Isaya 20 - Bhaibhiri Idzva rechiShonaChiratidzo kuIjipiti nokuItiopia chomuporofita asina kupfeka 1 Mugore rakatumwa mutungamiriri mukuru wehondo naSarigoni mambo weAsiria akaenda kuAshidhodhi akarirwisa, ndokurikurira. 2 Panguva iyoyo, Tenzi akanga afanotaura nokuna Isaya mwanakomana waAmozi kuti, “Enda unosunungura mutikisha wamasaga uubvise muchiuno mako, ubvise shangu dzako mumakumbo.” Akaita saizvozvo, ava kufamba ari mutwi asina shangu, 3 Tenzi akati, “Sokufamba kwakaita Isaya muranda wangu ari mutwi asina kupfeka shangu kwamakore matatu nechiratidzo kuIjipiti neItiopia 4 ndizvo zvichaita mambo weAsiria. Achatinha nhapwa dzevaIjipiti nevaItiopia achienda nadzo vose zvavo vakuru navadiki vari mutwi vasina shangu mumakumbo magaro ari pachena, chinhu chinonyadzisa muIjipiti. 5 Ipapo zvichavapazamisa misoro vachitonyarira Itiopia yavaivimba nayo neIjipiti chidadiso chavo. 6 “Vagari venyika yomumahombekombe megungwa muno, pazuva iroro vachati, ‘Tarisai muone zvaitika kuvanhu vaya vataivimba navo, kuvanhu vaye kwataitizira kundobatsirwa kuti tinunurwe mumaoko mamambo weAsiria! Zvino isu tingapapunyuke sei ipapa?’ ” |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe