Isaya 29 - Bhaibhiri Idzva rechiShonaZvaizowira Jerusaremu 1 Zvichakuwana zvako Arieri, iyewe Jerusaremu guta raigara Dhavhidhi! Itaika zvenyu mazuva makuru iwayo gore negore achirundana kudaro. 2 Asi Arieri ndichaipa nhamo, pachave nokuchema nokuungudza guta reArieri kwandiri richaita seatari yazara ropa. 3 Ndichazokukomba mativi ose ndikupoteredze nenharire ndigovaka zvokukukomba nazvo. 4 Ndopauchazotaura uri pasi, pasi pasi chaipo penyika, mazwi ako achabuda achibva pasi chaipo muvhu, inzwi rako richibva pasi sezwi redzimudzangara. Izwi rako richaita, kazevezeve mumhukutu. 5 Gurusvusvu ravavengi vako richaita sehuruva, gurusvusvu revanoutsinye richiita sehundi inopfuura hayo. Nenguva isipi uchayerekana 6 washanyirwa naTenzi wehondo nehondo nemabhanan'ana nokundengendeka kwenyika noruzha rukuru nechamupupuri nedutu nerimi romoto unororomesa. 7 Gurusvusvu ravanhu ramarudzi ose, anorwisa guta reArieri, vose zvavo vanorirwisa vachirwisawo nhare yaro yokuzvidzivirira muhondo, vanoripa nhamo; vachaita sokunge chiroto zvacho, chiratidzo chinoonekwa usiku. 8 Sezvinoitika kana munhu ane nzara anorota achidya ozomuka aine nzara yake, iyoyo asina kuguta, kana kuti zvinoitika kana munhu ane nyota anorota achinwa mvura anomuka akarezuka ane nyota yake isina kupera ndozvichaita gurusvusvu ravanhu vamarudzi ose vanorwisa Gomo reZioni. Kurega kuita hanya neyambiro 9 Zungairai muti tuzu dzimairai mupofomare. Mudhakwe, asi isiri waini inokudhakai; mudhadharike, asi husiri hwahwa hunokudhadharitsai, 10 nokuti Tenzi akakudururirai chipo chomweya wehope dzorufu uye akazarira maziso enyu imi vaporofita, akakwidibira misoro yenyu imi vaoni. 11 Saka chioneso chaizvozvi zvose chave semazwi ebhuku rakanamwa. Kana vanhu vakaripa kuno munhu anogona kuverenga vachimuti, “Verenga bhuku iri.” Iye anoti, “Handikwanisi, nokuti rakanamwa.” 12 Uyewo kana voripa kuno munhu asingagoni kuverenga vachiti, “Verenga bhuku iri,” iye anoti, “Handikwanisi kuverenga.” 13 Tenzi akati, “Pamusana pokuti vanhu ava vanongouya kuzondinamata zvapamuromo chete vachindikudza nemiromo yavo asi mwoyo yavo iri kure neni, kundiremekedza kwavo, unongova mutemo wavakadzidziswa wavakabata nomusoro chete. 14 Naizvozvo chinzwai, ndichaita zvakare zvinoshamisa vanhu ava zvinhu zvinoshamisa zvinokatyamadza. Ungwaru hwavakachenjera vavo huchaparara. Kunzwisisa kwavanonzwisisa vavo kuchavanzwa.” Kukunda kuchaita chakanaka 15 Zvichakuwanai zvenyu imi munoviga kwazvo mazano enyu pana Tenzi imi vemabasa erima, muchiti, “Ndiani anozviona, ndiani angazvizive. 16 Munovhiringidza zvinhu zvose. Muumbi ndiye anganzi ndiye mutapo here? Muumbi anganzi ndiye munyakwe here? Kana chinhu chakaitwa choti kuna akachiita, ‘Haaziriye akandigadzira.’ Chinhu chakaumbwa choti, kune akachiumba, ‘Haanzwisisi.’ ” 17 Handiti kwangosara kanguva kadikidiki kwazvo kokuti Rebhanoni richisandurwa kuitwa munda unopa michero, munda wacho unopa michero uchizoonekwa sesango chairo handiti? 18 Pamusi iwoyo matsi dzichanzwa mazwi omubhuku maziso amapofu ainge ari makati ndindo muzarima achaona. 19 Vatamburi vachamutsurudzwa rufaro, vari muna Tenzi, varombo muvanhu umu, vachapembera norufaro rwavanowana muna iye Anoera waIsiraeri 20 nokuti vanoutsinye vachaguma, vadadi vachapera, vose vanogaririra kuita zvakaipa vachatsakatiswa, 21 vanoti kana nezwi rimwechete ravanominunutsa, voita kuti munhu atonzi apara mhaka; vanotoita zvokuteya kwazvo munhu anoraya vamwe padare rokusuo guru vanoti namazwi asina maturo munhu ane nyaya inonzwika aendeswe nyaya yake isina kutongwa. 22 Naizvozvo Tenzi akanunura Abhurahamu, anotaura nezvemba yaJakobho achiti: “VokwaJakobho havachanyadziswa, uso hwavo hauchazomboti wuna wuna 23 nokuti pavachatarisa vana vavo vandakaumba ini namaoko angu vari pakati pavo vachaeresa zita rangu, vachaeresa iye Anoera waJakobho vachimira vachitya Mwari waIsiraeri. 24 Vanhu vakazungaira vachauya kuzonzwisisa, navanhu vokunyunyuta vachizobvuma kuudzwa.” |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe