Genesi 42 - Bhaibhiri Idzva rechiShonaVana vaJakobho vanoenda kuIjipiti kundosunza 1 Jakobho paakazviziva kuti kuIjipiti kune mbesanwa, akabvunza vana vake achiti, “Maita seiko kungotarisana kudai? 2 Inga ndakanzwa kuti kuIjipiti kune mbesanwa. Dai mukaendawo ikoko mundotitengera zvokudya tipone, tirege kufa.” 3 Ipapo vakoma vaJosefi gumi vakaenda kuIjipiti kundotenga zvokudya. 4 Asi Jakobho haana kuendesa Bhenjamini munun'una waJosefi pamwechete navo, aiti zvimwe angawane chinomuwana. 5 Nokudaro vanakomana vaJakobho vakauya kuzotenga zvokudya pamwechete navamwe vanhu vakanga vachiuyawo ikoko nokuti muKanani makanga mave nenzara. 6 Josefi aiva changamire munyika yeIjipiti. Ndiye aitengesera vanhu vose venyika iyoyo zvokudya. Vakoma vaJosefi vakasvikomugwadamira uso vakati pasi kota kota vachimuremekedza. 7 Josefi akaona vakoma vake akavaziva, asi akavabata sevatorwa akataura navo achivajinyura achiti, “Mabva kupiko?” Ivo vakati, “Tabva kunyika yeKanani, tauya kuzotenga zvokudya.” 8 Josefi akaziva zvake vakoma vake, asi ivo havana kumuziva. 9 Josefi akayeuka hope dziye dzaakarota dzaitaura nezvavo ndokuti, “Muri vasorika imi, mauya kuzoongorora nyika ino kuti muone payakaita zinyekenyeke mugoirwisa.” 10 Ivo vakati, “Kwete changamire! Isu varanda venyu tauya kuzotenga zvokudya chete. 11 Tose tiri vana vomunhu mumwechete. Tiri vanhu vakavimbika. Isu varanda venyu hatisiri vasori kwete.” 12 Josefi akati, “Aiwa, chamavinga imi kuzoongorora nyika ino kuti muone payakaita zinyekenyeke mugoirwisa.” 13 Ivo vakati, “Isu varanda venyu tiri vana gumi navaviri. Tiri vana vomunhu mumwechete. Tinogara kunyika yeKanani. Munun'una wedu wokupedzesera akasara nababa asi mumwechete akatisiya.” 14 Josefi akati, “Ndokusaka ndati muri vasori. 15 Ndinopika namambo Farao! Imi hamubve pano kana munun'una wenyu muduku asina kuuya pano. Ndipo pandichaziva kuti muri kutaura chokwadi. 16 Tumai mumwe wenyu andotora munun'una wenyu, asi imi vamwe mose muchasara muusungwa. Ndipo patichazoziva kuti muri kureva chokwadi here kana kuti kwete. Kana zvisina kudaro, ndinopika naFarao, muri vasori.” 17 Josefi akabva avaisa vose mujeri kwamazuva matatu. 18 Kuzoti mazuva matatu apera Josefi akati, “Ini ndinotya Mwari. Kana muchida kurarama chiitai zvandichareva. 19 Kana muri vanhu vanovimbika mumwe wenyu ngaasare ari mujeri. Vamwe vose moenda zvenyu nezvokudya zvokundopa mhuri dzenyu dzine nzara, 20 mozouya kwandiri nomunun'una wenyu wokupedzesera ndipo pachaonekwa kana zvamuri kutaura zviri zvechokwadi, murege kufa.” Vakaita saizvozvo. 21 Vakataurirana pachavo vachiti, “Mazvionaka! Isu takapara mhaka pamusana pomunun'una wedu wataiona achitambudzika achiteterera isu tikarega kuita hanya naye. Saka nhasi uno zvatiwirawo.” 22 Ipapo Rubheni akavati, “Muchiri kuyeuka here zuva riya randakati kwamuri regai kuitira mwana zvakaipa, mukaramba kunditeerera? Zvino maonaka ropa romunun'una wedu rava kutipfukira.” 23 Vakanga vasingazivi kuti Josefi ainzwa zvavaitaurirana nokuti Josefi akanga achiturikirwa. 24 Josefi akasuduruka akandosvimha misodzi. Akadzokazve akataura navo, akazotora Simeoni ndokumusunga, vamwe vose vachizviona. Vakoma vaJosefi vanodzokera kuKanani 25 Josefi akarayira kuti tsapo dzavo dzizadzwe nembesanwa. Akatiwo mari yomumwe nomumwe idzoserwe mutsapo yake, vapiwewo mbuva yaparwendo. Vakaitirwa saizvozvo. 26 Ipapo vakatakudza madhongi avo tsapo dzembesanwa vakapinda munzira. 27 Kuzoti vasvika pavakarara, mumwe wavo akasunungura tsapo yake kuti ape dhongi rake zvokudya, wanei mari yake iri pamuromo wetsapo yake. 28 Akataurira vamwe vake, achiti, “Ndadzoserwa mari yangu iyi, tarisai muone iyi iri pamuromo wetsapo yangu.” Vakarohwa nehana vakadedereswa nazvo. Vakataurirana vachiti, “Ko Mwari aitireiko kudai?” 29 Pavakasvika kuna baba wavo Jakobho kuKanani vakavarondedzera zvose zvakanga zvaitika kwavari vachiti, 30 “Murume watakaona'ku, changamire wenyika iyoyo akatijinyura achititi, tiri vasori vauya kuzoongorora nyika iyoyo. 31 Asi isu takamuti, ‘Tiri vanhu vanovimbika hatisi vasori. 32 Tiri vakomana gumi navaviri, vana vomunhu mumwechete. Asi mumwe wedu akatisiya. Munun'una wedu wokupedzesera akasara nababa vedu kuKanani.’ ” 33 Ipapo murume iyeyo, changamire wenyika iyoyo akatiti, “Ini ndichaziva kuti muri vanhu vanovimbika kana masiya mumwe wenyu kuno. Imi vamwe mose motora zvenyu mbesanwa muende kundopa mhuri dzenyu dziri munzara. 34 Mukauya nomunun'una wenyu wokupedzesera, ndipo pandichaziva kuti hamusi vasori, asi kuti muri vanhu vakavimbika. Ipapo ndichazokudzoserai mumwe wenyu, mozoita zvenyu mhindu dzokushava nadzo mari munyika ino.” 35 Pavakanga vodurura mbesanwa dzavo, vakawana mutsapo yomumwe nomumwe muine mari yake yakapfundirwa papfundo. Ivo nababa wavo pavakaona mapfundo emari yavo vakarohwa nehana vakatya. 36 Baba vavo, Jakobho vakati, “Zvino mandipedzera vana vangu. Josefi haasisipo. Simeoni haasisipo zvakare. Zvino munoda kutorazve Bhenjamini! Izvi zvose zvandiwira!” 37 Rubheni akapindura baba vake achiti, “Kana ndikasadzoka naBhenjamini, urayai zvenyu vana vangu vakomana vari vaviri. Muisei mumaoko angu, ndini ndinodzoka naye kwamuri.” 38 Asi Jakobho akati, “Mwana wangu haamboenda nemi. Mukoma wake akafa. Ndiye oga angosara. Dzimwe nguva angawane chinomuwana munzira. Kana mukadaro muchaita kuti ini ndachena musoro kudai ndisvike pakufa ndiine shungu mumwoyo.” |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe