Isaya 3 - Bhaibhiri Idzva rechiShonaNyonganyonga muJerusaremu 1 Ndinodaro nokuti Tenzi Tenzi wehondo nehondo ava kubvisa muJerusaremu nemaJudha zvose zvinovararamisa nezvinovatsigira zvinoti: chokudya chose chinovararamisa, nechokunwa chose chinovararamisa, 2 negamba rose zvaro nomurwi wehondo wose nomutongi wose nomuporofita wose zvake nomushoperi wose zvake nomunhu wose wechikuru 3 uye nomutungamiriri wose wechikwata chamakumi mashanu avarwi nomubati wose wechigaro uyewo gurukota rose zvaro negodobori rose roun'anga nenyanzvi yose yezvamazango. 4 Ndichaita kuti vakomana zvavo vave ndiwo madzishe avo vatongwe nepwere. 5 Vanhu vachabatisana pfumvu chaiyo, munhu woga woga achidaro kuna mumwe wake munhu wose achidaro kune waakagarisana naye wechidiki oitira vakuru misikanzwa, dzenga romunhu richidaro kune anoremekedzwa. 6 Kana munhu akatora mukoma kana munun'una womumba achiti, “Iwe unotova nechokupfeka zvako ndiwe ungatova mutungamiriri wedu uye murwi wamatongo uyu utongwe newe zvako.” 7 Pazuva iroro iye achadura pachena kuti, “Handingave ini wokukuponesai, mumba mangu hamuna chokudya kana nechokufuka Hamungandiite mutungamiriri wavanhu,” 8 nokuti Jerusaremu yawondomoka, Judha yakoromoka nokuti zvavanotaura nezvavanoita zvinopesana naTenzi, zvinozvidza kuvapo kwake kuno mukurumbira. 9 Iho uso hwavo hunopupurira kuita kwavo kwakaipa. Vanoparidzira chitadzo chavo savanhu veSodhomu, havachivanziridze. Zvichavawana zvavo nokuti nhamo yavo ndeyokuzviparira. 10 Taurirai vakarurama kuti zvichavanakira, nokuti vachadya mubayiro wezvavakaita. 11 Zvichamuwana wakaipa, zvichamuipira, nokuti zvaakabata namaoko ake ndozvaachaitirwawo. 12 Vanhu vangu, vari kuoneswa ndondo nepwere vachitongwa navakadzi vanhu vangu, vatungamiriri venyu vari kukuendesai mutome vachivhiringidza makwara enyu amunofanira kutevera. Tenzi anogadza dare vanhu vake 13 Tenzi ava panzvimbo yake yapadare anosimuka kuti achitonga marudzi. 14 Tenzi ava kupinza dare vakuru vakuru pamwechete namakurukota avanhu vake, achivapa mhosva yokuti, “Ndimi makarozva munda wamagirepisi, mudzimba dzenyu mune zvinhu zvamakapamba imi kuvarombo. 15 Simba rokutsika-tsika vanhu vangu kudai munoriwana kupi, muchidzungaidza nokupazamisa varombo?” Ndizvo zviri kurehwa naTenzi, Tenzi wehondo nehondo. Yambiro kuvanhukadzi veguta reJerusaremu 16 Tenzi ari kuti, “Pamusana pokuti vanasikana veZioni vanozvikudza vachifamba vakarebesa kwazvo mutsipa vachidingaringa kwazvo nemesomeso vachifamba vachigogodeka, mumakumbo umu, ndarira dzichingwengwereka. 17 Tenzi acharova neshamhu yezvisasa musoro wavanasikana veguta reZioni, Tenzi achavaita baravara mumusoro.” 18 Musi iwoyo Tenzi achavabvutira ndarira dzakanaka mumakumbo netsungare mumusoro nenyembe dzinenge mwedzi 19 nemhete munzeve namakoza omumaoko namadhuku 20 nenguwani namakoza namabhandhi nezvinu zvamafuta okuzora anonhuwirira namazango 21 neringi dzomumaoko dzokudhindisa nadzo nemhete dzapamhuno 22 nehanzu dzomutambo namajasi namachari namabhegi okubatira mumaoko 23 namachira akangwerevera nembatya dzerineni nenguwani nemimbure yokufukidza uso. 24 Panze pokuva namafuta okuzora anonhuwirira, pachave nezvinoita gutukutu rokunhuwa; panze pokuva nebhandhi pachave netambo zvayo; panzvimbo pokuva nevhudzi rakanyatsorukwa, pachava nemhanza; panzvimbo pokupfeka gemenzi rinokosha pachapfekwa mbikiza dzamasaga; panzvimbo penyora dzorunako pachava nenyora dzakanyeka. 25 Varume venyu vachaurayiwa nebakatwa, magamba enyu achifira kuhondo. 26 Dare rokumisuo mikuru kweZioni richahwihwidza kuchema rachiti pasi pwashasha kugara somukadzi asiyiwa achiti dano asina chaakapfeka. |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe