Online Bible

- Reklamy -

Ezekieri 31 - Bhaibhiri Idzva rechiShona


Ijipiti inoenzaniswa nomuti womusidhari

1 Mugore regumi nechiposhi mumwedzi wechitatu pazuva rokutanga romwedzi iwoyu, izwi raTenzi rakauya kwandiri rikati,

2 “Mwanakomana womunhu iti kuna Farao mambo weIjipiti nokuhuzhinji hwenyika yeIjipiti: “Ndiani waungafananidzwe naye chaizvo paukuru hwako?

3 SeAsiriaka! Yakanga yakaita somuti womusidhari wokuRebhanoni namapazi anoyevedza mumvuri wesango, wakareba zvikuru kwazvo zvokuti dzu-u kumira mukati megwindingwi chairo resango.

4 Mvura zhinji yakauwanisa zvokudya, mvura yapasi pevhu yakaukudza, tukova twaierera kutenderera pawakanga umire pose pachiita makoronga kumiti yose yesango.

5 Naizvozvo iwo wakachiti dzu-u kureba pamusoro pemiti yose yesango. Mapazi awo akava makuru, matavi awo akareba pamusana pemvura zhinji.

6 Shiri dzose dzedenga dzakaita matendere adzo mumapazi awo, mhuka dzose dzakaberekera vana vadzo pasi pamapazi awo, marudzi ose avanhu makuru akaita musha wawo mumumvuri wawo.

7 Kukura kwawakanga wakaita kwaiyevedza, nomureberowo wakanga wakaita mapazi awo nokuti midzi yawo yaienda kumvura yakawanda.

8 Pamisidhari yaiva mumunda waMwari hapana waiupfuura kureba, kunyange musaipurasi zvawo waimboenzana nawo mapazi awo. Pamapazi, muti iwoyo mupureni hahwaimbopasvika. Hapana muti mumunda waMwari waienzana nawo parunako.

9 Ndakaita kuti uve unoyevedza nezanzwe rokuwanda kwamapazi awo miti yose yomuEdheni, yaiva mumunda waMwari yakauitira shanje.

10 “Naizvozvo, zvanzi naTenzi Mwari, ‘Pamusana pokuti wakarebaka iwe kuita nhungamakore chaiyo mukati megwindingwi resango ukava nomwoyo wokuzvikudza nourefu hwako ihwohwo,

11 naizvozvo ini ndichakuisa mumaoko momumwe ana masimba pakati pamarudzi avanhu, achaita kwauri zvakakodzerana nokuipa kwako. Ndakakurasa ini.

12 Vatorwa, vanhu vorudzi rwakaipisa kwazvo vacharitemera pasi vagorisiya rakadaro. Matavi awo achawira pamakomo nomumapani ese. Uye mapazi awo akatyoka achati kata kata pasi munoyerera nemvura munyika iyoyo. Vanhu vose vapasi pano vachabva mumumvuri mawo vachiusiya.

13 Pamatongo pawo ndipo pachagara shiri dzose dzedenga uye pamapazi pawo paine mhuka dzose dzesango.

14 Zvose izvozvi, kuri kuitira kuti kurege kuva nomuti unokura pedyo nemvura zvokuti unoreba kuti dzu-u mugwindingwi resango, uye kuti parege kuva nomuti unonwa mvura zvokureba saivo nokuti chavo chavatemerwa kufa nokuenda pasi pasi penyika pakati pavanhu pamwechete navanodzika kugomba.’ ”

15 Zvanzi naTenzi Mwari, “Pauchadzika kunzvimbo yavashakabvu, ndichaita kuti uchemwe ndichamisa nzizi dzawo uye mvura zhinji ichamiswa. Ndichapfekedza Rebhanoni nhamo yokuuchema, miti yese yesango ichanava pamusana pawo.

16 Ndichaita kuti marudzi adedere nokuriridza kwokuwa kwawo, pandichaukanda pakadzika munzvimbo yavachakabvu pamwechete navanodzika kugomba. Izvozvo miti yose yomuEdheni inoyevedza yakanakisisa yeRebhanoni yose zvayo inonwa mvura ichanyaradzwa pasi pasi penyika ipapo.

17 Naiyowo ichadzika kunzvimbo yavachakabvu nawo kune vakaurayiwa nebakatwa, vayawo vakaita misha mumumvuri mawo pakati pamarudzi avanhu vachaparara.

18 “Pakati pemiti yomuEdheni, ndianiwo zvake akaita sewe pambiri noukuru? Zvakadaro zvazvo uchadzikiswa pamwechete nemimwe miti Edheni kunzvimbo yapasi pasi. Uchavata mukati mavasina kudzingiswa pamwechete navakauraiwa namapakatwa. Ndizvo zvichamuwana Farao izvi negurusvusvu rake ravanhu.” Ndizvo zvinotaura Tenzi Mwari.

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy