Jona 2 - Bhaibhiri Idzva rechiShonaMunamato waJona 1 Jona akabva anamata kuna TENZI, Mwari wake ari mudumbu rehove macho 2 achiti, “Ndakachema kuna TENZI ndiri munhamo yangu, iye akandipindura. Ndakachema ini ndiri mudumbu renzvimbo yavachakabvu, imi makanzwa izwi rangu 3 nokuti makandikanda muhwenje, muhwenje hwegungwa zvahwo pakati-kati chaipo pamakungwa ndakanga ndakakomberedzwa namafashafasha emvura mafungu namasaisai enyu aipfuura zvawo napamusoro pangu. 4 “Ipapo ndakazviti ndazoraswa zvangu kure nemi ndichatarisazve sei temberi yenyu inoera. 5 Mvura yakanditi fuse fuse hwenje hwakandikomberedza zvinomera mugungwa zvakanga zvakanditi mumusoro monemone. 6 Pamidzi yemakomo ndakanga ndichidzika kunyika ine zvihuri zvaindipfigiramo narini narini asi imi TENZI, Mwari wangu makandiponesa upenyu mukandiburitsa mugomba iroro. 7 Mweya wangu pawakapera simba mukati mangu, ndakarangarira TENZI; munamato wangu wakasvika kwamuri muTemberi yenyu inoera. 8 “Vanhu vanoremekedza zvifananidzo zvisina maturo vanokanda pasi kutendeseka kwavo kwapachokwadi. 9 “Asi ini nezwi rokutenda ndichapira chibayiro kwamuri. Ndichaita zvandakapika. Kununura ndokwaTENZI.” 10 TENZI akataura kuhove iya ikarutsira Jona panyika pakaoma. |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe