2 Kuchine nyika huru yamusati matora: kunoti matunhu ose zvawo avaFirisitia, nenyika yose yavaGeshuri namatunhu ose avaGeshuri,

3 (zvichitangira kuShihori kumabvazuva kweIjipiti kusvikira kuchamhembe kumuganho weEkironi, inonzi ndeyevaKanani. Kune vatongi vashanu vechiFirisitia vanoti wokuGaza nowokuAshidhodhi nowokuAshikeroni nowokuGati nowokuEkironi navaAvhimu.)

4 Kumaodzenyemba, inotangira kunyika yavaKanani yose zvichienda nokuMeara kunyika yavaSidhoni kusvikira kuApeki kumuganhu wavaAmori.

5 Kwouya nyika yavaGebaru nenyika yeRebhanoni mujinga megomo reHerimoni kudzamara toda kupinda muHamati,

6 vanhu vose zvavo vomunyika yemakomo kubvira kuRebhanoni kusvikira kuMisirefotimaimu kunyangewo nevaSidhoni vose zvavo. Ini pachangu ndichadzingira vaIsiraeri vanhu ivavo chako iwe chete govanisa vaIsiraeri nyika iyi senhaka, sezvandakakuudza.

7 Saka chigovera nyika iyoyi madzinza mapfumbamwe nechikamu chevedzinza raManase senhaka yavo.”


A: KUGOVIWA KWENYIKA DZOKUMABVAZUVA KWAJORODHANI

8 Vedzinza raRubheni nerokwaGadhi nechimwe chikamu chevedzinza raManase, vanotova kare nenhaka yavo yavakapiwa naMosesi kumhiri kwaJorodhani kumabvazuva, sokupiwa kwavakaitwa naiye Mosesi muranda waTenzi.

9 Kubvira kuguta reAroeru kumucheto webani raArinoni, neguta riri pakati pebani renyika yakatumhumara yeMadhebha zvichienda nokuDhibhoni,

10 namaguta ose aSihoni mambo wavaAmori aitonga kuHeshibhoni ichindosvika kumuganhu navaAmori.

11 Akavapawo nyika yeGireadhi namatunhu ose avaGeshuri neavaMaaka, nokugomo reHerimoni kwose, nenyika yeBhashani yose zvichisvika kuSareka,

12 nyika yose zvayo yamambo Ogu kuBhashani aimbotonga Ashitaroti neEdhirei. (Iyeyu ndiye aiva hofori imwechete yechiRefaimu yakanga yasara.) Mosesi akakurira ivava akaavadzingamo.

13 VaIsiraeri havana kudzingamo vaGeshuri navaMaaka, asi kutoti vokwaGeshuri novokwaMaaka vagere pakati pavaIsiraeri kusvikira pari nhasi.

14 Dzinza raRevhi chete ndiro risina kupiwa nhaka naMosesi nokuti mipiro inopirwa kuna Tenzi, Mwari waIsiraeri ichiita zvokupiswa nomoto ndiyo nhaka yaro sokuudzwa kwaakaitwa.


Nhaka yedzinza rokwaRubheni

15 Mosesi akagovera vedzinza rokwaRubheni nhaka yemhuri dzavo.

16 Kubvira kuAroero pamucheto webani raArinoni ichibvira muguta riri pakati pebani, nenyika yose yakatunhumara yokuMedhebha

17 zvichienda kuHeshibhoni namaguta ose omunyika yakatunhumara aya anoti: Dhibhoni neBhamotibhaari neBhetibhaarimeoni

18 neJahazi neKedhimoti neMefaati

19 neKiriataimu neSibhuma neZeredhishahari riri pachikomo chomubani chiya,

20 neBhetipeori nemateru okubva mujinga megomo rePisiga neBhetijeshimoti,

21 zvichireva kuti maguta ose zvawo omunyika yakatunhumara, nenyika yose yaSihoni mambo wavaAmori aitonga kuHeshibhoni uya wokukundwa naMosesi pamwechete navatungamiriri vavaMidhiani vanaEvhi naRekemu naZuru naHuru naRebha, vakanga vari madzishe aiva pasi pamambo Sihoni, vachigara munyika iyoyo.

22 Bhiriamu mwanakomana waBheori uya aiita maminimini uya akaurayiwawo navaIsiraeri pamwechete navamwe vavakauraya namapakatwa.

23 Saka nyika yevedzinza rokwaRubheni yaindosvika muna Jorodhani ndiwo waiva muganhu wavo. Maguta iwaya nemisha yawo ndiyo yaiva nhaka yevedzinza rokwaRubheni irori nemhuri dzavo.


Nhaka yedzinza rokwaGadhi

24 Mosesi akagoverawo vedzinza rokwaGadhi nhaka yemhuri dzavo.

25 Nyika yavo yaiva yeGazeri zvichienda nokumaguta ose omuGireadhi nechidimbu chenyika yevaAmoni ichisvika kuAroeru kumabvazuva eRabha.

26 Yaibvirawo kuHeshibhoni kundosvika kuRamatimizipe nokuBetonimu, ichibvirawo kuMahanaimu kusvikira kunyika yaDhebhiri

27 zvichienda nokubani kuBhetiharamu nokuBhetinimura nokuSukoti nokuZafoni ndochimwewo chidimbu chenyika yaSihoni mambo weHeshibhoni, Jorodhani ruriwo muganhu wenyika yacho inosvika kumahombekombe egungwa reKinereti kumabvazuva kumhiri kwaJorodhani.

28 Maguta iwaya nemisha iyi ndiyo yaiva nhaka yevedzinza rokwaGadhi nemhuri dzavo.


Nhaka yokumabvazuva yechimwe chikamu chedzinza raManase

29 Mosesi akagovera nhaka kune chimwe chikamu chevedzinza rokwaManase. Akapa nhaka iyi kune chikamu ichi chevedzinza raManase nemhuri dzavo.

30 Nyika yavo yaibvira kuMahanaimu zvichienda nokuBhashani kwose zvako, zvichireva kuti nyika yose zvayo yaOgu mambo weBhashani, namaguta ose aJairi omuBhashani, ose pamwechete aiva makumi matanhatu amaguta,

31 kwouya chidimbu chenyika yeGireadhi neguta reAshitaroti nereEdhirei, maguta omunyika yaOgu yeBhashani, ndozvechikamu chemhuri dzokwaMakiri mwanakomana waManase.

32 Ndidzodzi nhaka dzakagoverwa naMosesi mumapani eMoabhu kumhiri kwaJorodhani nechokumabvazuva kweJeriko.

33 Asi Mosesi haana kugovera vedzinza rokwaRevhi nhaka, Tenzi Mwari wavaIsiraeri ndonhaka yavo, sezvaakavaudza.

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy