Ezekieri 46 - Bhaibhiri Idzva rechiShonaZvinonangana nashe namazuva makuru 1 Zvanzi naTenzi Mwari, “Suo Guru romunhandare yomukati rakatarisa kumabvazuva rinofanira kupfigwa pamazuva matanhatu ebasa. Asi pazuva reSabata racho rinofanira kuzarurwa uye napaZuva Guru roKugara kwoMwedzi rinofanira kuzarurwa. 2 Ishe anosungirwa kupinda nokukamba kapaSuo Guru ari nechokunze omira panzvimbo pake amire nebango repaSuo Guru iroro. Vapristi vanosungirwa kupira mupiro wake wokupisa nomupiro wake wokuwadzana agopfugama ari kumusuo kweSuo Guru iroro. Anofanira kuzobuda asi Suo Guru racho harifaniri kuzarirwa kusvikira mumanheru. 3 Vanhu venyika iyoyo vanosungirwa kupfugama pamusuo weSuo Guru iroro pana Tenzi pamazuva eSabata napaMazuva Makuru okugara kweMwedzi. 4 Mupiro wokupisa unopirwa nashe kuna Tenzi pazuva reSabata ndowehwayana nhanhatu dzisina chinoshoreka padziri nehondohwe isinawo chinoshoreka pairi, 5 uyewo mupiro woupfu hwembesanwa nehondohwe yazvo hunofanira kuva bhagidhi kwouya mupiro woupfu hwembesanwa nehwayana dzacho uchava sapaanogona napo pamwechete namarita mana amafuta eorivhi pabhagidhi. 6 PaZuva Guru roKugara kwoMwedzi anosungirwa kupira handira ichiri duku isina chinoshoreka pairi nehwayana nhanhatu nehondohwe dzisina chinoshoreka padziri. 7 Anofanira kuona kuti pave nebhagidhi roupfu nehandira yacho uye bhagidhiwo roupfu nehondohwe uyewo nehwayana sapaanogonawo napo pamwechete namarita mana amafuta eorivhi pabhagidhi. 8 Panopinda ishe anosungirwa kupinda nokukamba kapaSuo Guru uye anofanira kuzobuda nokumwecheteko. 9 “Panouya vanhu venyika iyoyo pana Tenzi, pamazuva makuru akatemwa, anenge apinda nokuSuo Guru rokuchamhembe kuzonamata anosungirwa kubuda neSuo Guru rokumaodzanyemba. Anenge apindawo nokuSuo Guru rokumaodzanyemba ngaandobuda neSuo Guru rokuchamhembe. Hakuna anofanira kudzoka nokuSuo Guru kwaanenge ambopinda nako asi kutoti munhu ose anofanira kuramba achingoenda chete mberi. 10 Pavanopinda pacho, ishe anofanira kupinda pamwechete navo, pavanozobudawo, iye anofanira kubuda. 11 Pamazuva makuru napamwaka yakatemwa, mupiro woupfu hwembesanwa nehandira ichiri duku unofanira kuva bhagidhi kwouya hondohwe nebhagidhi kwozoti hwayana sapaanogona napo kupa pamwechete namarita maviri amafuta eorivhi. 12 Ishe paanoona kuti pave nomupiro wokupa nechido, ungave mupiro wokupisa kana mipiro yokuwadzana somupiro wokupa nechido kuna Tenzi, Suo Guru rakatarisa kumabvazuva acharizarurirwa. Ipapo anofanira kupira mipiro yake yokupisa kana mupiro wake wokuwadzana sezvaanoita musi weSabata. Ndipo paanozobuda, kana aenda Suo Guru robva razarirwa. Mupiro wokupira zuva nezuva 13 “Anofanira kuita kuti pave nehwayana ine gore rimwechete isina chinoshoreka yomupiro wokupisira kuna Tenzi zuva nezuva. Ngaaitewo kuti uvepo mangwanani oga oga. 14 Anosungirwa kuita kuti pave nomupiro wembesanwa pamwechete nawo mangwanani oga oga, hupfu hunokaroita marita mana uye mafuta eorivhi anokaroita marita maviri okunyava upfu hwacho hwekoroni somupiro wembesanwa wokupira kuna Tenzi. Iwoyu ndiwo murao womupiro wokupisa unoramba uchiitwa. 15 Nokudaro hwayana iyoyo nomupiro woupfu hwembesanwa namafuta eorivhi zvinofanira kuitwa kuti zvivepo mangwanani oga oga kuitira kuti mupiro wokupisa urambe uchiitwa.” Kugovera nyika kunoita ishe 16 Zvanzi naTenzi Mwari, “Kana ishe akapa chipo kumwanakomana wake upi zvake chinobva panhaka yake chichava chavanakomana vake. Inhaka yavo yavakaita zvokusiyirwa. 17 Asi kana ishe apa chipo chacho chichibva panhaka yake achipa mumwe wavaranda vake, chichava chomuranda iyeyo kusvikira pagore rorusununguko. Ipapo ndipo pachinozodzoserwa kunashe. Vanakomana vake chete ndivo zvavo vangagone kuramba vakachengeta chipo chenhaka yake. 18 Ishe haafaniri kutora kai zvako kenhaka yavanhu ivava achivadzinga panyika yavo. Anosungirwa kupa vanakomana vake nhaka yavo yaanoita zvokubvisa pazvinhu zvake iye pachake kuitira kuti parege kuva kana nomumwe wavanhu vangu anozotorerwa zvinhu zvake.” Dzimba dzepaTemberi dzokubikira 19 Akazondiunza napamusuo waiva padivi peSuo Guru kumutsara wokuchamhembe wedzimba dzinoera dzavapristi. Ipapo ndakaona imwe nzvimbo kumucheto kwadzo kwokupedzisira chaiko kumadokero. 20 Iye akabva anditi, “Iyoyi ndiyo nzvimbo inofanira kubikwa chibayiro chokuripira mhosva nomupiro wokupirira zvitadzo uye ndipo pavanosungirwa kubikira mupiro woupfu hwembesanwa kuitira kuti varege kuiburitsa kunhandare yokunze vangadaro vakaitisa vanhu zvinhu zvinoera.” 21 Akazondiunza kumberi kunhandare yokunze akaenda neni kumativi mana enhandare iyoyo. Pakona yoga yoga yenhandare iyoyo pakange paine ruvanze. 22 Mukona ina dzenhandare iyoyo maiva nezvivanze zviduku zvinoita mamita makumi maviri kureba noupamhi hunoita mamita gumi namashanu, pahuna hwazvo kudaro zvakanga zvakaenzana. 23 Nechomukati kutenderera zvivanze izvozvo, rumwe norumwe rwakanga rwakati chechetere nomutsara wamabwe paine zvoto zvakaitwa nechepasi pemitsara yacho kutenderera. 24 Iye ndokubva ati kwandiri, “Idzodzi idzi ndodzimba dzokubikira, ndimo munozobikirwa zvibayiro zvavanhu ava navanhu vanoshanda paTemberi.” |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe