Online Bible

- Reklamy -

Ezekieri 47 - Bhaibhiri Idzva rechiShona


Rwizi runoyerera ruchibva muTemberi

1 Akazodzokera neni kumusuo weTemberi, onei mvura ichibuda pazasi pomusuo weTemberi yakananga kumabvazuva (nokuti Temberi yakanga yakatarisa kumabvazuva.) Zvino mvura iyoyo yaiyerera pasi ichibva nechapazasi pamucheto pakadziva kumaodzanyemba kwomusuo weTemberi, nechokumaodzanyemba kweatari.

2 Akazondiburitsa kunze nokuSuo Guru rokuchamhembe akatenderera neni kunze ikoko kuSuo Guru rokunze rakatarisa kumabvazuva. Mvura yaibuda kudivi rokumaodzanyemba.

3 Akananga kumabvazuva aine tambo yokueresa mumaoko akabva aera panoita mazana mashanu amamita ndokubva afamba neni nomumvura imomo iyo yakanga ichinyudza zvokusvika muchiziso chegumbo.

4 Akaerazve mamwe mazana mashanu emamita akafamba neni nomumvura imomo, iyo yakanga ichinyudza zvokusvika mumabvi. Akaerawo mamwe mamita mazana mashanu akabva ofamba neni nomumvura macho, yakanga zvino yosvika muchiuno.

5 Akazoerazve mamwe mazana mashanu amamita, rwakanga rwatova rukova rwandakanga ndisisakwanise kuyambuka nokuti mvura yakanga yakwira. Yakanga yawanda zvokuti munhu aitogona kushambira mairi rwava rukova rusisayambukiki.

6 Akazonditi, “Nhaiwe mwanakomana womunhu, waona here izvi?” Akabva adzokera neni achitevedza mahombekombe orukova irworwo.

7 Pandaidzoka kudaro, ndakaona kumativi erwizi rwacho miti yakawanda kwazvo uku nokuku.

8 Akati kwandiri, “Mvura iyoyi inoyerera yakananga kuruwa rwamabvazuva ichidzika nokuArabha. Kana yapinda mugungwa inoita kuti mvura yacho inake.

9 Kwose kunoyerera rwizi irworwo, zvipenyu zvose zvinoshambira zvichararama. Imomo muchava nehove dzakawanda nokuti mvura iyoyi inoenda imomo kundoita kuti mvura yegungwa inake. Ipapo zvinhu zvose zvichararama kwose kunosvika rwizi urwu.

10 Varauri vehove vachamira pedyo negungwa iroro; kubvira kukasipiti kuEnigedhi kusvikira kukasipiti keEnigiraimu pachange pari nzvimbo yokutambanudzira mimbure, hove dzayo dziri dzemhando dzakasiyana kwazvo sehove dzokugungwa guru.

11 Asi zvidzengerere zvarwo zvemvura namajakwi haazova mvura yakanaka zvichasiyiwa kuri kuitira munyu.

12 Mumahombekombe kumativi erwizi rwacho ose ari maviri kuchamera miti yamarudzi ose yemichero. Mashizha ayo haazosvava kana michero yayo kukuva. Asi kutoti ichabereka michero mitsva mwedzi nomwedzi nokuti mvura yayo inoyerera ichibva muNzvimbo Inoera. Michero yayo ichava chokudya, mashizha ayo ari mushonga wokurapisa.”


Miganhu yenyika

13 Zvanzi naTenzi Mwari, “Iyi ndiyo miganhu yamuchakamuranisa nayo nyika yenhaka pakati pamadzinza gumi namaviri eIsiraeri. RokwaJosefi richawana migove miviri.

14 Munofanira kuikamuranisa zvakaenzana. Ndakatsidzira kuzoipa kumadzibaba enyu, zvino nyika iyoyi ichava mumaoko menyu senhaka yenyu.

15 “Uyu ndomuganhu wenyika iyoyi kuchamhembe: “Kutangira kugungwa guru zvichienda nokuHetironi kusvikira pokunge tava kupinda kuHamati nokuZedhadhi

16 nokuBheratati nokuSibhuraimu (iri pamuganhu pakati peDhamasikusi neHamati) kusvikira kuHazerihatikoni iri pamuganhu wokuHaurani.

17 Saka muganhu uchabva kugungwa kudzamara kusvika kuHazerenoni iri kuchamhembe kwemuganhu wokuDhamasikusi nokumuganhu wokuHamati kuchamhembe. Ikoku ndokuchave kudivi rokuchamhembe kwomuganhu.

18 “Kudivi rokumabvazuva, muganhu wacho uchadimura napakati peHaurani neDhamasikusi uchitevedza rwizi rwaJorodhani pakati peGireadhi nenyika yeIsiraeri kusvikira kuGungwa roKumabvazuva kusvikira kuTamari. Ndouchava muganhu wokumabvazuva iwoyu.

19 “Kudivi rokumaodzanyemba, uchabvira kuTamari kudzamara kumvura yokuMeribhakadheshi wotevedza kaKova keIjipiti kusvikira kuGungwa Guru. Iwoyu ndomuganhu wacho wokumaodzanyemba.

20 “Kudivi rokumadokero, Gungwa Guru ndiro richava muganhu wacho kusvikira pamwe pakatarisana nokunge tava kusvika kuHamati. Ndiro richava divi rokumadokero.

21 “Ndokukamurirana kwamuchaita nyika iyoyi pakati penyu zvichienderanawo namadzinza eIsiraeri.

22 Munofanira kuigova senhaka yenyu iyemi navatorwa vagere mamuri vakatoberekawo vana pakati penyu. Kwamuri imi vachange vakangoita savana vevhu vomuIsiraeri. Vanofanira kugoverwa pamwechete nemi mugove wenhaka pakati pemadzinza eIsiraeri.

23 Mudzinza ripi zvaro munenge mugere mutorwa iyeyo ndimo maanopiwa nhaka yake.” Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari.

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy