Online Bible

- Reklamy -

Isaya 61 - Bhaibhiri Idzva rechiShona


Shoko rakanaka rokununurwa

1 Mweya waTenzi Mwari uri pandiri nokuti Tenzi akandizodza kuti ndiparidze shoko rakanaka kuvarombo. Akandituma kuzonyaradza vakasuruvara mwoyo, nokuparidzira vari muutapwa rusununguko, nokusunungurwa kwavari muusungwa

2 uye kuparidza kuvanhu gore raTenzi retsiye nyoro nezuva raMwari wedu rokutsiva nokunyaradza vose vanochema

3 kuti ape vanochema muguta reZioni chiremba chokufara chamaruva panzvimbo pamadota okusuwa, mafuta amafaro pachinzvimbo chenhamo yokuchema avape hanzu dzokurumbidza nadzo panzvimbo pokuora mwoyo. Vachatonzi miti yemioku yoururami yakasimwa naTenzi kuti agorumbidzwa.

4 Vachavakazve pamatongo akare vachamutsurudza zvinhu zviya zvakanga zvati pasi mbombombo. Vachagadziridzazve maguta akanga aparadzwa akanga aita matongo kwezvizvarwa nezvizvarwa.

5 Vauyi zvavo ndovachava vokukufudzira zvipfuwo, vatorwa ndovachava vokukurimirai minda nevokukuchengetedzerai minda yamagirepisi.

6 Asi imimi muchanzi vapristi vaTenzi, vanhu vachakutii vashandiri vaMwari wedu. Muchatodya upfumi hwevechirudzi muchiwana zvenyu mukurumbira noupfumi hwavo.

7 Panze pokuti munyare muchatopiwa mugove wakapetwa, kaviri. Panze pokunyadziswa muchafara nomugove wenyu. Naizvozvo munyika menyu imomo mugove wakapetwa kaviri uchange uri wenyu chenyu imi chichava rufaro rwokugara nokugara.

8 “Ndinodaro nokuti ini Tenzi ndinoda ruenzaniso, zvokupamba vanhu ndinozvivenga, ndinovengawo zvokuita zvakaipa. Ndichavapa mubayiro wavo chaivo, ndichaita chitenderano navo chokugara nokugara.

9 Zvizukuru zvavo zvichanyatsozivikanwa mukati memarudzi evanhu, navana vavo mukati mavanhu vose. Vose vachavaona vachabvuma kuti vanhu vakakomborerwa naTenzi.”


Jerusaremu rinopembera kufara richiti:

10 “Ini ndinokurumbidzai Tenzi nomwoyo wangu wose, mweya wanguwo unopemberera Mwari wangu nokuti akandipfekedza hanzu dzoruponeso, akandifukidza nehanzu dzokururama sokuzvipfekedza kunoita murume anenge achichata uye sokuzvishongedza nezvishongo kunoita musikana ari kuchata.

11 Sezvinongoita nyika inomeresa mabukira, uye sezvinongoitawo bindu kumeresa zvinenge zvadyarwamo ndizvozvowo zvinoita Tenzi Mwari, anoita kuti ururami nomukurumbira zvitungire, marudzi ese zvawo evanhu achiona.”

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy