Online Bible

- Reklamy -

Genesi 37 - Bhaibhiri Idzva rechiShona


IV: NHOROONDO YOUPENYU HWAJOSEFI Josefi navakoma vake

1 Jakobho aigara munyika yeKanani maimbogara baba vake achiti apa garei tamei apa garei.

2 Heinoi nhoroondo yemhuri yaJakobho. Josefi paakanga ava jaya rine makore gumi namanomwe aienda navakoma vake kundofudza zvipfuwo. Vakoma vake ava vaiva vana vaBhiriha naZiripa vakadzi vababa vake. Josefi aigarovachera kuna Isiraeri baba vake.

3 Isiraeri aida Josefi chaizvo kupfuura vamwe vana vake vose nokuti akazoberekwa ivo vakwegura. Akasonera Josefi hanzu yakanga yakareba, yemaoko marefu.

4 Vakoma vake vakazviona kuti baba vavo vaimuda kupfuura vamwe vose, vakamuvenga vakatadzawo kunyatsotauriranawo naye zvakanaka.

5 Rimwe zuva Josefi akarota hope dzake. Paakadziudza vakoma vake, vakabva vatonyanya kumuvenga.

6 Akati, “Donzwai hope dzangu dzandarota.

7 Tanga tichisunga zvisote zvekoroni mumunda, wanei chisote changu chakanyatsoti twi-i kumira. Zvisote zvenyu zvakomberedza changu zvikabva zvazochikotamira.”

8 Vakoma vake vakati, kwaari “Heya! Saka unofunga kuti uchava ishe wedu ugotitonga tose nhai!” Vakanyanya kumuvengera zviroto zvake nezvaaitaura.

9 Akazorota zvakare dzimwe hope, ndokuudza vakoma vake achiti, “Ndarotazve dzimwe hope. Ndaona zuva nomwedzi nenyenyedzi gumi neimwe zvichindikotamira.”

10 Asi paakaudza baba vake navakoma vake izvozvo, baba vake vakamutsiura vachiti, “Ko iwe dzako ihopei dzaunongoti ndarota ndarota? Heya unoreva kuti ini namai vako navakoma vako, chaizvoizvo tichazogwadamira iwe nhai?”

11 Vakoma vake ndokubva vava kumuitira shanje, asi baba vake vakazvipfundira mumwoyo mavo.


Kutengeswa kwaJosefi nokuendeswa kwake kuIjipiti

12 Vakoma vaJosefi vakandofudzira hwai dzababa vavo kuShikemu.

13 Zvino Isiraeri akati kuna Josefi, “Handiti vakoma vako vari kufudzira zvipfuwo kuShikemu? Uya ndikutume kwavari.” Josefi akati, “Zvakanaka, nditumei henyu.”

14 Jakobho akati, “Enda kuna vakoma vako vari kufudza zvipfuwo undoona kuti kwakadii, ugodzoka wondiudza.” Saizvozvo akamutuma achibva kubani reHebhuroni achienda kuShikemu.

15 Ipapo mumwe murume akaona Josefi achipukaira musango. Murume uyu akati, “Uri kutsvakei?”

16 Josefi akati, “Ndiri kutsvaka vakoma vangu vari kufudza zvipfuwo. Ko mungandiudzewo kwavari here?”

17 Murume uyu ndokuti, “Vakabva pano, nokuti ndakavanzwa vachiti, ‘Ngatiendei kuDhotani.’ ” Josefi akatevera vakoma vake ikoko akandovawanira kuDhotani.

18 Zvino vakoma vake vakamuona achiri kure, asati asvika pedyo navo, vakarangana kuti vamuuraye.

19 Vakataurirana vachiti, “Heyo shasha iye yokurota yauya.

20 Ngatimuurayei, timukande mune rimwe gomba, tozoti akadyiwa nechikara, tigoona kuti kurota kwake kwacho kuchasvikepi.”

21 Rubheni paakazvinzwa, akanunura Josefi mumaoko avo achiti, “Ngatiregei kumuuraya.”

22 Rubheni akatizve, “Ngatiregei kudeura ropa. Mukandei zvenyu mugomba iri riri pano murenje muno asi musawane chamunoita kwaari.” Akareva izvozvo achida kununura Josefi mumaoko avo kuti azomudzosera kuna baba vake.

23 Kuzoti Josefi asvika kuvakoma vake, vakamukatanura hanzu yake aya yaakanga akapfeka, yakanga yakareba, yemaoko marefu.

24 Vakamubata vakamukanda mugomba risina mvura.

25 Vakagara pasi vava kudya zvavo, ndokubva vaona dungwerungwe revaIshimaeri vaibva kuGiriadhi vachienda kuIjipiti. Vakanga vaine ngamera dzavo dzakanga dzakatakura zvokuzora zvinonhuhwira zvinoti, gamu neBharimu tunonhuhwirira.

26 Zvino Judha akati, kuvakoma navanun'una vake, “Kuuraya munun'una wedu, tichizoramba mhosva yacho kunobatsireiko?

27 Uyai timutengese kuvaIshimaeri tirege kumukuvadza nokuti munun'una wedu chaiye, tiri veropa rimwechete.” Vakoma navanunun'una vake vakabva vamuteerera.

28 Kuzoti vashambadzi vorudzi rwevaMidhiani ava vasvikapo, vakoma vake vakakweva Josefi vachimuburitsa mugomba umu, vakabva vamutengesa kuvaIshimaeri ndokupiwa mari yesirivha makumi maviri, vaIshimaeri ava ndokuenda naye kuIjipiti.

29 Rubheni paakazodzokera kugomba kuya, akaona Josefi musisina, ndokubva abvarura hanzu dzake neshungu.

30 Akadzokera kuvanun'una vake, ndokusvikoti, “Vakomana, inga mwana haasisimo mugomba. Zvino ini ndinoenda kupiko ini!”

31 Vakabva vauraya mbudzi ndokunyika hanzu yaJosefi iya muropa rayo.

32 Vakatumira hanzu yake yemaoko marefu iya kuna baba vavo vachiti, “Onai zvatanonga izvi. Tarisaiwo muone kana iri hanzu yomwana wenyu kana kuti kwete.”

33 Jakobho akaiziva ndokubva ati, “Inga ihanzu yomwana wangu! Akadyiwa nechikara chete! Chokwadi Josefi akaparara!”

34 Jakobho akabvarura hanzu dzake neshungu. Akapfeka masaga akabva achema mwana wake kwamazuva mazhinji.

35 Vana vake vose vakomana navasikana vakaedza kumunyaradza, asi mwoyo wake wakaramba kusununguka. Akati, “Ndichadzamara kufa ndichizoenda kunzvimbo yavachakabvu ndichichema mwana wangu.” Ndokuchema kwaiita baba vake zuva nezuva.

36 Izvo vaMidhiani vaye vakanga vatotengesa Josefi kuIjipiti, kuna Potifari, jinda raFarao raiva mukuru mukuru wavachengeti vokwamambo.

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy