Isaya 16 - Bhaibhiri Idzva rechiShonaKupotera kwevokwaMoabhu kwaJudha 1 Vanhu veMoabhu vari kuguta reSera riri kurenje vakatumira hwayana kumutongi wenyika, kugomo romukunda, guta reZioni. 2 Seshiri dziri kupupurika, samanyana amwararidzwa, ndozvangoitawo vakunda veMoabhu kumazambuko aArinoni, vachiti, 3 “Tipeiwo mazano mutiitirewo zvino ruenzaniso, mumvuri wenyu uti gude gude sousiku zuva richirova panhongonya, mungovigiridzawo waro vasemwi, musaburitse pachena vanenge vapotera. 4 Regai zvenyu vasingadiwe kuMoabhu vambotiwo garei zvavo pakati penyu muve diziro ravo rokuhwanda muparadzi. Pachazenge zvamuperera wokudzvinyirira vamwe uyu, zvokuparadza izvi kusisina, naiye nyakutsokodzera vamwe netsoka atsakatika panyika, 5 ndopachagadzikwa chigaro choumambo chichimiswa nenyasha. Pachiri, mumwe akatendeseka wetendhe rokwaDhavhidhi achagarapo. Iyeyo anenge ari munhu anotonga akanangana noruenzaniso uye anokurumidza kuita zvakarurama.” 6 “Takanzwa nezvokuzvikudza kweMoabhu nokudada kukuru kwayaiita; nezvokuzvitutumadza kwayo nokuzvitora kwainoita, nokutafura kwayo kuzvizuwidza kwayo, hakuna chakunobatsira.” 7 Naizvozvo Moabhu ngaizvicheme, rungairai chaizvo kuchema, munhu wose ngaacheme Moabhu, ngavacheme zvambwa zvamagirepisi okuKirihareseti 8 nokuti minda yokuHeshibhoni neminda yamagirepisi yokuSibhuma yosvava, madzishe edzindudzi akakwazhura mapazi ayo aisvika kana nokuJazeru achirasikira nokugwenga uko; nhungirwa dzacho dzichitandira uko nouko dzichitopfuura zvadzo napamusoro pegungwa. 9 Naizvozvo ndochema ini sokuchema kuri kuita vokuJazeru, kuchema minda yamagirepisi yokuSibhuma. Ndinonyorovesa nemisodzi, iwe guta reHeshibhoni newe guta reEreare nokuti michero yako nezvaunokohwa muminda zvawirwa nehondo. 10 Zvokupembera nokufara izvi zvabviswa mumunda unobereka. Muminda yamagirepisi hamuna rwiyo ruri kuimbwa kana mhururu dzinorira wokusvina waini, mokusvinira hapasisina huro dzepajakwara rokusvina dzachiti zii kunyarara. 11 Naizvozvo mweya wangu uri kudandaura sechipendani kuchema Moabhu, nomwoyo wangu uchishungurudzirwa Kiriheresi. 12 Moabhu painouya ichizvitambudza kuuya panzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira painouya kunzvimbo yayo inoera kuzonamata, hapana chimuko kwairi. 13 Iroro ndiro shoko rakanga rataurwa kare naTenzi rakanangana neMoabhu. 14 Asi zvino Tenzi anoti, “Mumakore matatu, sezvinoita makore omunhu anoita marikicho, mbiri yeMoabhu ichashorwa kunyange zvazvo aine gurumwandira ravanhu iroro, vachapunyuka rufu vacho vachange vari vashoma dziri ndonda zvadzo.” |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe