Online Bible

- Reklamy -

Genesi 43 - Bhaibhiri Idzva rechiShona


Vakoma vaJosefi vanoenda kuIjipiti naBhenjamini

1 Nzara yakaruma zvakanyanya panyika.

2 Kuzoti zvokudya zvavakanga vabva nazvo kuIjipiti zvapera, baba vavo vakati kwavari, “Endaizve mundotitengera twokudya.”

3 Asi Judha akavati, “Murume wacho akatikohomedza kuti, ‘Handidi kana kumbokuonai pano pandiri kana musina munun'una wenyu.’

4 Kana mukatibvumira kuenda nomunun'una wedu tichandokutengerai zvokudya.

5 Asi mukaramba naye, isu hatingaende nokuti murume iyeyo akati, ‘Hamuzotenderwi kundiona kana musina munun'una wenyu.’ ”

6 Iye Isiraeri ndokuti, “Makaitireiko zvakaipa zvikadai? Makanga muchamuudzireiko kuti mune munun'una?”

7 Ivo vakati, “Murume iyeyo akatibvunzisisa kwazvo nezvedu nezvehama dzedu achiti, ‘Baba venyu vapenyu here? Mune mumwe munun'una here? Isu taingopindura zvatainge tabvunzwa chete. Ko taigoziva seiko kuti achazotiti uyai nomunun'una wenyu.’ ”

8 Judha akati kuna baba vake Isiraeri, “Dai mukandipa zvenyu mwana uyu tipinde munzira tiende kuti tose imi nesu navana vedu tipone tirege kufa.

9 Ini pachangu ndichamuchengeta. Chinenge chamuwana chawana ini. Kana ndikasadzoka naye ndichikupai ari mupenyu, mhosva ichava yangu upenyu hwangu hwose.

10 “Dai tisina kunonoka, pari zvino tingadai takatodzokerako ruviri rwese.”

11 Baba wavo Isiraeri vakavati, “Kana zvakadaro chidai izvi, mochitorawoka zvinhu zvakanaka zvatinazvo kuno motakura mutsapo dzenyu, moenda nazvo kundopa changamire iyeyo. Motakurawo twokuzora tunonhuhwira notuuchi namasiriridzi nemura neshomwe dzokudya namaarimondi.

12 Takurai mari yakapetwa kaviri kuwanda. Dzokeraiko nemari yamakadzorerwa iya yakaiswa pamuromo wetsapo dzenyu, zvimwe vangadaro vakakanganisa,

13 mutorewo munun'una wenyu musimuke muende, mudzokere zvenyu kumurume iyeyo zvakare.

14 Iye Aripagomo ngaakubatsirei, murume wacho agokuitirai tsiye nyoro abvume kuti Simeoni naBhenjamini vadzoke pamwechete nemi. Kana ndarasikirwa navana vangu ndarasikirwawo.”

15 Varume ava vakatora chipo ichi nemari yakapetwa kaviri kuwanda, pamwe chete naBhenjamini, vakasimuka vakaenda kuIjipiti kwavakasvika vakaonana naJosefi.

16 Kuzoti Josefi aona vaina Bhenjamini, akaudza mutariri wezvemba yake achiti, “Enda navarume ava kumba kwangu undobaya chipfuwo ugadzire zvokudya. Varume ava vachadya neni masikati ano.”

17 Mutariri uyu akaita zvaakaudzwa naJosefi, ndokuenda navo kumba kwaJosefi.

18 Varume ivavo vakatya pavakaunzwa kumba kwaJosefi. Vakati, “Taunzwa kuno nokuda kwemari iya yakadzoserwa mutsapo dzedu parwendo rwokutanga. Atiunza muno achida kuwana manzvengeredzero okutipomera mhosva achibva atisunga otiita varanda vake achibva atitorera madhongi edu.”

19 Nokudaro vakaenda kumutariri wezvemba yaJosefi vakataura naye vari pamusuo wemba.

20 Vakati, “Tapota changamire, takambouya kuno kuzotenga zvokudya

21 asi takati tichisvika patakavata usiku, takasunungura tsapo dzedu, wanei mari iya yakanga yabviswa nomumwe nomumwe wedu iri pamuromo wetsapo yake yakangodaro nomwero wayo chaiwo. Zvino heinoi mari yacho tadzoka nayo. Asi hatizivi akaisa mari yacho mutsapo dzedu.

22 Izvozvi totouya neimwe mari mumaoko kuzotenga zvokudya. Asi iya iya hatimboziva akaiisa mutsapo dzedu.”

23 Mutariri uyu ndokuti, “Regai zvenyu kutambudzika. Musatye zvenyu. Mwari wenyu, iye Mwari wababa wenyu, ndiye chete akakuisirai mari mutsapo dzenyu. Mari yenyu ndini ndakanga ndaigamuchira.” Ipapo akabva avaunzira Simeoni.

24 Mutariri uyu akapinda navo mumba maJosefi. Akavapa mvura, vakashamba tsoka dzavo. Akapawo madhongi avo zvokudya.

25 Varume ivavo vakafanogadzirira zvipo zvavo vachimirira Josefi akanga anzi achauya masikati kuzodya navo.

26 Josefi akazosvika mumba umu, varume ava vakandomugwadamira vachimupa zvipo zvavo.

27 Josefi akavabvunza zvokumusha kwavo achiti, “Ko baba venyu vaya vamakati vakwegura vakadii zvavo? Vachiri vapenyu here?”

28 Ivo vakati, “Muranda wenyu ivo baba vedu varipo zvavo, vapenyu vaya.” Vakagwadamira Josefi vachimuremekedza.

29 Josefi akatarisa ndokuona Bhenjamini munun'una wake, buda ndibudewo naye akati, “Saka uyu ndiye munun'una wenyu wokupedzesera wamakandiudza nhai? Mwari ngaakunzwire nyasha mwanangu!”

30 Pakarepo Josefi akanzwa mwoyo wake kurwadza pamusoro pomunun'una wake, akabva akurumidza kupinda mumba yomukati kundosvimha misodziari imomo.

31 Akashamba kumeso kwake akabudamo. Akazvisimbisa ndokuti, “Pakurai zvokudya.”

32 Vakapira Josefi zvokudya pake oga. Hama dzake dzakadyirawo padzo dzoga. VaIjipiti vaivamo vakadyirawo pavo voga, nokuti vaIjipiti pachavo vaiti kudya nevaHebheru, chinhu chakashoreka.

33 Vakagara pakatarisana naJosefi vakanyatsorongwa namazero avo kubvira kudangwe kusvikira kugotwe zvokuti vakatotarisana vachishamiswa nazvo.

34 Zvokudya zvaipakurwa zvichibva patafura yaJosefi. Asi Bhenjamini akapakurirwa zvokudya zvaidarika zvavamwe kakapetwa kashanu. Vakadya vakanwa vakafara pamwechete naye.

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy