Online Bible

- Reklamy -

Isaya 23 - Bhaibhiri Idzva rechiShona


Shoko renhamo dzaizowira guta reTire kuFinisia

1 Herino shoko rakanangana neguta reTire. Imi ngarava dzokuTarishishi ridzai mhere nokuti guta reTire raparadzwa, harisisina imba kana dumba zvaro! Shoko irori richasvika kwamuri richibva kunyika yeSaipurasi.

2 Batai mwoyo imi vagari vokumahombekombe kwegungwa, imi vokuSidhoni vemhindu dzokutengesa zvinhu. Nhume dzenyu dzakapfumiswa navanhu vanofamba nengarava,

3 dzichange dzava pamvura yakawanda, chenyu chamuchawana imbesa dzokuShihori, goho rokuna Nairi. Ndimi mava vemhindu dzokutengesa pamarudzi ose avanhu.

4 Nyarawo kani iwe Sidhoni nokuti hwenje hwegungwa hwati handina kumborwadzwa kana kumbosununguka munhu. Handina majaya andakarera kana mhandara dzandakayarutsa ini.

5 Kusvika kuchaita shoko iroro kuIjipiti vachashushikana mwoyo nezvichange zvawira Tire.

6 Chitoyambukirai zvenyu kuTarishishi muchiridza mhere imi vagari vokumahombekombe kwegungwa.

7 Ndiro guta renyu here ramafaro guta rapasi chigare rakatandira kune dzimwe nyika pamusana pevana varo vakaita chitsva chiri murutsoka?

8 Ndiani akarongera Tire zvakadai, guta roumambo, raiva nevemhindu dzokutengesa zvinhu, vakanga vari machinda rine nevekutengesa zvinhu vairemekedzwa panyika.

9 Tenzi wehondo nehondo ndiye azvironga kuti aparadze kuzvikudza kweveimba youmambo kunyadzisa vose vanoremekedzwa panyika.

10 Tekeshera zvako nenyika yako sokufashukira kweNairi iwe mukunda, guta reTarishishi hapasisina achakudzivisa.

11 Atambanudza ruoko rwake pamusoro pegungwa, akadederesa madzimambo Tenzi atemera Kanani chirevo chokuti nhare dzaro dzokuzvidzivira muhondo dziparadzwe.

12 “Ati kwauri iwe zvamafaro zvakuperera iwe mhandara yaoneswa ndondo, mukunda, guta reSidhoni, simuka, uyambukire kuSaipurasi kunyange ikoko zororo hauna.”

13 Chitarisai muone nyika iya haisiri Asiria havasiri vaAsiria asi kuti vanhu ava vechiKaridhea ndivo vakakanzera Tire kuti rive guta remhuka dzesango vakavaka nharire dzokurikomba nadzo vakaparadza mizinda yaro vakariita kuti rive dongo.

14 Ridzai mhere, imi ngarava dzeTarishishi nokuti nhare yenyu yokuzvidzivirira muhondo yaparadzwa.

15 Panguva iyoyo guta reTire richazokanganwika kwamakumi manomwe amakore, zvakangoenzana namakore amambo mumwechete panopera makore makumi manomwe iwaya zvichazoitika kuguta reTire sezvinotaurwa norwiyo rwepfambi runoti,

16 “Pakata dimbwa utenderere neguta iwe pfambi yakakanganwika Ita mutinhimira wakanaka uchiimba nziyo dzakawanda kuti uzoyeukwawo.”

17 Panopera makumi manomwe amakore Tenzi achashanyira guta reTire, iro richazodzokera kubasa raro rokuzvitengesa richiita upfambi nedzinyika dzose dzapanyika pano pose.

18 Zvamabhindauko aro nezvebasa raro rokuzvitengesa zvichava zvinotopirwa kuna Tenzi, hazvizochengetwa kana kuvigwa asi kuti mabhindauko aro achatozowanisa vanogara pana Tenzi zvokudya nezvokupfeka zvakawanda.

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy