Online Bible

- Reklamy -

Genesi 13 - Bhaibhiri Idzva rechiShona


Kuparadzana kwaAbhuramu naRoti

1 Abhuramu akabva muIjipiti iye nomudzimai wake nezvinhu zvose zvaaiva nazvo pamwechete naRoti vakaenda kuNegevhu.

2 Abhuramu akanga akapfuma kwazvo. Aiva nemombe nesirivha nendarama.

3 Akazosumuka muNegevhu akafamba kudzamara asvika kuBhetieri padongo riya raakanga akadzika matendhe ake pakutanga riri pakati peBhetieri neAi,

4 paya paakavaka atari pakutanga. Ipapo Abhuramu akanamata kuna Yahweh achimudoma nezita.

5 Roti uya aifamba naAbhuramu aivawo nemombe nezvimwewo zvipfuwo namatendhe ake

6 zvokuti kwakanga kusina mafuro akakwana okufudzira zvipfuwo zvavo pamwe chete. Upfumi hwavo hwakanga hwakawandisa zvokuti vakanga vasisakwanise kuchange vachagara pamwechete.

7 Pakanga pangove nokupopotedzana pakati pavafudzi vezvipfuwo zvaAbhuramu nezvaRoti. Panguva iyoyo vaKanani nevaPerizi vakanga vachigerewo munyika iyoyo.

8 Abhuramu akataurirana naRoti achiti, “Ngatiregei kuitirana gakava, kunyange vafudzi vedu ngavaregewo kuitirana gakava nokuti tiri hama nehama.

9 Inga nyika ndiyo yese iyi yawakatarisa. Dai tikachiparadzana zvedu. Kana ukasarudza kuenda kuruboshwe, ini ndichaenda kurudyi. Kana ukasarudza kuenda kurudyi, ini ndichaenda kuruboshwe.”

10 Roti akatarisa akaona kuti bani rose romuna Jorodhani rakananga kuZoari rakanga riri bani renyika nyoro kwose kwose, rakaita sebindu raTenzi, sezvakaitawo nyika yeIjipiti. Izvozvo Tenzi akanga asati aparadza Sodhomu neGomora.

11 Saka Roti akazvisarudzira bani rose romuna Jorodhani, akabva atamira kumabvazuva. Ndiko kuparadzana kwavakaita.

12 Abhuramu akagara munyika yeKanani, Roti akandogarawo pakati pamaguta aiva mubani riya, akadzika matendhe ake pedyo neSodhomu.

13 Vanhu veSodhomu vakanga vakaipa mwoyo, vaitadzira Tenzi kwazvo.


Abhuramu anotamira kuHebhuroni

14 Kuzoti Abhuramu naRoti vaparadzana Tenzi akataurira Abhuramu achiti, “Uri pauri ipapo, tarisa kuchamhembe nokumaodzanyemba, kumabvazuva nokumadokero,

15 nokuti nyika iyoyi yose yauri kuona ndichaipa kwauri nezvizvarwa zvako nokusingaperi.

16 Ndichaita kuti zvizvarwa zvako zviwande seguruva renyika zvokuti kana kuine munhu anogona kuverengeta guruva renyika ndiye angagonewo kuzoverenga zvizvarwa zvako.

17 Chisimuka ufambe uchimema nyika iyoyi uone kureba kwayo noupamhi hwayo, nokuti ndiyoyi nyika yandichakupa.”

18 Ipapo Abhuramu akandodzika matendhe ake paiva nemiti yemioku paMamure kuHebhuroni, akavakira Tenzi atari ipapo.

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy