Jona 3 - Bhaibhiri Idzva rechiShonaKuteerera kwaJona nokupinduka kweNinivhe 1 Ipapo shoko raTENZI rakauyazve kuna Jona rwepiri richiti, 2 “Sumuka uende kuNinivhe guta guru riya uriparidzire shoko randinokuudza.” 3 Saizvozvowo Jona akasimuka akaenda kuNinivhe sokutaura kwakanga kwaita TENZI. Zvino guta reNinivhe raiva guta rakakurisisa kwazvo rine upamhi hwaitoda rwendo rwamazuva matatu. 4 Jona akatanga kupinda muguta racho achifamba rwendo rwomuswere wezuva achidaidzira kuti, “Kwangosara mazuva makumi mana chete okuti Ninivhe iparadzwe.” 5 Vanhu veNinivhe vakatenda muna Mwari, kukadaidzirwa shoko rokuti vanhu ngavatsanye vapfeke masaga kubvira kuvakuruvakuru kusvikira kuvadikidiki. 6 Shoko racho iri rakazosvikawo kuna mambo weNinivhe akasimuka pachigaro chake choumambo ndokubvisa jasi rake ndokupfeka masaga ndokundogara kumadota. 7 Akabva adaidzira chirevo akachizivisa vanhu muNinivhe yose chokuti, “Nechirevo ichi chatemwa namambo pamwechete novokumba huru; ngaparege kuva nomunhu kana mhuka zvayo kunyange mombe kana chimwe chipfuwo zvacho chinoisa chinhu mukanwa, ngazvirege kana kunwa mvura. 8 Asi kutoti vanhu nemhuka ngavapfeke masaga acheme zvikuru kwazvo kuna Mwari. Munhu wose zvake ngaasiyane nenzira yake yakaipa akande pasi twaanobata-bata. 9 Ndianiko angazive, zvimwe Mwari angadzore mwoyo akarega kutivirukira nehasha dzake dzinotyisa kuti tirege kutsakatika.” 10 Mwari paakaona zvavakanga vaita izvi zvokukanda pasi kwavakaita maitiro avo akaipa, akazvidzora akarega kuvaonesa nhamo yaakanga ati achauyisa kwavari. Saka haana kuzozviita. |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe