Isaya 19 - Bhaibhiri Idzva rechiShonaMwari acharanga Ijipiti 1 Shoko rakanangana neIjipiti. Tarirai muone “Tenzi agere pagore riri kumhanya chaizvo achienda kuIjipiti, zvifananidzo zvokunamata zveIjipiti zvichadedera nokuvapo kwake, vaIjipiti vachadumbirwa nazvo. 2 Ndichaita kuti vaIjipiti vamukirane, vacharwisana pachavo, mumwe achirwisana nomumwe wake, maguta achirwisana pachawo, madzimambo achirwisanawo pachawo, 3 VaIjipiti vacharasiswa mwoyo, ndichavhiringidza mazano avo. Ivo ndopavachaenda kundobvunzira kuzvifananidzo zvokunamata, nokuna vano un'anga hwokufembera namaminimini vachindobvunzirawo kumidzimu nokun'anga. 4 Iniwo ndopandicharamwira vaIjipiti ivavo, mumaoko atenzi ano mwoyo wakaoma, vatongwe namambo anotyisa ndizvo zviri kutaurwa naTenzi Tenzi wehondo nehondo.” 5 Mvura yomuna Nairi ichapwiswa rwizi ruchanyatsoti papata kuoma. 6 Migero yayo ichava gutukutu kunhuwa, tukova tunodira muna Nairi yeIjipiti tuchaserera tugopwa, tsanga nenhokwe dzichaora. 7 Kuchaita madzvanga madzvanga muna Nairi kumahombekombe aNairi, zvose zvinodyarwa pedyo naNairi zvichaoma zvigopeperetswa pasare pasisina. 8 Varedzi vachaungudza vachichema, vose zvavo vanokanda chirauro muna Nairi vachanyatsoti gojoto, ivavo vanokanda usvasvi mumvura. 9 Vashandi vanokuruza rwodzi rweFurakisi, vachaora mwoyo pamwechete navanoruka machira nedonje jena. 10 Varuki vamachira vachadumbirwa nazvo vashandi varasa mwoyo. 11 Machinda okuguta reZoani, mazipenzi chaiwo evanhu, ngwazi dzomakurukota aFarao dzinopa mazano asina nomusoro wose. Ndicho chii chamunotaura kuna Farao muchiti, “Ini ndiri mwanakomana wengwazi, mwanakomana wamadzimambo echinyakare?” 12 Ko zvino ngwazi dzenyu dziripi? Ngadzichikutauriraika, dzifanokuzivisai zvarongwa kuitwa kuIjipiti naTenzi wehondo nehondo. 13 Machinda okuguta reZoani ava mapenzi avanhu uye machinda okuguta reMemufisi, azofuririkana; vakuru vakuru vomumadzinza eko vateteretsa Ijipiti. 14 Tenzi apinza mukati mayo mweya wenyonganyonga vakaita kuti Ijipiti idzedzereke mune zvose zvazvo zvainoita sokudzadzarika kunoita chidhakwa mumarutsi acho. 15 Hapana chichagona kuitwa muIjipiti nenhungamiri nevokumuswe vacho kana kuitwa nebazi romurara kunyange norutsanga zvarwo. VaIjipiti vachanamata Mwari 16 Pazuva iroro vaIjipiti vachaita savakadzi chaivo vodedera kutya simba roruoko rwaTenzi wehondo nehondo runenge rwozunzwa pamusoro pavo. 17 Nyika yokwaJudha ichava chazezesa kuvaIjipiti. Anongoinzwa chete ichidomwa achatya pamusana pedzavarongerwa naTenzi wehondo nehondo. 18 Musi iwoyo munyika yeIjipiti muchava namaguta mashanu anotaura rurimi rweKanani vachitopika naTenzi wehondo nehondo. Rimwe rawo richanzi, “Gutarezuva.” 19 Nomusi iwoyo kuchava neatari yaTenzi mukati menyika yeIjipiti nomusimboti waTenzi kumuganhu kwayo. 20 Zvichange zviri chiratidzo chinopupurira Tenzi wehondo nehondo munyika yeIjipiti pavanochema kuna Tenzi pamusana pevanodzvinyirira vamwe iye anozovatumira mununuri achavadzivirira achivaponesa. 21 Tenzi achazvizivisa kuvaIjipiti, vaIjipiti vachazivawo Tenzi pazuva iroro vagomupfugamira nokupira kwaari zvibayiro nomupiro wokupisa. Vachapika mhiko kuna Tenzi vachidzichengeta. 22 Tenzi acharova Ijipiti nedenda, airova kudaro, achazoiporesa, ivo vachazotendeukira kuna Tenzi, iye achazonzwa zvichemo zvavo agovarapa. 23 Nezuva iroro kuchava nomugwagwa mukuru unobva kuIjipiti uchienda kuAsiria. VaAsiria vachauya muIjipiti, vokuIjipiti vachiendawo kuAsiria uye vaIjipiti vachanamata pamwechete nevaAsiria. 24 Pamusi iwoyo Isiraeri ichava yechitatu kunyika yeIjipiti neAsiria dzichange dzava chikomborero chaicho pakati penyika, 25 Tenzi wehondo nehondo, dzaachakomborera achiti, “Makakomborerwa zvenyu imi vanhu vangu vaIjipiti, nemi vaAsiria vandakasika namaoko angu, nemi vaIsiraeri nhaka yangu.” |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe