Isaya 15 - Bhaibhiri Idzva rechiShonaKuparadzwa kuchaitwa Moabhu naMwari 1 Shoko rakanangana neMoabhu. Guta reMoabhu, Ari, raparara nousiku umwechete ndokupararawo kwenyika yeMoabhu ikoko. Guta reKiti raparara nousiku umwechete ndokupararawo kwenyika yeMoabhu ikoko. 2 Vanhu vokuDhibhoni vakwira kunzvimbo dzakatunhumara dzokunamata kundochema, nyika yeMoabhu inochema guta reNebho neMedhebha, Moabhu inoungudza kuchema, musoro wose wava muparavara vose vaguswa ndebvu. 3 Mumigwagwa vanopfeka masaga, vapamusoro pedzimba nomunhandare vanhu vari kubongomora vachimokoteka misodzi. 4 Guta reHeshibhoni neEreare ari kuridza mhere, kuchema kwavo kuri kunzwika kunyange kuJahazi. Naizvozvo varwi vokuMoabhu vari kudandaura kuchema vapindwa nokudedera. 5 Mwoyo wangu unochema Moabhu, vanhu vayo vanotizira kuZoari, vanosvika kwose nokuEgiratisherishiya nokuti vanokwira mukwidza wokuRuhiti iri mhere chete kuhwihwidza nokunzira yokuHoronaimu vari kuchema kuparadzwa kwavo. 6 Mvura yokuNimurimu yakapwa, uswa hwakaoma, bundo hapachisina, hapachisina kana chinyoro. 7 Naizvozvo upfumi hwavakawana, vakachengeta vavakutohutakura kuyambuka kaKova Kemushambangwena. 8 Mhere yavo iri kusvika kumiganhu yenyika yeMoabhu, kubongomora kwavo kuchisvika kuEgirami kuungudza kwavo kuchisvikawo kuBhierierimu. 9 Mvura yokuDhimoni izere ropa asi ndichatounza rimwe rakawanda muDhimoni vanenge vapotera munyika yeMoabhu nechitsama chavo chichange chasaramo ndichavasasadzira shumba. |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe