Online Bible

- Reklamy -

Isaya 8 - Bhaibhiri Idzva rechiShona


Mudzimai womuporofita Isaya anobereka mwanakomana

1 Tenzi akanditi, “Tora zifendefa guru unyore pariri namavara anogona kuverengwa nomunhu wose zvake kuti, ‘Nyachimbichimbikupambamandikurumidzekutapa.’ ”

2 Ndakatora vanhu vakavimbika vokundipupurira vanoti: mupristi Uriya naZekariya mwanakomana waJebherekiya kuti vazondipupurira.

3 Ini ndakazopinda mumba namai muporofita mudzimai wangu vakabva vava napamuviri ndokubereka mwana mukomana. Tenzi ndokuti, “Mutumidze zita rokuti, ‘Nyachimbichimbikupambamandikurumudzekutapa.’

4 Nokuti mwana iyeyo asati ava kugona kuti baba wangu kana kuti amai vangu, upfumi hweDhamasikusi nezvakapambwa neveSamaria zvichatorwa namambo weAsiria zvoendwa nazvo.”


Kufanotaurwa kwakaitwa zvokuuya kwamambo weAsiria

5 Tenzi akanditizve,

6 “Pamusana pokuti vanhu ivava ava vakaramba mvura yomuShiroa inoerera zvinyoronyoro vakahuta kudedera Rezini nomwanakomana waRemaria;

7 naizvozvo chinzwa, Tenzi ari kuzovaunzira Rwizi runa mafashamo emvura yakawanda ine simba. Rwizi rwacho ndimambo weAsiria nomukurumbira wake wose. Ruchazadza makoronga arwo ose rugofashukira kumahombekombe.

8 Ruchatsvaira munaJudha ruchafashukira ruchienda rwakatutumuka zvokusvika mumutsipa. Mwari anesu achatambanudza mapapiro ake zvokutovhamira upamhi hwenyika yenyu iyoyo.”

9 Chibatisisai izvi imi marudzi kuparadzwa ndokwenyu. Teererai imi nyika dziri kure gadzirirai hondo asi mukangaidzwe gadzirirai hondo asi mukangaidzwe.

10 Ranganai zvamunoda kurangana asi hazvina chimuko temai zvamunoda kutema asi zvamunotema hazvimbomira nokuti Mwari anesu.


Kuyambirwa kwakaitwa muporofita Isaya naTenzi

11 Ndinodaro nokuti Tenzi akataura kwandiri, ruoko rwake rune simba ruri pandiri, akandiyambira kuti ndisafambe mugwara ravanhu ivava achiti,

12 “Zvose zvinenge zvichinzi navanhu ivava ibangano, usazviti ibangano, zvavanotya, usazvitye kana kuva mbwende.

13 Asi Tenzi wehondo nehondo, iyeyo ndiye waunofanira kueresa, ndiye waunofanira kutya, ndiye waunofanira kudedera.

14 Iye achava nzvimbo inoera neibwe rinogumbura nedombo rinogumbura kudzimba dzose dzokwaIsiraeri dziri mbiri, uye riva nechokuteya nacho vagari vomuJerusaremu.

15 Vazhinji vachagumburwa naro vachiwira pasi vachiputsika; vachateyiwa vachibatwa.”


Yambiro yaMwari kuna avo vanoenda kundobvunzira kumidzimu
( Mup 19:31 ; Kut 18:9–13 )

16 Ndinopfundira umboo uhwu ndigonamirira mutemo muvadzidzi vangu.

17 Ini ndomirira zvangu Tenzi ari kuviga uso hwake kumba yaJakobho uye maari ndimo mune chitarisiro changu.

18 Chionai kuti ini navana vandakapiwa naTenzi, tave zviratidzo nemanenji muIsiraeri zvinobva kuna Tenzi wehondo nehondo, anogara paGomo reZioni.

19 Kana vachikutii, “Endai kundobvunzira kumidzimu nen'anga dzinoshwinya nokun'urun'uta, vanhu havafanire kundobvunza kuna Mwari wavo here? Vanofanira kundobvunzira kuvakafa here vachiitira vapenyu?”

20 Izvozvi izvi zvinenge zvichinangana nomutemo noumboo hwacho. Kutaura vangataure zvavo saizvozvo asi hazvina chazvinobatsira.


Nguva yamatambudziko

21 Ipapo vachatunhaira nenyika vachishungurudzwa kwazvo nenhamo vaine nzara. Vaine nzara kudaro, vachaviruka nehasha vakatuka mambo wavo naMwari wavo vakatarisa kudenga.

22 Vachati tarisei pasi, onei matambudziko nerima nokusuruvadzwa nenhamo uye vachakandwa muzarima rakati kwirindindi.

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy