Genesi 36 - Bhaibhiri Idzva rechiShonaZvizvarwa zvokwaEsau ( 1 Nhor 1:34–37 ) 1 Izvi ndizvo zvizvarwa zvokwaEsau ainziwo Edhomu. 2 Esau akaroora madzimai echiKanani vaiti; Adha mwana waEroni werudzi rwavaHiti naOhoribhama mwana waAna, mwanakomana waZibheoni worudzi rwavaHivhi, 3 naBhasimati hanzvadzi yaNebhayoti mwana waIshimaeri. 4 Adha akaberekera Esau Erifazi, Bhasimati akaberekawo Rueri. 5 Ohoribhama akabereka Jeushi naJaramu naKora. Ivava ndivo vanakomana vaEsau vakaberekerwa munyika yeKanani. 6 Esau akasiya munun'una wake Jakobho ndokubva atamira kure. Akaendako namadzimai ake navana vake vakomana navasikana navanhu vake vose. Akaendawo nemombe nezvimwe zvipfuwo zvake noupfumi hwake hwose hwaakanga awana munyika yeKanani. 7 Esau akatama nokuti iye naJakobho vakanga vava nezvipfuwo noupfumi hwakawanda, vasisinawo mafuro anovakwanira kuti vagare pamwechete. 8 Esau akandogara mumakomo mudunhu reSeiri. Esau uyu ndiye akarevo Edhomu. 9 Hezvinoi zvizukuru zvokwaEsau tateguru weEdhomu aigara munyika yamakomo yeEdhomu. 10 Aya ndiwo mazita avanakomana vaEsau. Adha mudzimai waEsau akabereka Erifazi. Bhasimati mukadzi waEsau akaberekawo Rueri. 11 Vanakomana vaErifazi ndiTemani naOmari naZefo naGatamu naKenazi. 12 Timuna akanga ari murongo waErifazi mwanakomana waEsau, naiyewo akaberekera Erifazi mwana mukomana ainzi Amareki. Ivava ndivo vanakomana vaAdha mukadzi waEsau. 13 Avawo ndivo vanakomana vaRueri kwaiti, Nahati naZera naShama naMiza. Ivava ava ndivo vanakomana vaBhasimati mukadzi waEsau. 14 Mudzimai waEsau ainzi Ohoribhama mwanasikana waAna, mwanakomana waZibheoni, akabereka Jehushi naJaramu naKora. 15 Dangwe raEsau rainzi Erifazi, rakabereka vanakomana vakazova madzishe. Madzishe acho ndiwo ano aya: Temani naOmari naZefo naKenazi, 16 naKora naGatamu naAmareki. Ndiwo madzishe okwaErifazi aigara munyika yeEdhomu akaberekwa naAdha. 17 Mwana waEsau ainzi Rueri akaberekawo vanakomana vakazova madzishe munyika yeEdhomu. Madzishe acho ndeaya: Nahati naZera naShama naMiza ivava ndivo madzishe okwaRueri aigara munyika yeEdhomu akaberekwa naBhasimati mukadzi waEsau. 18 Ohoribhama mudzimai waEsau akaberekawo vanakomana vakazova madzishe munyika yeEdhomu. Madzishe acho ndiwo anowo aya anoti: Jeushi naJaramu naKora. Ivava ndivo madzishe akaberekwa nomudzimai waEsau mwanasikana waAna. 19 Saka ivava ndivo vanakomana vaEsau kana kuti Edhomu pamwechete namadzishe avo. Zvizvarwa zvokwaSeiri ( 1 Nhor 1:38–42 ) 20 Ava ndivo vanakomana vaSeiri vorudzi rwechiHori vagari vomunyika iyoyo. Kwaiti Rotani naShobharu naZibheoni naAna, 21 kwoti Dhishoni naEzeri naDhishani. Ivava ndivo vaiva madzishe evaHori munyika yeEdhomu. 22 Vanakomana vaRotani ndevano ava Hori naHemamu. Timina ndiyo yaiva hanzvadzi yaRotani. 23 Vanakomana vaShobharu ndivo avawo, Arivhani naManahati naEbhari naShefo naOnamu. 24 Vanakomana vaZibheoni ndaava vanoti Aiya naAna. Ndiye Ana uya akawana zvitubu zvemvura inopisa musango, achifudza madhongi ababa vake Zibheoni. 25 Ana akabereka mwana mukomana ainzi Dhishani akaberekawo mwanasikana ainzi Ohoribhama. 26 Vanakomana vaDhishani ndiHemudhani naEshibhani naItirani naKerani. 27 Vanakomana vaEzeru ndiBhirihani naZaavhani naAkani. 28 Vanakomana vaDhishani ndiUzi naArani. 29 Haanoi mazita amadzishe evaHori, kwaiti Rotani naShobharu naZebheoni naAna, 30 kwouya Dhishani naEzeri. Ivava ndiwo madzishe echiHori vaigara munyika yeSeiri namadzinza awo. Madzimambo eEdhomu ( 1 Nhor 1:43–54 ) 31 Haanoi madzimambo akatonga muEdhomu vaIsiraeri vasati vava namadzimambo. 32 Paiti Bhera mwanakomana waBheori akatonga muEdhomu. Zita reguta rake rainzi Dhinihabha. 33 Kuzoti Bhera afa, Jobhabhu mwanakomana waZera wokuBhozera ndiye akasara akatonga pachinzvimbo chake. 34 Jobhabhu akazofa ndokubva Hushamu wedunhu revaTemani atonga panzvimbo yake. 35 Pakafa Hushamu, Hadhadhi mwanakomana waBhedhadhi akatonga pachinzvimbo chake. Ndiye Hadhadhi uya akakurira Midhiani kusango reMoabhu. Zita reguta rake rainzi Avhiti. 36 Hadhadhi akazofa, Samira wokuMasareka akabva atonga pachinzvimbo chake. 37 Samira akazofa, Shauro weRehobhoti naYufuratesi ndokutonga pachinzvimbo chake. 38 Shauro akafa Bhaarihanani mwanakomana waAkabhori ndokutonga pachinzvimbo chake. 39 Bhaarihanani, mwanakomana waAkabhori akafa, Hadhari akatonga pachinzvimbo chake. Zita reguta rake rainzi Pau. Zita romudzimai wake rainzi Mehetabheri, aberekwa naMatiredhi, mwanasikana waMezahabhi. 40 Mazita amadzishe okwaEsau, nedzimba dzavo, namaguta avo, ndaaya anoti: Timina 41 naArivha naJeteti naOhoribhama, naEra naPinoni, 42 kwouya Kenazi naTemani, 43 naMibhuzari, naMagidhieri naIramu. Iwaya ndiwo madzishe okwaEdhomu namatunhu avo. Esau ndiye tateguru wavaEdhomu. |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe