Isaya 9 - Bhaibhiri Idzva rechiShonaJinda roRugare 1 Asi hapachave nokusuruvara munyika iya yakanga ichitambura. Kare, Mwari akambopinza munhamo nyika yokwaZebhuruni nenyika yokwaNafutari asi munguva iri kuuya achaita kuti nzira yokugungwa inyatsopfumbira, nyika iri mhiri kwaJorodhani muGarirea kugere vechirudzi. 2 Vanhu vaifamba murima vaona chiedza chikuru; vanhu vaigara munyika yezarima rorufu, chiedza chavavhenekera. 3 Maita kuti rufaro rwavo ruwande mavapa rufaro rwakawanda vari kupembera kufara pamberi penyu sokufarwa kunoitwa pakukohwa sokufara kunoita vanhu pakugovana zvinenge zvapambwa. 4 Pamusana pokuti matyora joko raimuremera netsvimbo yokumurova mapfudzi, neshamhu yaiye waimubata zvakaipa, sepazuva riya ramakakurira Midhiani 5 nokuti shangu dzose dzomurwi wehondo dzavanogiga nadzo pasi muhondo nehanzu dzose dzakaumburudzwa muropa dzichapiswa sehuni dzomoto; 6 nokuti tazvarirwa mwana, tapiwa mwana mukomana; umambo uchava mumaoko make uye zita rake richanzi, “Gurukotarinoshamisa,” “Mwarisamasimbaose,” “Babanyakugaranokugara,” “Jindarorugare.” 7 Umambo hwake hucharamba huchingoenderera mberi huine rugare rusina mugumo ari pachigaro chaDhavhidhi paumambo hwake kuti hudzike midzi nokuhutsigisa noruenzaniso noururami kubvira zvino kusvikira narini wose. Tenzi wehondo nehondo neshungu dzake achatozviita izvozvo. Kuranga kuchaitwa Isiraeri naMwari 8 Tenzi atumira vokwaJakobho shoko richasvika munzeve dzaivava vokwaIsiraeri 9 vanhu vose vachariziva vokwaEfuremu vagari vokuSamaria vanotaura vachizvikudza vanozvitutumadza vachiti, 10 “Zvidhina zvakakoromoka zvazvo, asi isu tichavaka namabwe akavezwa; mikuyu yakatemwa zvayo, asi tichaitsiva nemisidhari isu,” 11 nezvo Tenzi achavamutsira mhandu agovanyandurira vavengi vavo 12 zvichiti vaSiria kumabvazuva, vaFirisitia kumadokero miromo yakashama kuti vazhanye Isiraeri. Nokuda kwaizvozvi hasha dzake hadzina kupora uye muruoko rwake shamhu ichiri mudenga. 13 Vanhu havana kupindukira kuna iye aivaranga kana kutsvaka Tenzi wehondo nehondo. 14 Ipapo Tenzi achagwishura nhungamiri dzacho muIsiraeri nokuita nhimura vokumuswe ivavo, bazi romurara norutsanga zvarwo pazuva rimwechetero. 15 Vakuru vakuru navanoremekedzwa ndidzo nhungamiri dzacho, vaporofita vanodzidzisa zvenhema, ndivo muswe ivavo; 16 nokuti vanotungamirira vanhu ava vanovatungamirira kusiriiko navanotungamirirwa ivavo vanobva vadzungaira. 17 Naizvozvo Tenzi haazi kumbozoregerera majaya avo achipunyuka, haasi kuzoitira tsiye nyoro nherera nechirikadzi dzavo nokuti munhu wose zvaMwari haachazvida uye vose vatova vaiti vezvakaipa zvose zvavanotaura nemiromo yavo ndezvoupenzi. Nokuda kwaizvozvi hasha dzake hadzina kupora muruoko rwake shamhu ichiri mudenga. 18 Chinondidariso ndechokuti uipi hunopisa somoto hunoririmisa minzwa norukato unotungidza majokochwa esango zvigotogoka gore reutsi mudenga. 19 Pamusana pehasha dzaTenzi wehondo nehondo, nyika inororoma kutsva vanhu vachiita sehuni dzomoto pasisina zvokunzwirana tsitsi. 20 Vanoti uku norudyi tyorei vachingosara vanayo nzara, ukuwo noruboshwe vachimochira kudya asi havaguti, mumwe nomumwe achidya mumwe wake; 21 vokwaManase vorwisana nevokwaEfuremu, vokwaEfuremu vachirwisana nevokwaManase vose pamwechete vachirwisa vokwaJudha. Nokuda kwaizvozvi hasha dzake hadzina kupora, muruoko rwake shamhu ichiri mudenga. |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe