Online Bible

- Reklamy -

Ezekieri 28 - Bhaibhiri Idzva rechiShona


Chiporofita chakanangana namambo weguta reTire

1 Izwi raTenzi rakauya kwandiri richiti,

2 “Iwe mwanakomana womunhu iti kujinda reTire, zvanzi naTenzi Mwari: “Pamusana pokuti une mwoyo wokuzvikudza, uchizviti ndiri mwari; ndinogara pachigaro chavamwari; pakati chaipo pamakungwa asi iwe uri munhu zvako asiri Mwari kunyange zvazvo uchifunga kuti uri mungwaru saMwari.

3 Ichokwadi kuti wakangwaraka iwe kupinda Dhanieri hakuna chakavandika kwauri,

4 noungwaru hwako nokunzwisisa kwako wakazviwaniraka upfumi iwe ukazviunganidzira ndarama nesirivha munzvimbo dzako dzaunochengetera upfumi iwe;

5 nouchenjeri hwako hwakadzama mumhindu dzokutengeserana ukawedzera upfumi hwako ukava nomwoyo wokuzvikudza mukupfuma kwako ikoko,

6 nezvo zvanzi naTenzi Mwari, ‘Iwe zvaunozviti mumwoyo mako uri mungwaru saMwari,

7 naizvozvo chirega uone, ndichakuunzira vatorwa pauri, vanhu vakaipa mwoyo pamarudzi ose. Vachaburitsira bakatwa ravo voparadza runako rwoungwaru hwako uye vagosvibisa iyo mbiri yako.

8 Vachakukanda mugomba, uchafa rufu rwokupondwa mukatikati memakungwa.’

9 “Uchazoramboti ndiri mwari here pamberi pavanokuuraya, iwe uri munhu zvako usiri Mwari izvozvo uri mumaoko mavanokukuvadza?

10 Uchafa rufu rwavasina kudzingiswa uchifira mumaoko mavatorwa nokuti ndini ndataura.” Ndizvo zvinotaura Tenzi Mwari.


Kuparara kwamambo weguta reTire

11 Izwi raTenzi rakauyazve kwandiri richiti,

12 “Iwe mwanakomana womunhu ungudza uchichema mambo weTire uti kwaari, zvanzi naTenzi Mwari: “Iwe waiva mucherechedzo wokukwana uzere noungwaru norunako rwakakwana.

13 Mawakanga ugere muEdheni, mumunda waMwari, ibwe rose rakakosha riri chishongo chako pachiti mabwe erubhi neekaneriani netopazi nejasipa needhaimhondi nebheriri neonikisi neesafaya neketekoizi neemeradhi; tumasefa twako twokugadzikira twakanga twakaitwa nendarama nezvimwe zvako zvawakaveza. Pazuva rawakasikwa zvakanga zvatogadzirirwa.

14 Ndakakuisapo hangu nekeribhu rokukuchengetedza ukava pamusoro pegomo rinoera raTenzi. Pakati pemabwe omoto ndipo pawaifamba napo.

15 Wakanga usina chinongo mukuita kwako kubvira panguva yawakasikwa kudzamarara pakuzowanikwa uipi mauri.

16 Mukuwanda kwemhindu dzako dzokutengeserana wakazara utsinye ukazoita chitadzo. Ipapo ndakakukanda pasi sechinhu chakan'ora zvacho kubva pagomo raMwari. Ipapo kerubhu rokuchengetedza rakazokudzinga pakati pamabwe omoto.

17 Wakava nomwoyo wokuzvikudza pamusana porunako rwako; wakaodza ungwaru hwako uchifuririka nomukurumbira wako. Ndakakunda pasi ndikakuisa pachena zvapo panotoonekwawo namamwe madzimambo kuti vakutarise zvavo.

18 Nokunyanyawo kwakanga kwaita kuipa kwako mukushaya kwako nduramo pamhindu dzako dzokutengeserana wakan'oresa Nzvimbo dzako Dzinoera. Naizvozvo ndakatungidza moto mukati mako ukakuroromesa ndikakuita madota zvawo ari pasi mumaziso mevose vaikuona.

19 Vose zvavo vanokuziva mukati memarudzi avanhu, vakadumbirwa nezvako wasvika pamugumo wakaipa uye hauchazovipo narini wose.”


Chiporofita chakanangana neguta reSidhoni

20 Izwi raTenzi rakauya kwandiri rikati,

21 “Iwe mwanakomana womunhu chinangana neSidhoni uporofite wakanangana neguta iroro uchiti:

22 “Zvanzi naTenzi Mwari, ‘Chinzwa, ndanangana newe iwe Sidhoni. Ndichaonesa mbiri yangu mukati mako imomo. Ndipo pavachazoziva kuti ndini Tenzi pandicharitemera chirango charo ndicharatidza kuera kwangu mariri.

23 Ndinodaro nokuti ndichatumira denda kwariri nokudeuka kweropa mumigwagwa yaro. Vanenge vaurayiwa vachati rakata mukati maro nebakatwa rinenge rorirwisa kumativi ose zvawo. Ndipo pavachazoziva kuti ndini Tenzi.’


Isiraeri ichakomborerwa

24 “Zvino kana zviri zvemba yaIsiraeri hakuzombovizve norukato runobaya kana munzwa unovakuvadza pakati pavavakagarisana navo vaimbovashora. Ipapo ndipo pavachazoziva kuti ndini Tenzi Mwari.”

25 Zvanzi naTenzi Mwari, “Pandichakokorodza veimba yaIsiraeri mukati memarudzi mavakapararira ndichiratidza kuera kwangu mavari mumaziso mendudzi idzodzo, vachazogara munyika yavo yandakapa kuna Jakobho muranda wangu.

26 Ivo vachagara pasina chinovawana mairi; vachavaka dzimba vachisima minda yamagirepisi. Vachagara zvavo pasina chinovawana pandicharanga vavakagarisana navo vose ivo vaya vakambovashora. Ipapo ndipo pavachazoziva kuti ndini Tenzi Mwari wavo.”

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy