Online Bible

- Reklamy -

Johane 20 - Bhaibhiri Idzva rechiShona


III: ZUVA RAKAMUKA JESU Guva risina chirimo
( Mat 28:1–8 ; Mak 16:1–8 ; Ruka 24:1–12 )

1 Pazuva rokutanga revhiki Maria Magadharena akafumouya kuguva kuchakasviba. Akaona kuti dombo rakanga rabviswa paguva.

2 Ipapo akamhanyira kuna Pita nomumwe mudzidzi uya waJesu wapamwoyo akati kwavari, “Vabvisa Tenzi muguva zvino hatizivi kwavamuisa.”

3 Pita akabuda pamwechete nomumwe mudzidzi uya vakaenda kuguva kuya.

4 Vakamhanya vose. Mumwe mudzidzi uya akamhanya zvokusiya Pita akandotanga kusvika kuguva.

5 Asi akakotama achidongorera akaona machira erineni ari pakadaro asi iye haana kupindamo.

6 Simoni Pita akazouyawo achimutevera akapinda muguva. Akaonawo machira aya ari pakadaro apo.

7 Nejira duku raiva kumusoro wake rakanga risiri pano mamwe machira asi rakanga rakapetwa riri paro roga.

8 Mumwe mudzidzi uya akatanga kusvika paguva, akapindawo akaona akatenda.

9 Kusvikira ipapo vakanga vasati vanzwisisa Magwaro Matsvene anoti, “Anofanira kumuka kuvakafa.”

10 Vadzidzi vakadzokera kumisha yavo.


Maria Magadharena anoona Jesu amuka
( Mat 28:9–10 ; Mak 16:9–11 )

11 Asi Maria akamira kunze pedyo neguva achichema. Paaichema kudaro akakotama achitarisa muguva.

12 Akaona vatumwa vaviri vakapfeka zvichena vakagara pakanga pakaradzikwa Jesu. Mumwe ari kumusoro mumwe ari kumakumbo, vakamuti,

13 “Nhai, mudzimai iwe uri kuchemeiko?” Iye akavati, “Nokuti vatora Tenzi wangu uye handizivi kwavamuisa.”

14 Achingoti taurei izvi akatendeuka ndokuona Jesu akamira asi haana kuziva kuti ndiJesu.

15 Jesu akati kwaari, “Mudzimai iwe uri kuchemeiko, uri kutsvaga ani?” Zvaakafunga kuti murimi akati kwaari, “Changamire, kana murimi mamubvisa nditaurirei kwamandomuradzika ndindomutora.”

16 Jesu akati kwaari, “Maria!” Iye akabva atendeuka akati kwaari nechiHebheru, “Rabhoni” zvinoreva kuti, “Mudzidzisi.”

17 Jesu akati kwaari, “Usandibate nokuti handisati ndakwira kuna Baba. Asi enda kuhama dzangu undoti kwavari ndiri kuenda kuna Baba vangu naBaba venyu, kuna Mwari wangu naMwari wenyu.”

18 Maria Magadharena akaenda kuvadzidzi akavaparidza kuti, “Ndaona Tenzi uye ataura izvi kwandiri.”


Jesu amuka muvafi anoonekwa navadzidzi vake
( Mat 28:16–20 ; Mak 16:14–18 ; Ruka 23:36–49 )

19 Manheru ezuva rakarero, zuva rokutanga revhiki Jesu akauya mumba maiva navadzidzi; izvozvo makonhi amavakanga vari akanga akaiswa zvihuri pamusana pokutya vaJudha. Akasvikomira pakati pavo akati kwavari, “Rugare ngaruve nemi.”

20 Paakataura izvi akavaratidza maoko ake naparutivi pake. Vadzidzi vakabva vafara pavakaona Tenzi.

21 Jesu akavatizve, “Rugare ngaruve nemi! Sokundituma kwakaita Baba neni ndinokutumaiwo saizvozvo.”

22 Paakapedza kutaura izvi, akafemera pavari akati kwavari, “Gamuchirai Mweya Mutsvene.

23 Kana mukaregerera vanhu zvitadzo zvavo, zvinobva zvaregererwa. Kana mukaramba kuvaregerera havaregererwi.”


Tomasi akamboramba kuti Jesu amuka

24 Tomasi mumwe wavanegumi navaviri ainzi Mapatya, akanga asinavo pakauya Jesu.

25 Ipapo vamwe vadzidzi vakamutaurira kuti, “Taona Tenzi.” Asi iye akavati, “Kana ndisina kutoona mavanga ezvipikiri mumaoko ake ndikapinza munwe wangu mumavanga iwayo ndikapinzawo chanza changu parutivi pake handitendi.”

26 Mushure memazuva masere vadzidzi vake vakanga vari mumba muyazve uye Tomasi akanga ainavo. Makonhi akanga akapfigwa, Jesu akauya akamira pakati pavo akati kwavari, “Rugare ngaruve nemi.”

27 Akabva ati kuna Tomasi, “Uya upinze munwe wako umu uone maoko angu. Tambanudza ruoko rwako upinze parutivi pangu. Usave munhu asingatendi asi anotenda.”

28 Tomasi akamupindura achiti, “Ndimi Tenzi wangu naMwari wangu.”

29 Jesu akati kwaari, “Watenda nokuti wandiona nhai? Vakakomborerwa zvavo vanotenda ivo vasina kundiona.”


Chinangwa chebhuku rino

30 Jesu akaita zvimwe zviratidzo zvizhinji vadzidzi vake vachiona zvisina kunyorwa mubhuku rino iri.

31 Izvi zvakanyorwa kuti mudavire kuti Jesu ndiye Mesia Mwanakomana waMwari uyewo kuti nokutenda ikoko muve noupenyu muzita rake.

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy