Isaya 2 - Bhaibhiri Idzva rechiShonaRugare runounzwa naMwari 1 Zvinhu zvakaoneswa Isaya mwanakomana waAmozi zvakanangana nenyika yokwaJudha neguta reJerusaremu, 2 Zvichazoitika pamazuva ari kuuya kuti gomo reTemberi yaTenzi richanyatsoti dzu-u pamusoro pemamwe makomo zvokupfuurira zvikomo kureba marudzi ose achakotonokera kwariri; 3 ndudzi dzavanhu dzisingaverengeki dzichauyako dzichiti, “Uyai tikwire kugomo raTenzi, kuTemberi yaMwari waJakobho atidzidzise nzira dzake kuti tigofamba mumakwara ake.” Ndinodaro nokuti muGomo reZioni ndimo munobva mutemo uye shoko raTenzi rinobva muJerusaremu. 4 Achatonga marudzi ose evanhu achienzanisa mhosva dzendudzi dzavanhu dzakawanda; vachapfura mapakatwa avo vachiaita miromo yemagejo, mapfumo vachiaita majeko okupemhenesa. Hakuna rudzi ruchazosimudzira rumwe rudzi zvarwo bakatwa, zvokudzidzisana kurwa hondo pachange pasisina. 5 Douyai nhaimi vemba yaJakobho tifambe muchiedza chaTenzi. Kuzvikudza kuchaparadzwa 6 Chiripo ndechokuti imi makaramba vanhu venyu, imba yaJakobho pamusana pokuti mavari muzere vashoperi vokumabvazuva nevanofembera namaminimini sevaFirisitia uye vanotorovana zvavo maoko nevechirudzi. 7 Nyika yavo izere nesirivha nendarama, upfumi hwavo hauverengeki. Nyika yakazara namabhiza, ngoro dzavo dzehondo hadziverengeki. 8 Nyika yavo izere zvifananidzo zvokunamata vanopfugamira basa ravakaita namaoko avo zvinhu zvavakaita ivo neminwe yavo. 9 Ipapo munhu anoninipiswa, munhu anodukupiswa. Musavaregerere zvitadzo zvavo! 10 Pindai mubako, hwandai muvhu, muhwande hasha dzaTenzi muhwande mbiri youkuru hwake. 11 Kutarisa kwomunhu kune kuzvikudza mukati, kuchadukupiswa kuzvikudza kwomunhu kuchininipiswa. Tenzi ndiye chete acharumbidzwa musi iwoyo. 12 Ndinodaro nokuti Tenzi wehondo nehondo, ane zuva rake, zuva raachaworora kudada kwose nokuzvikudza achiwororawo zvose, manyawi nokuzvitutumadza. 13 Zuva raachaworora miti yose yemisidhari yokuRebhanoni ina manyawi, inozvitutumadza achiworora miti yose yemioku yokuBhashani 14 achiwororawo makomo marefu ose nokuworora zvikomo zvose zvakati dzu-u kumira. 15 Achaworora nharire ndefu yose yose nokuwororawo guta rose rakavakirwa netsvingo 16 achiworora ngarava dzose dzokuTarishishi kuworora zvinhu zvose zvinoyevedza zvakaitwa noumhizha. 17 Kuzvikudza kwomunhu kuchaninipiswa kuzvitutumadza kwomunhu kuchadukupiswa Tenzi ndiye chete acharumbidzwa musi iwoyo. 18 Zvezvifananidzo zvokunamata izvi zvichanyatsopera. 19 Vanhu vachapinda mumapako ematombo nomuninga dzepasi apa vachihwanda kutyisa kwaTenzi nokuhwanda mbiri youkuru hwake paachasumukira nyika kuzoidederesa. 20 Musi iwoyo vanhu vacharasa zvifananidzo zvavo zvokunamata zvesirivha nezvifananidzo zvavo zvokunamata zvendarama zvavakanga vazvigadzirira kuti vapfugamire vachizvirasira kunhuta nokuturemwaremwa 21 kuti vapinde mumapako amatombo nomumitswe yamazitombo vohwanda kutyisa kwaTenzi vachihwanda mbiri youkuru hwake paachasumukira nyika kuzoidederesa. 22 Siyanai nomunhu anongovawo zvake nemweya wokufema mumhuno nokuti chii chaari chaicho? |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe