Genesi 50 - Bhaibhiri Idzva rechiShona1 Pakarepo Josefi akazviwisira pamubhedha paiva nababa vake akavatsvoda achihwihwidza kuchema. 2 Josefi akarayira vanhu vaiita basa rokuomesa zvitunha kuti vanyatsoomesa chitunha chababa vake Isiraeri. Vanhu ivavo vakaita saizvozvo. 3 Basa rokuomesa chitunha raida mazuva makumi mana. Saka ava vakaomesa chitunha chaIsiraeri vakapedza mazuva makumi mana vachiita basa racho. VaIjipiti vakachema Jakobho mazuva makumi manomwe. 4 Kuzoti mazuva okuvachema apera, Josefi akataura namachinda aFarao achiti, “Kana mandinzwirawo tsitsi ndisvitsireiwo shoko kuna mambo Farao muchiti, 5 baba vangu vakati, ‘Ini ndava kufa. Ndine guva rangu randakagadzira riri kunyika yeKanani. Zvino iwe nditsidzire kuti uchazondiviga muguva iroro.’ Saka zvino ndibvumireiwo kuti ndiende kundoviga baba vangu ndigozodzoka zvangu kuno.” 6 Farao akati, “Enda zvako undoviga baba vako sokutsidzirana kwawakaita navo.” 7 Josefi akaenda kundoviga baba vake. Akwirako namakurukota ose aFarao namachinda ake navakuru vakuru vose vemuIjipiti. 8 Akaendawo navanhu vose vemba yake nehama dzake navamwe vemhuri yababa vake. Asi vana vavo nezvipfuwo zvavo zvose ndizvo zvakasara kuGosheni. 9 Vakaenda vaine ngoro dzehondo dzamabhiza navachairi, vari boka guru guru kwazvo. 10 Vakasvika paburiro repaAtadhi riri kumhiri kwaJorodhani, vakachema vari ipapo vachiungudza nokuchema kukuru. Josefi akapedza mazuva manomwe ari ipapo achingochema baba vake. 11 Vanhu venyika iyoyo, vaKanani pavakaona muchemero iwoyo waiitwa paburiro repaAtadhi, vakati, “Aiwa kuchema kuri kuitwa navaIjipiti kwakakura zvisingatauriki.” Naizvozvo vakatumidza buriro racho zita rokuti Kuchema kwavaIjipiti. Buriro iroro riri kumhiri kwaJorodhani. 12 Vana vaJakobho vakaita zvavakanga varayirwa nababa wavo. 13 Vakavatakura vakaenda navo kunyika yeKanani. Vakandovaviga nechokumabvazuva kweMamure mubako romugura repaMakipera, guru rakatengwa naAbhurahamu kuna Efuroni muHiti riri pakatarisana nokuMamure kuti rive nzvimbo yavo yokuviga vanhu. 14 Josefi akaviga baba vake ndokudzokera kuIjipiti pamwechete nehama dzake navose vakanga vaenda naye. Josefi anoregerera vakoma vake achivadzikamisawo mwoyo 15 Vakoma vaJosefi zvavakaona kuti baba vavo vafa vakakurukurirana vachiti, “Zvimwe Josefi achiri kutivenga, zvimwe ari kuronga twaanoronga kutsiva zvakaipa zvose zvatakamuitira, hatizive.” 16 Naizvozvo vakatumira Josefi shoko vachiti, “Baba venyu vakasiya vati 17 mundoudza Josefi kuti, ‘Ndinokumbira kuti uregererewo vakoma vako zvitadzo nezvakaipa zvavakaita nokuti vakakuitira zvakaipa.’ Saka isu varanda vaMwari wababa venyu tinoti, tapota tiregerereiwo zvatakutadzirai.” 18 Vakoma vake vakazouyawo vakamugwadamira vachiti, “Onai isu tiri varanda venyu.” 19 Josefi akavati, “Musatye zvenyu. Ko munoti ini ndiri Mwari here? 20 Kunyange zvazvo imi makandiitira bangano rakaipa, Mwari akarishandisa kuita zvakanaka zvaaida zvokuponesa vanhu vazhinji, sezvazviri nhasi uno. 21 Naizvozvo musatye zvenyu. Ini ndichakuchengetai mose navana venyu.” Josefi akavanyaradza achitaura mashoko okuvadzikamisa mwoyo. Kufa kwaJosefi 22 Josefi nemhuri yababa vake vakagara muIjipiti, akazofa ava nezana ramakore rina makore gumi. 23 Josefi akaona vana navazukuru vaEfuremu. Akaonawo vana vaMakiri mwanakomana waManase vakaberekwa achiripo. 24 Josefi akazotaurira hama dzake kuti, “Ini ndava kufa. Asi Mwari achakushanyirai, achazokutamisai munyika ino agoenda nemi kunyika yaakapikira Abhurahamu naIsaki naJakobho.” 25 Josefi akataurira vaIsiraeri kuti, “Ichokwadi kuti Mwari achakushanyirai. Saka imi tsidzai kuti muchatakura mutumbi wangu muchiendawo nawo.” 26 Josefi akafa ava nezana ramakore rine makore gumi. Vanhu vakaomesa chitunha chake vakachiisa mubhokisi muIjipiti imomo. |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe