Online Bible

- Reklamy -

Genesi 39 - Bhaibhiri Idzva rechiShona


Josefi nomukadzi waPotifari

1 Vanhu vechiIshimaeri vaye vakaenda naJosefi kuIjipiti. Akatengwa nomuIjipiti ainzi Potifari kuvaIshimaeri vainge vadzika ikoko. Potifari aiva jinda raFarao ari mukuru mukuru wavachengeti vokwamambo.

2 Tenzi aiva naJosefi. Naizvozvo akabudirira kwazvo agere mumba matenzi wake wechiIjipiti.

3 Potifari akaona kuti Tenzi akanga aina Josefi. Akaonawo kuti Tenzi ndiye aibatsira Josefi pazvinhu zvose zvaaiita, kuti zvibudirire.

4 Potifari akafadzwa naJosefi. Akamuita mutariri wezvemba yake zvose, akaturirawo mumaoko ake zvose zvaaiva nazvo.

5 Kubva panguva iyoyo yaakamuita mutariri wezvemba yake zvose, nezvose zvaaiva nazvo, Tenzi akakomborera mhuri yaPotifari pamusana paJosefi. Tenzi akakomborerawo upfumi hwake hwose hwaiva mumusha nehwaiva muminda.

6 Naizvozvo akaisa zvinhu zvake zvose mumaoko aJosefi. Nokudaro Potifari zvaaiva naye kudai akanga asisazvinetse nokufunga chokuita kusara kwezvokudya zvake chete. Josefi akanga ane chimiro chakanaka, aine chiso chakarurama.

7 Gare gare mudzimai waPotifari akachiva Josefi, akamukumbira kuti aite chakaipa naye.

8 Asi Josefi akaramba akati kumudzimai watenzi wake, “Tarisai muone, tenzi wangu aineni kudai, hapana chinhu chaanombozvinetsa nacho mumba, uye vakaisa zvinhu zvose zvavanazvo mumaoko angu.

9 Hakuna munhu ane simba kudarika ini pamba pano. Tenzi wangu akandipa masimba pamusoro pezvinhu zvose, kunze kwenyu imi moga nokuti muri mudzimai wake. Zvino ndingagoita sei chinhu chakaipa kudaro ndichitadzira Mwari?”

10 Kunyange zvake mudzimai uyu akanyengetedza Josefi zuva nezuva, Josefi akaramba kumuteerera akaramba kuita chakaipa naye kana kutandara naye.

11 Mumwe musi Josefi akapinda mumba achindoita basa rake, vamwe varanda vakanga vasimo.

12 Pakarepo mudzimai uyu akamuti ndu-u hanzu yake achiti, “Rara neni.” Ipapo Josefi akapukunyura akabva asiya hanzu yake muruoko rwomudzimai uyu ndokutizira panze.

13 Mudzimai uyu paakaona kuti Josefi apukunyura akasiya hanzu yake muruoko rwake achitizira panze,

14 akadaidza varanda vepamba pake vechirume akavati, “Mazvionaka! MuHebheru uyu watakaunzirwa ava kutivirimira. Auya achida kurara neni, ndikabva ndaridza mhere.

15 Zvaanzwa mhere yandaridza asiya hanzu yake akabva atizira panze.”

16 Mudzimai uyu akachengeta hanzu yaJosefi kusvikira tenzi wake vadzokera kumba.

17 Akamutaurira kuti, “Muranda uyu wechiHebheru wamakatiunzira pano, auya kuzondivirimira.

18 Asi pandaridza mhere abva asiya hanzu yake akatizira panze.”

19 Tenzi wake akatsamwa zvikuru paakanzwa zvakataurwa achiti, “Ndizvo zvandakaitirwa nomuranda wenyuka izvi.”

20 Akabva aisa Josefi mujeri maisipfigirwa vasungwa vamambo. Nokudaro Josefi akapfigirwa mujeri akagaramo.

21 Asi Tenzi aiva naJosefi, akaramba achimuitira mwoyochena, akaita kuti mutariri wejeri amuitire mwoyo wakanaka.

22 Mutariri wejeri akaisa vasungwa vose vakanga vari mujeri mumaoko aJosefi. Zvose zvaiitwa mujeri zvaitariswawo naJosefi.

23 Mutariri wejeri haaimbozvinetsa nezvinhu zvaitariswa naJosefi nokuti Tenzi aiva naJosefi achimubatsira kuti zvose zvaaiita zvibudirire.

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy