Online Bible

- Reklamy -

Isaya 18 - Bhaibhiri Idzva rechiShona


Kurangwa kuchaitwa Itiopia naMwari

1 Hameno zvayo nyika yamapapiro anobhabhama iri mhiri kwenzizi dzokuItiopia

2 inotumira vamiririri nomuna Nairi nomagwa enhokwe pamvura, ichiti, “Chiendai imi nhumwa dzinokurumidza kuvanhu varefu vane ganda rinotsvedzerera vanhu vanotyiwa padyo nokurekure rudzi rune simba runokurira rune nyika yakakamuraniswa nehova.

3 “Imi mose vagari vapasi pose imi mugere panyika, kana pamakomo pasimudzwa mucherechedzo, tarisai, kana kwaridzwa bhosvo, teererai

4 nokuti Tenzi ati kwandiri, ‘Ndichatarisa chinyararire ndiri kwandigere sokupisa kwezuva masikati machena, souma hwenguva yokupisa yapakukohwa.’

5 “Ndinodaro nokuti, panongoti kutumbuka perei ruva racho rava girepisi ratookuibva, achacheka nhungirwa dzacho nejeko rokupemhenesa, mapazi akatandavara achiatema.

6 Vose zvavo vachasiyiwa vave nyama yeshiri dzomumakomo nokuzvikara zvapasi pano. Vachasaruka vachidyiwa, muzhizha vachichochonhwa neshiri, pachirimo vachibubunwa nezvikara zvesango.

7 “Panguva iyo mipiro ichaunzwa kuna Tenzi wehondo nehondo zvichibva kuvanhu varefu vane ganda rinotsvedzerera, vanhu vanotyiwa padyo nokurekure, rudzi rune simba runokurira, rune nyika yakakamuraniswa nehova vachiuya nayo kuGomo reZioni nzvimbo ine zita raTenzi wehondo nehondo.”

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy