Ezekieri 36 - Bhaibhiri Idzva rechiShonaChikomborero chaTenzi kuIsiraeri 1 “Iwe mwanakomana womunhu porofita wakanangana namakomo eIsiraeri uti, imi makomo eIsiraeri inzwai shoko raTenzi, 2 zvanzi naTenzi Mwari, pamusana pokuti muvengi akati nezvako, ‘Hekanhi waro, nzvimbo dzapasichigare dzakatunhumara dzavawo dzedu.’ 3 Saka chiporofita uchiti zvanzi naTenzi Mwari, pamusana pokuti, hongu, pamusana pokuti vakaita kuti uve renje vakakupwanya kumativi ose zvokuti makave mumaoko amamwe marudzi ose ukava pamiromo yavanhu vachikureva, 4 naizvozvo imi makomo eIsiraeri chinzwai shoko raTenzi Mwari. Zvanzi naTenzi kumakomo nokuzvikomo nokumakoronga nokumapani uye kumarenje asina chinhu nokumatongo amaguta ava nyama zvayo yamagora nechiseko zvacho kumamwe marudzi avanhu vomunharaunda. 5 “Naizvozvo zvanzi naTenzi Mwari ndiri kutaura izvi ndiine shanje chaiyo kumamwe marudzi nokuEdhomu yose vakazvipa nyika yangu kuti ive yavo vachitopembera kufara nomwoyo wose vachishora zvakanyanya kuti vaiite yavo vaipambe. 6 “Naizvozvo chiporofita wakanangana nenyika yeIsiraeri uti kumakomo nokuzvikomo nokumakoronga nokumapani Tenzi Mwari ari kuti, chinzwai ndiri kutaura ndiine shanje nehasha nokuti makanyara nokushorwa namarudzi. 7 Saka zvanzi naTenzi Mwari, ndinosimudza ruoko rwangu ndichipika kuti marudzi ose ari munharaunda menyu ndivo vachanyara. 8 Asi imi makomo eIsiraeri, mapazi enyu achatungira mugoberekera vanhu vangu veIsiraeri muchero wenyu nokuti vachadzokera kumusha iye zvinouno 9 nokuti, chionai, ini ndiri kudivi kwenyu uye ndichakucheukai, mucharimwa mugodyarwa. 10 Ndichaitawo kuti mauri vanhu vatekeshere, imba yose yaIsiraeri, yose zvayo. Maguta achagarwa navanhu nenzvimbo dzerenje dzichavakwa misha. 11 Uye ndichaita kuti vanhu nemhuka zvitekeshere mamuri zviberekane zviwande. Ndichakonzera kuti vanhu vagare mamuri sapakutanga uye ndichakuitirai zvakanaka zvakawanda kupinda kare. Ndipo pamuchaziva kuti ndini Tenzi. 12 Ndichaita kuti vanhu vafambe pamuri, ivo vangu vaIsiraeri, ivo vachakuita nyika yavo, iwe uchava nhaka yavo. Hauzoita kuti vafirwe navana zvakare. 13 Zvanzi naTenzi Mwari pamusana pokuti vanhu vanoti kwamuri anodya vanhu uye kuti unokonzera kuti rudzi rwavanhu vako vafirwe navana. 14 Ipapo zvokudya vanhu hauchazviitazve kana zvokukonzera kuti rudzi rwavanhu vako vafirwe navanazve, ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari. 15 Handichakurega uchinzwa zvokushorwa namarudzi uye hauchazonyadziswa navanhu. Hauzokonzera rudzi rwako kuti rwugumburwe.” Ndizvo zviri kutaura Tenzi. Mugariro mutsva weIsiraeri 16 Izwi raTenzi rakauya kwandiri richiti, 17 “mwanakomana womunhu imba yokwaIsiraeri payaigara munyika mayo yakain'oresa nenzira dzavo nezviito zvavo. Kwandiri, maitiro avo akanga akaita sokun'ora kwomukadzi anenge achitevera 18 saizvozvo ndakavavirukira nehasha pamusana peropa ravakadeura munyika, uye pamusana pezvifananidzo zvokunamata zvavakain'oresa nazvo. 19 Ndakavamwararisa mukati memarudzi vakabva vatiwo mwarara mukati medzinyika. Ndakavaranga zvakaenzanirana namaitiro avo. 20 Pavakaenda mumarudzi, kwose kwose kwavakasvika vakan'oresa zita rangu rinoera paizonzi navanhu ndivoka ava vanhu vaTenzi asi vakabuda munyika make imomo. 21 Asi ini ndakaita hanya nezita rangu rinoera rakan'oreswa nemba yaIsiraeri mukati memarudzi kwavakaenda. 22 “Naizvozvo taurira imba yaIsiraeri kuti zvanzi naTenzi Mwari zvandavakuita handisi kuitira imi vemba yaIsiraeri asi pamusana pezita rangu rinoera ramakan'oresa mukati memarudzi kwamakaenda. 23 Ndicharatidza kuyera kwezita rangu guru rakan'oreswa mukati memarudzi, ramakan'oresa iyemi mukati mavo. Marudzi achaziva kuti ndini Tenzi, ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari. Ipapo ndinenge ndazviita nemamuri ndichiratidza kuyera kwangu ivo vachiona. 24 Chiripo ndechichi chokuti ini ndichakubvisai mumarudzi ndigokukokorodzai kubva munyika dzose ndigokuuisai kunyika yenyu. 25 Ndichakusasai mvura yakachena muchibva machenurwa kun'ora kwenyu kwose. Ndichakuchenurai kuzvifananidzo zvenyu zvokunamata. 26 Ndichakupai mwoyo mutsva ndigoisa mamuri mweya mutsva. Ndichabvisawo mamuri mwoyo wedombo ndichikupai mwoyo wenyama. 27 Ndichaisa mweya wangu mamuri, ndigoita kuti mutevere mirawo yangu nokuchengeta zvirewo zvangu. 28 Muchagara munyika yandakapa kumadzibaba enyu, muchava vanhu vangu ini ndichava Mwari wenyu. 29 “Ndichakununurai kune zvose zvinokun'oresai, ndichati kuuye mbeswa, dziwande uye handizokupai nzara. 30 Ndichaita kuti michero yemiti nezvirimwa zvomumunda zviwande kuitira kuti murege kuzonyara pakati pamarudzi nenhamo yenzara. 31 Ndipo pamuchayeuka maitiro enyu akaipa nezviito zvenyu zvisina kunaka. Muchazvisema pamusana pouipi hwenyu nezviito zvenyu zvinosemesa. 32 Zvandinenge ndichiita ndinenge ndisingaitire imi. Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari. Zvizivei izvozvo. Nyaraiwo, munyarewo nezviito zvenyu imi vemba yaIsiraeri.” 33 Zvanzi naTenzi Mwari, “Pazuva randichakuchenurai kuuipi hwenyu hwose ndichaita kuti maguta agarwe navanhu. Matongo achavakwazve. 34 Nyika yerenje icharimwa panze pokuva renje kwayaive sokuonekwa kwayaiitwa navapfuuri. 35 Vachati nyika yaive renje yaita sebindu reEdheni. Maguta akanga aparadzwa akasiiwa ava matongo asina chirimo ava kugarwa navanhu uye atova norusvingo. 36 Ipapo marudzi anenge asara munharaunda yenyu achaziva kuti ini Tenzi ndini ndakavakazve maguta iwayo ndikarima maive renje. Ndini Tenzi ndazvitaura uye ndichazviita.” 37 Zvanzi naTenzi Mwari, “Izvozvi izvi ndichati vemba yaIsiraeri vandikumbire kuti ndiwanziridze vanhu sedanga rezvipfuwo. 38 Sezvinongoita matanga ezvipfuwo zvechibayiro, samatanga ezvipfuwo muJerusaremu pamazuva makuru akatemwa. Ndizvo zvichaita maguta aiva matongo kuzara navanhu. Ndipo pavachaziva kuti ndini Tenzi.” |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe