Online Bible

- Reklamy -

Isaya 11 - Bhaibhiri Idzva rechiShona


Umambo hwokwaDhavhidhi hune runyararo

1 Naizvozvo pachigutsa chokwaJese pachatungira nhungirwa, bukira richamera pamidzi yake.

2 Mweya waTenzi uchagara paari Mweya woungwaru newokunzwisisa Mweya unopa zano newesimba Mweya woruzivo newokutya Tenzi.

3 Zvokutya Tenzi ndozvaanofarira. Haatonge nezvaanoona nameso chete kana kutevedza zvaanonzwa nenzeve

4 asi kuti achatonga varombo zvakarurama achipipirira vatamburi vepanyika uye nyika achairova neshamhu yomuromo wake nefemo romuromo wake anopfuudza vakaipa.

5 Ururami ndihwo huchava bhandhe raanosungisa muchiuno chake, kutendeseka kuri bhandhe rake muchiuno.

6 Mhumhi ichagarisana zvayo nehwayana mbada icharara zvayo pamwechete nembudzana, mhuru neshumba nechigondora chakakora zviri pamwechetewo, zvichifudzwa zvazvo nemwana muduku.

7 Mhou nebere zvichatofura pamwechete vana vazvo vachirara zvavo pamwechete, shumba ichafura sora semombe.

8 Mwana ari kuyamwa achatamba zvake pamwena wemhakure ndumurwa ichiisa zvayo ruoko mumwena wechiva.

9 Hazvizombokuvadza kana kuparadza mugomo rangu rose rinoera nokuti panyika pachange zvino pazara nokuziva Tenzi sokuzadza kunoita mvura gungwa.


Nhapwa dzichadzoka

10 Pazuva iroro, bukira romudzi wokwaJese richamira sechiratidzo kudzindudzi dzavanhu, iyeyo ndiye achange wototsvagwa nevechirudzi, Nzvimbo yake yokugara ichava nomukurumbira.

11 Nomusi iwoyo, Tenzi achatambanudza ruoko rwake kechipiri kununura chitsama chakasara chevanhu vake kubva kunyika idzi dzinoti: Asiria neIjipiti nePatirosi neItiopia neEramu neShinari neHamati nenyika dzokumahombekombe kwegungwa.

12 Achasimudzira marudzi avanhu chiratidzo achikokorodza vasemwi veIsiraeri agounganidza vanhu vokwaJudha vakamwarariswa kubva kumativi mana enyika.

13 Pfini dzevokwaEfuremu dzichapera, vanovenga vokwaJudha vachapera. VokwaEfuremu havachazoitira shanje vokwaJudha vokwaJudha havazotambudza vokwaEfuremu

14 asi vachatoita chirwirangwe kurwisa vaFirisitia kumadokera uye pamwechete, vachapamba vanhu vokumabvazuva. Vachaita mubatirapamwe kurwisa Edhomu neMoabhu, vaAmoni vachavateerera.

15 Tenzi achanyatsoparadza muromo wegungwa reIjipiti, achavheyesa ruoko rwake pamusoro peRwizi rwacho nemhepo yake inopisa zvakaipisisa kwazvo achirurova achiruparadzanisa kuita tukova tunomwe kuti vanhu vayambuke zvavo vachitsika pasi pakaoma.

16 Pachava nomugwagwa mukuru unobva kuAsiria, wokuitira chitsama chavanhu vake vakasara sewakaitirwa vaIsiraeri pavakabuda vachibva kunyika yeIjipiti.

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy