Ezekieri 9 - Bhaibhiri Idzva rechiShonaChirango cheJerusaremu 1 Mwari akazodaidza nezwi guru ini ndichinzwa nenzeve dzangu achiti, “Swederai kuno imi vanhu veguta vokuuraya vanhu, munhu nomunhu akapakata muruoko chombo chake chokuparadzisa.” 2 Ndipo pakabva pati tutururu kusvika varume vatanhatu vachibva nokuSuo Guru rokumusoro rakatarisa kuchamhembe, mumwe nomumwe wavo akapakata muruoko chombo chake chokuurayisa. Vaiva nomumwe murume akapfeka rineni kaguchu keingi padivi pake. Vakapinda vakasvikomira munyasi meatari yendarira iya. 3 Ipapo kupenya kwokuvapo kwaTenzi weIsiraeri kwakanga kwabva pamakerubhu pakwaigara kwaenda kumusuo wemba yacho. Iye akadaidzira kumurume akanga akapfeka rineni uya aiva nekaguchu keingi padivi pake. 4 Ipapo Tenzi akati kwaari, “Enda nomuguta, nomuJerusaremu uise rupao pahuma dzavanhu vanodemba vachidunura pamusana pezvinhu zvose zvinosemesa zviri, kuitwa mariri.” 5 Kuna vamwe akataura ndichinzwa, achiti, “Endai nomuguta muchimutevera muchiuraya, musaite tsiye nyoro kana kunzwira tsitsi. 6 Urayayi varume vakuru, majaya nemhandara, navana vaduku namadzimai asi ane rupao regai kana kumubata. Tangirai paNzvimbo yangu Inoera.” Saizvozvo vakatanga navarume vakuru vaive mberi kweTemberi. 7 Ndokubva avati, “N'oresai imba iyi muzadze nhandare dzacho navanhu vanenge vaurayiwa. Chiendai!” Saizvozvo vakaenda kundouraya vanhu muguta. 8 Vachingunorakatisa kuuraya vanhu kudaro ini ndakasara ndangova ndoga ndokuti nouso kwidiba ndichichema ndichiti, “Aa-a nhai Tenzi Mwari asi mava kutoparadza zvose zvakasara zveIsiraeri pamusana pokuvirukira kwenyu Jerusaremu nehasha?” 9 Iye ndokunditi, “Mhosva yemba yokwaIsiraeri neyokwaJudha yakurisisa. Nyika yazara ropa; guta rizere namaitiro asina ruenzaniso nokuti vanoti Tenzi akafuratira nyika iyi uye Tenzi haaoni. 10 Zvino ini handichavaitira tsiye nyoro kana kunzwa tsitsi. Asi ndichaita kuti kuita kwavo ikoko kuvapfukire.” 11 Hezvo munhu uya akanga akapfeka rineni aine kaguchu keingi parutivi akadzoka neshoko achiti, “Ndaita sezvamandiudza.” |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe